Zviri Mukati
July 15, 2010
Yokudzidza
NYAYA DZICHADZIDZWA VHIKI DZINOTEVERA:
August 30, 2010–September 5, 2010
Zvichabudiswa Pachena Nezuva raJehovha
PEJI 3
September 6-12, 2010
“Munofanira Kuva Vanhu Vorudzii!”
PEJI 7
September 13-19, 2010
Shanda Nesimba Mukukohwa Kukuru Kuri Kuitwa
PEJI 16
September 20-26, 2010
“Mudzimu Unoongorora . . . Zvinhu Zvakadzama zvaMwari”
PEJI 20
CHINANGWA CHENYAYA DZICHADZIDZWA
NYAYA DZOKUDZIDZA 1, 2 MAPEJI 3-11
Mutsamba yake yechipiri, muapostora Petro akaratidza kuti aiva nehanya chaizvo nevaKristu vaizorarama munguva yomugumo. Nyaya mbiri idzi dzichatibatsira kuramba tichifunga nezvezuva raJehovha. Tichakurukura zvatisingafaniri uye zvatinofanira kuita kuti tive vakagadzirira zuva guru raJehovha.
NYAYA YOKUDZIDZA 3 MAPEJI 16-20
Tiri kurarama munguva yokukohwa kukuru. Tinofanira kuva neunhu hwakaita sei kuti tikwanise kuita basa rokuparidza zvizere? Kana zvinhu zvisiri kunyatsotifambira zvakanaka tingaite sei? Nyaya iyi ichapindura mibvunzo iyi.
NYAYA YOKUDZIDZA 4 MAPEJI 20-24
Nyaya ino inokurukura zvatingaita somunhu mumwe nomumwe kuti tibatsirwe zvizere nezvinoitwa nomudzimu waMwari pakutibatsira kunzwisisa Shoko rake.
DZIMWEWO NYAYA:
“Usatya. Ini Ndichakubatsira” 12
Itai Kuti Vana Venyu Vafarire Kuverenga Nokudzidza 25
“Ramba Uchishingairira . . . Kudzidzisa” 29
Kungwarira Mikana Yokuparidza Kwakava Nezvibereko Zvinofadza 32