RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 5/1 pp. 18-20
  • Kurera Vana Musingavayemedzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurera Vana Musingavayemedzi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinokosha Kudzidzo Yakanaka
    Mukai!—1996
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki, Dzivirirai Nhaka Yenyu Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Basa Rako Somubereki
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 5/1 pp. 18-20

Mazano Okuti Mhuri Ifare

Kurera Vana Musingavayemedzi

George:a “Manheru oga oga ngoma yaingova ndiyo ndiyo. Mwanakomana wangu, Michael ane makore mana aisiya matoyi ake akangoti bvuu mumba. Ndaiedza kumuti aarongedze asati arara. Asi Michael aibva ashatirwa, oridza mhere oramba achingodaro. Dzimwe nguva ndaigumbuka zvokuti ndaibva ndamupopotera, asi izvi zvaingoita kuti tose tisafara. Ndaida kuti aende kunorara akafara. Saka ndakazosvika pakuneta nazvo ndikapedzisira ndava kungorongedza matoyi acho ndoga.”

Emily: “Zvakatangira apo Jenny, mwanasikana wangu ane makore 13, akatadza kunyatsonzwisisa basa raakanga anzi nomudzidzisi wake aite. Paakabva kuchikoro akachema kweawa yose. Ndakakurudzira Jenny kuti anobatsirwa kuchikoro, asi akatsika madziro achiti mudzidzisi wake aiva nehasha, saka aitya kunotaura naye. Ndakambofunga kuendera mudzidzisi wacho kuchikoro kuti ndinomuudza magara mwoyo. Ndaiona sokuti hapana munhu aiva nekodzero yokushayisa mwana wangu mufaro!”

UNOMBONZWA sezvakaita George naEmily here? Kufanana nevabereki ava, vakawanda vanoomerwa nokuona mwana wavo aine dambudziko kana kuti asingafari. Zvagara zvakadaro kuti vabereki vanoedza kudzivirira vana vavo. Zvisinei, zvatsanangurwa pamusoro apa zvaipa vabereki ava mukana wokudzidzisa vana vavo chidzidzo chinokosha chokuti vasayema. Ichokwadi kuti zvinodzidzwa nemwana ane makore 4 zvakasiyana nezvinodzidzwa neane 13.

Asi chokwadi ndechokuti, mwana wako paachasangana nematambudziko muupenyu, hapasi pose pauchakwanisa kumudzivirira. Mwana achapedzisira asiya baba vake naamai vake, ‘otakura mutoro wake’ wokuti azviraramire. (VaGaratiya 6:5; Genesisi 2:24) Kuti vabereki vabatsire vana vavo kuti vazogona kuzviriritira, vanofanira kuva nechinangwa chokuvadzidzisa kuti vasangozvifunga ivo chete, vave nehanya nevamwe, uye vagone kuzviitirawo zvimwe zvinhu. Kuvadzidzisa izvi ibasa chairo!

Vabereki vakakomborerwa chaizvo nokuti vanogona kutevedzera muenzaniso wakanaka waJesu uye madzidzisiro aaiita vadzidzi vake. Jesu akanga asina vana. Asi chinangwa chake pakusarudza vadzidzi vake nokuvadzidzisa chaiva chokuti varambe vachiita basa, kunyange aenda. (Mateu 28:19, 20) Zvakaitwa naJesu ndizvo zvinofanira kuvavarirwa nomubereki mumwe nomumwe pakudzidzisa vana vake kuti vazviitire zvinhu zvavo voga. Ngatimbokurukurai zvinhu zvitatu pamuenzaniso wakasiyirwa vabereki naJesu.

Ratidza Mwana Wako “Muenzaniso” Ava pedyo nokufa, Jesu akaudza vadzidzi vake: “Ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, muitewo saizvozvo.” (Johani 13:15) Sezvakaitwa naJesu, vabereki vanofanira kutsanangura uye kuratidza nezvavanoita kuti zvinorevei kuzviitira zvinhu zvako usingayemi.

Zvibvunze kuti: ‘Pandinotaura nezvemabasa andinoita, ndinoratidza kunakidzwa nazvo here? Ndinotaura nezvokugutsikana kwandinoita pandinenge ndashandira vamwe here? Kana kuti ndinogara ndichinyunyuta uye ndichizvienzanisa nevaya vane upenyu hwomutambarakede?’

Ichokwadi kuti hapana munhu anogona zvose zvose. Tose zvedu dzimwe nguva timboona sokuti zvinhu zvatiwandira. Asi kazhinji zvaunoita ndizvo zvinonyanya kubatsira vana vako kuti vaone zvazvakanakira uye kukosha kwazvakaita kuti munhu azviitire zvinhu zvake asingayemi.

EDZA IZVI: Kana zvichiita, pota uchienda nemwana wako kubasa kuti aone mashandiro aunoita kuti uwane mari yokuriritira mhuri. Shanda nomwana wako muchiyamura mumwe munhu. Zvadaro, kurukurai zvakunakidzai pamanga muchiita basa iroro.—Mabasa 20:35.

Usatarisira Zvakawandisa Jesu akazviziva kuti zvaizotora nguva yakati rebei vadzidzi vake vasati vakwanisa kuita mabasa uye zvinhu zvaakanga achitarisira kuti vaite. Akamboti kwavari: “Ndichiine zvinhu zvizhinji zvokutaura nemi, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino.” (Johani 16:12) Jesu haana kukurumidza kuti vadzidzi vake vaite chero chinhu chipi zvacho vari voga. Asi akatotora nguva refu achivadzidzisa zvinhu zvakawanda. Akazovarega vachienda kunoparidza voga paakanga ava nechokwadi chokuti vava kukwanisa kuzvimiririra.

