Chechitatu
Ramba Uchiratidza Kuti Unoonga
BHAIBHERI RINODZIDZISEI? “Ongai pamusoro pezvinhu zvose.”—1 VaTesaronika 5:18.
CHINOITA KUTI ZVIOME. Tinorarama nevanhu vanozvikudza uye vasingamboongi, zvokuti tinopedzisira tava kungoita saivo. (2 Timoti 3:1, 2) Uyezve, tinganzwa tichida kuita zvinhu zvakawanda-wanda kunyange hazvo tichitorarama upenyu hwechipatapata. Tinogona kumomoterwa nenhamo kana kuti kuguma tati sika-sika nekutsvaka zvatinoda zvokuti tinopedzisira tisisina nguva yokuona zvimwe zvakanaka zvatinotova nazvo kana kuti yokuonga zvatinoitirwa nevamwe.
ZVAUNGAITA. Zvipe nguva yokufungisisa nezvezvinhu zvakanaka zvaunotova nazvo. Ichokwadi kuti unogona kunzwa sokuti waoneswa chitsvuku nenhamo. Asi chimbofunga muenzaniso waMambo Dhavhidhi. Pane dzimwe nguva miedzo yaiita kuti anzwe akaneta uye akarukutika. Kunyange zvakadaro, akanyengetera kuna Mwari achiti: “Ndakafungisisa mabasa enyu ose; ndakaramba ndichifunga nezvebasa remaoko enyu ndiine chido.” (Pisarema 143:3-5) Pasinei nemiedzo, Dhavhidhi akaramba achionga uye airamba achigutsikana.
Chimbofunga kubatsirwa kwawakaitwa nevamwe, wobva wavatenda. Zvakaitwa naJesu muenzaniso wokuti titevedzerewo. Somuenzaniso, shamwari yake Mariya payakadira mafuta aidhura chaizvo mumusoro uye patsoka dzake, vamwe vakabvunza kuti: “Nei mafuta aya anonhuhwirira apambadzwa?”a Vashori ava vaiona sokuti mafuta acho aifanira kutengeswa mari yacho yobva yapiwa varombo. Jesu akavapindura akati: “Muregei akadaro. Nei muchiedza kumunetsa?” Akabva awedzera kuti: “Aita zvaaigona.” (Mako 14:3-8; Johani 12:3) Pane kuti nanga-nanga nezvisina kuitwa naMariya, Jesu akaonga chaizvo zvaakanga aita.
Vamwe vanozoona kukosha kwemhuri, shamwari, kana kuti mamwe makomborero avanga vainawo pavanenge vasisina. Kuti zvisazodaro, funga nezvezvinhu zvakanaka zvaunazvo iye zvino. Wadii kufunga nezvezvinhu zvacho zvose, kana kutoita zvokuzvinyora pasi?
Sezvo “zvipo zvose zvakanaka” zvichibva kuna Mwari, zvinokosha kuti timuonge tichiita zvokunyengetera. (Jakobho 1:17) Kugara tichiita izvozvo kunogona kutibatsira kuti tirambe tichiratidza kuti tinoonga uye togutsikana.—VaFiripi 4:6, 7.
[Mashoko Omuzasi]
a Muzana remakore rokutanga, kudira mafuta mumusoro womuenzi kwairatidza kuti muenzi agamuchirwa; uye kudira tsoka kwairatidza kuzvininipisa chaizvo.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Unoonga here zvaunoitirwa nevamwe?