“Mashoko Akanaka” Ari Kuparidzwa Muzvitsuwa Zviri Kure Kure Kuchamhembe Kweaustralia
JESU akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa.” (Mateu 24:14) Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera murayiro waJesu uyu uye zvinoedza kuudza vanhu mashoko ari muBhaibheri pasinei nokuti vanhu vacho vanogara kupi. (Mateu 28:19, 20) Basa iri rinoitwa nevanhu vanenge vakazvipira, pasinei nokuti dzimwe nguva zvinhu zvinenge zvisingavafambiri zvakanaka uye vachishandisa mari yavo.
Somuenzaniso Nathan naCarly, vakagadzirisa mararamiro avo vachiitira kuti vakwanise kuparidzira vanhu vanogara kuzvitsuwa zveTorres Strait. Muna 2003, mumwe mumiririri wehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha iri kuAustralia akavakumbira kuti vatamire kuchitsuwa cheThursday kuti vanopinda neungano yeko. Chitsuwa ichocho ndechimwe chezvitsuwa zvakawanda zvinoratidzika zvakanaka chaizvo zviri mugungwa rePacific pakati peAustralia neNew Guinea.
Muna 2007, mhuri yavo yakatenga chikepe chekare chemapuranga chainzi Teisan-Y, chaishandiswa pakutsvaka maparera. Vakashandisa mari yavo kuti vagadzirise chikepe chacho ndokutanga kuita nzendo dzokunoparidzira vanhu vanogara kuzvitsuwa gumi zviri kure zvikuru, ivo vachigara pachitsuwa cheThursday. Nzendo dzavo dzakanga dzakaita sezvinotevera.
January 2008: Nhasi, ndaenda neigwa kuBamaga, rwendo rwemakiromita 80 kuenda nokudzoka, kunotora Zvapupu zvitanhatu zvinogara ikoko. Iye zvino takwira muTeisan-Y, takananga kuzvitsuwa zveWarraber nePoruma. Matangi emafuta akazara, ane marita 5 500 anoita $2.00 parita. Chikepe chacho hachisi kumbofamba, chiri kuita makiromita gumi chete paawa. Asi mamiriro okunze akanaka chaizvo, zvokuti mugungwa hamuna kana masaisai.
Patinosvika, tinomisa chikepe chedu nechekumahombekombe, vamwe vedu vashoma vane hama dziri paWarraber vopinda muigwa, uye tinonoona mukuru mukuru wepachitsuwa ichocho kuti tipiwe mvumo yokuparidza. Mukuru mukuru wacho mufundisi wechechi yeko asi anotibvumira kuti titaure nevanhu vanogara imomo. Tinoita zvimwe chete paPoruma uye tinobvumirwa kuparidza. Vanhu vacho vane ushamwari chaizvo uye vanoda kuverenga mabhuku edu. Tinotanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda.
April 2008: Tinoronga kuenda kuDauan, Saibai, nekuBoigu, zvitsuwa zvitatu zviri kure chaizvo, pedyo nemuganhu nePapua New Guinea (PNG). Mamiriro okunze anobva ashata, uye tinobva tachinja rwendo rwedu tonanga kuchitsuwa cheMabuiag. Chitsuwa cheMabuiag chinongova makiromita 70 chete kubva pachiteshi chengarava chekwatiri kugara, asi tichafamba makiromita 140 patinenge tichinzvenga-nzvenga tuzvitsuwa twemakorari twakati wandei.
Zifungu rinosunungura igwa kubva pachikepe cheTeisan-Y. Tinokonesa chikepe pakati pemafungu akakura kuti tinotora igwa redu. Vakawanda vari muchikepe vava kunzwa mudumbu nokutya.
Pachitsuwa cheMabuiag tinobvumirwa kuparidza, uye vanhu vacho vanotikwazisa noushamwari zvokuti tinobva takanganwa kuti tambenge tichiona chitsvuku. Mumwe mukadzi anofara chaizvo kunzwa mashoko edu zvokuti anotora mamwe mabhuku kuti anoaisa kuraibhurari kwaanoshanda.
May kusvika October 2008: Tinotadza kuenda kune zvimwe zvitsuwa nemhaka yemamiriro ekunze asina kunaka. Nguva yacho tinoishandisa kuparidza kwatinogara, kushanda, uye kugadzira chikepe chedu.
Chikepe chacho chine zvakawanda zviri kuda kugadzirwa, saka tinoenda pachiteshi chikuru chengarava cheWeipa tobudisa chikepe chacho mumvura chiri pangoro huru. Tinofunga kuti tichanozvigona toga, asi tinozoona kuti tanga takarasika! Zvapupu zveko zvinoshandisa nguva yazvo kutibatsira kugadzira chikepe chacho, zvakadai sokugadzira pombi dzemvura, kupenda, uye kuveza mapuranga. Vamwe vanotipa zvokudya. Vamwewo vanotipa zvokushandisa parwendo rwedu rwokuparidza runotevera. Hatigoni kutsanangura mutsa wavanotiitira uye rubatsiro rwavanotipa.
December 2008: Zvekare tinobva tati tande kuDauan, Saibai, neBoigu. Tinonzvenga madutu tichishandisa muchina unonzi radar uye tinonzvenga-nzvenga tuzvitsuwa twemakorari tichishandisa muchina unotibatsira kuziva patiri kufamba. Kuti tisvike kuDauan nechikepe zvinoda maawa 12, asi ichi ndicho chitsuwa chakanaka samare pazvitsuwa zvose zvatakamboona. Makomo akareba ane matombo anosvika mumakore. Vanhu vokuDauan vanotiteerera nomwoyo wose uye tinoronga kuzoramba tichikurukura navo nyaya dzeBhaibheri pafoni kana tadzokera kumba.
