Swedera Pedyo naMwari
“Muchava Akavimbika”
HAPANA chingatirwadza kupfuura kubatiswa dombo kana kunyengedzwa nemunhu watinovimba naye. Kuodzwa mwoyo zvakadaro kwakajairika chaizvo munyika ino ine vanhu vasina kuvimbika. (2 Timoti 3:1-5) Pane watingati uyu ndiye acharamba akavimbika kwatiri asingazotibatisi dombo here? Ngatimboonai zvakataurwa naMambo Dhavhidhi weIsraeri yekare.
Panguva yaairarama, Dhavhidhi ndiye munhu akabatiswa dombo chaizvo. Sauro, mambo wokutanga waIsraeri aiva negodo, akamumanikidza kuti ararame somupoteri uye akamutambudza. Mumba make chaimo, Mikari, mudzimai wake haana kuramba akavimbika kwaari, asi “akatanga kumuzvidza mumwoyo make.” (2 Samueri 6:16) Ahitoferi chipangamazano waDhavhidhi waaivimba naye, akabatana nevamwe pakumupandukira akava mutengesi. Ndiani aitungamirira kupanduka kwacho? Chinotoshamisa ndechokuti Absaromu mwanakomana waDhavhidhi ndiye nyakuzvironga! Dhavhidhi paakaona kuti vanhu vaaivimba navo vairamba vachimubatisa pasi, akabva aora mwoyo here akati hakuchina munhu akavimbika?
Mhinduro yacho tinoiwana mumashoko akataurwa naDhavhidhi akanyorwa pana 2 Samueri 22:26. Dhavhidhi, murume aiva nokutenda kusingazununguki, paakanyora rwiyo rwaaiita zvokudetemba akati nezvaJehovha Mwari: “Muchava akavimbika kune akavimbika.” Dhavhidhi aiva nechivimbo chokuti kunyange vamwe vanhu vakamurwadzisa, Jehovha aizoramba akavimbika kwaari.
Ngatimbonyatsoongororai mashoko aDhavhidhi. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “muchava akavimbika” rinogona kunziwo “muchava nemutsa worudo.” Rudo ndiwo musimboti wokuvimbika kwechokwadi. Jehovha anoda kuramba akavimbika kune vaya vakavimbika kwaari.a
Cherechedzawo kuti kuvimbika hakungogumiri pakutaura, unotofanira kuzviita. Dhavhidhi akazvionera kuti Jehovha akavimbika uye ndizvo zvaari. Panguva yaakanga amomoterwa nenhamo, Jehovha akamubatsira nokumudzivirira uye kumutungamirira samambo akavimbika. Dhavhidhi akatenda chaizvo akarumbidza Jehovha pamusana pokuti akanga amununura “muchanza chevavengi vake vose.”—2 Samueri 22:1.
Tinodzidzei pamashoko aDhavhidhi? Jehovha haachinji. (Jakobho 1:17) Anogara achiita zvinoenderana nemitemo yake uye agara achiita zvaanenge avimbisa. Mune rimwe remapisarema ake, Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha . . . haazosiyi vakavimbika vake.”—Pisarema 37:28.
Jehovha anokoshesa kuvimbika kwedu. Anokoshesa kuteerera nokuvimbika kwatinoita, uye anotikurudzira kuti titevedzere kuvimbika kwake pane zvatinenge tichiita nevamwe. (VaEfeso 4:24; 5:1) Kana tikaratidza kuvimbika munzira idzi, tinogona kuva nechivimbo chokuti haazombotisiyi. Kunyange vamwe vanhu vakatibatisa pasi, tinogona kuvimba kuti Jehovha achatibatsira kuti tikunde matambudziko atingasangana nawo muupenyu. Unonzwa uchida kuswedera pedyo naJehovha “akavimbika” here?—Zvakazarurwa 16:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhuku ra2 Samueri 22:26 rinotaura zvakafanana nezviri pana Pisarema 18:25. Imwe shanduro yeBhaibheri inoshandura pisarema iri ichiti: “Mucharatidza kuti mune rudo kune akavimbika.”—The Psalms for Today.