Mumwe mudzimai weko anonzi Lettie, zvichida akanga ambowana magazini edu uye akakumbira mamwe mabhuku. Hofisi yebazi yokuAustralia yakamutumira mabhuku acho uye yakatumirawo ungano yedu tsamba ichitikumbira kuti kana zvichiita timushanyire. Tinozowana Lettie uye tinofara kumubatsirawo kugutsa chido chake chokunamata.
Pachitsuwa cheSaibai mukuru mukuru wepo anotirambidza kuparidzira vagari vepachitsuwa chacho. Asi anobvumira vamwe vedu vane hama dziri pachitsuwa chacho kuti vadzishanyire uye vakurukure nadzo. Ndine basa randiri kuitira hurumende rokupenda dzimba paSaibai, uye zvinombotibatsira kuti tiwane imwe mari yokushandisa.
Imwe hanzvadzi yedu inonzi Tassie, inobva mune mumwe musha uri kuPNG, anongova makiromita mana kubva paSaibai. Nemhaka yechibvumirano chavakasainirana nehurumende yeAustralia, vagari vokuPNG vanokwanisa kuuya kuzotenga nokutengesa paSaibai. Tassie anosangana nevanhu vanobva kumusha kwake uye haana mabhuku akakwana okuvapa vose. Kubva paakava chapupu chaJehovha, aka ndekokutanga kusangana nevanhu vanobva kumusha kwake. Tinodzokera kuchikepe tomuunzira bhokisi remabhuku, mazhinji acho ari mumutauro unonzi Tok Pisin. Tassie anotsanangura mashoko eBhaibheri kuboka revanhu vanodarika 30 vokuPNG, uye vaya vanofarira vanotora mabhuku ose ari mubhokisi racho. Musha wavanogara unongosvikika nechikepe chete uye kunenge kuti hauna kumbobvira washanyirwa neZvapupu zvaJehovha.
Zvakaoma kuti tisvike pachitsuwa chokupedzisira cheBoigu. Tasarirwa nemakiromita mana uye mvura yakadzika mamita maviri nehafu chete. Pasi pechikepe panenge pakadzika mumvura nemamita 1,8. Ini nemumwe watiri kufamba naye tinotora igwa kuti tiwane pokufamba napo pangatisvitsa pachitsuwa ichocho. Mvura iri kutsvotsvoma, uye tatota! Zvinotitorera maawa maviri kuti tiwane pokufamba napo.
Patinosvika, vanhu vepachitsuwa ichi vanoshamisika vachitiudza kuti muchina wandiri kushandisa hauna kururama uye kuti hapana kunyange mukuru mukuru anochengetedza mahombekombe egungwa kana mauto anoshandira mumvura anosvika munzvimbo iyi. Mukuru mukuru wepachitsuwa chacho anotirambidza kuparidza asi anobvumira vamwe vatiri kufamba navo vane hama dziri pachitsuwa chacho kuti vadzishanyire uye vadziparidzire. Tinoremekedza zviri kudiwa nomukuru mukuru wacho uye tinoshanyira vomumhuri chete. Mumwe murume anogamuchira bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?,a obva atanga kuriverenga, uye anotanga kunyora mibvunzo kumashure kweBhaibheri rake. Gare gare murume iyeye anokurukurwa naye paanoshanyira chitsuwa cheThursday.
January 2009: Tinodzokera kuzvitsuwa zveMoa neMabuiag kuti titaure zvakare nevaya vakaratidza kufarira mashoko omuBhaibheri. Pazvitsuwa zvacho tinogamuchirwa zvakanaka chaizvo. Vakawanda vari mumusha weSt. Paul pachitsuwa cheMoa vanotiudza kuti tisatore nguva yakareba tisati tadzoka. Mukuru mukuru wepachitsuwa chacho anotiudza kuti takasununguka kuuya chero nguva yatinoda kuzoparidza mumusha wacho.
MuTorres Strait mune zvitsuwa zvinokwana 17 zvinogara vanhu. Hatizivi kuti tichazviita sei kuti titaure nemunhu wose anogara pazvitsuwa izvi. Asi tose tiri muungano iri kuno kuzvitsuwa zveAustralia zviri kuchamhembe tiri kufara kuita zvatinogona kurumbidza Musiki wedu Mukuru, Jehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mepu iri papeji 23]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
AUSTRALIA
Weipa
Bamaga
TORRES STRAIT ISLANDS
PAPUA NEW GUINEA
[Kwazvakatorwa]
Based on NASA/Visible Earth imagery
[Mepu iri papeji 24, 25]
Bamaga
Thursday Island
Moa Island
Warraber Island
Poruma Island
Mabuiag Island
Saibai Island
Dauan Island
Boigu Island
PAPUA NEW GUINEA
[Kwazvakatorwa]
Based on NASA/Visible Earth imagery
[Mufananidzo uri papeji 24]
Tichisvika pachitsuwa cheThursday
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kufamba kuti tinoshanyira vanhu pachitsuwa cheSaibai
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kuudza vanhu mashoko akanaka mumutauro weTok Pisin