Saka hazvina musoro kuti vabereki vatarisire kuti vana vavo vaite zvinhu zvinofanira kuitwa nevanhu vakuru ivo vachiri vaduku. Asiwo vana pavenenge vachikura, vabereki vanofanira kusarudza kuti mabasa api akakodzera kuitwa nevana vavo. Somuenzaniso, vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo utsanana, kutsvaira mumba mavo, kubata nguva, uye kuti vasatambisa mari. Mwana paanotanga kuenda kuchikoro, vabereki vanofanira kutarisira kuti mwana wacho aone basa rake rokuchikoro sebasa rinokosha raanofanira kuita.

Vabereki havafaniri kungogumira pakuudza mwana zvokuita. Vanofanirawo kubatsira mwana wacho kuti azviite. George, baba vaya vambotaurwa, vakazoona kuti chimwe chikonzero chaiita kuti Michael asafarira kurongedza matoyi ake ndechokuti aiona sokuti ibasa rakaoma. George anoti: “Pane kungomupopotera ndichimuti arongedze matoyi ake, ndakaedza kumudzidzisa marongedzero aangaita.”

Zvii zvaakanyatsoita? George anoti, “Chokutanga, takataurirana nguva yokurongedza matoyi acho manheru oga oga. Zvadaro, ndakabatsirana naMichael kurongedza tichiita zvishoma nezvishoma. Takaita kuti kave kamutambo, tichitoita makwikwi kuti tione kuti ndiani aizotanga kupedza. Takapedzisira tava kutozviita mazuva ose kana tava kuda kunorara. Ndakavimbisa Michael kuti kana akakurumidza kupedza kurongedza, ndaizomuverengera nyaya mbiri asati arara. Asi aiti akakekereza, ndaimuverengera padikidiki.”

EDZA IZVI: Ongorora kuti zvii zvaungatarisira kuti mumwe nomumwe wevana vako aite kuti zvinhu zviite mutserendende pamba. Zvibvunze kuti, ‘Pane zvandichiri kuitira vana vangu ivo vava kugona kuzviitira here?’ Kana zvakadaro, zviitei mose kusvikira wava nechokwadi chokuti vava kugona kuzviita vari voga. Vabudire pachena kuti kana vakaita basa racho zvakanaka zvichavafambira, asi kana vakariita zvachero zvichangovaipirawo. Zvadaro, vaitire zvinoenderana nezvavanenge vaita.

Vaudze Chaizvo Zviri Kuda Kunyatsoitwa Sezvinongoita mudzidzisi wose anogona, Jesu aiziva kuti nzira yakanakisisa yokudzidza nayo chinhu kuchiita. Somuenzaniso, Jesu paakaona kuti vadzidzi vake vava kukodzera, akavatuma “mberi kwake vari vaviri vaviri mumaguta ose nenzvimbo kwaaizoenda.” (Ruka 10:1) Zvisinei haana kungovasiya achiti vachazvionera zvokuita. Vasati vaenda, akavaudza maitirwo ebasa racho. (Ruka 10:2-12) Vadzidzi pavakadzoka ndokumuudza kubudirira kwavakanga vaita, Jesu akavarumbidza uye akavakurudzira. (Ruka 10:17-24) Akaratidza kuti aivimba navo uye kuti aifara nezvavainge vaita.

Kana vana vako vachifanira kuita chimwe chinhu chakaoma, iwe unoita sei? Unovadzivirira pane zvavanotya here, kuitira kuti vasaora mwoyo uye kuti vasakundikana? Zviri muropa kuti ude kununura mwana wako kana kuti ubve waita basa racho iwe.

Asi chimbofunga izvi: Pose paunomhanyira kununura vana vako, unenge uri kuita kuti vafungei? Uri kuratidza kuti unovimba navo uye kuti une chokwadi kuti vanokwanisa kuzviita here? Kana kuti uri kuita kuti vaone sokuti vachiri vacheche vasina zvavanokwanisa kuita, vanofanira kungomhanyira kwauri pane zvose here?

Somuenzaniso, Emily ambotaurwa nezvake, akabatsira sei mwanasikana wake padambudziko raaiva naro? Pane kuti apindire nyaya yacho, akasarudza kuti Jenny aende oga kunotaura nomudzidzisi wake. Emily naJenny vakanyora mibvunzo yaizoenda naJenny kuchikoro. Zvadaro vakakurukura kuti ndepapi paaifanira kutaura nomudzidzisi wacho. Vakatoedzesera matauriro aaizoita nomudzidzisi wacho. Emily anoti, “Jenny akabva akoka chivindi chokunotaura nomudzidzisi wake, uye mudzidzisi wacho akamutenda paakauya kuzotaura naye. Jenny akafara chaizvo nezvaakanga aita, neniwo ndakanga ndava kudada naye.”

EDZA IZVI: Nyora dambudziko riri kusangana nemwana wako. Wadaro, nyora zvaunogona kuita kuti ubatsire mwana wako kugadzirisa dambudziko racho usingapindiri. Edzeserai zvinofanira kuitwa kuti mugadzirise dambudziko racho. Ratidza kuti unovimba kuti mwana wako achazvikwanisa.

Kana ukagara uchingopindira kuti ugadzirise matambudziko omwana wako, ungatomutunhidza zvoita kuti azotadza kugadzirisa matambudziko oupenyu. Asi simbisa vana vako nokuvadzidzisa kuti vazvimiririre. Ukaita izvozvo unenge wavapa chipo chinokosha kwazvo muupenyu.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita akachinjwa.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

▪ Zvandinotarisira kuti vana vangu vaite zvine musoro here?

▪ Ndinovaudza ndovaratidza here zvavanofanira kuita kuti vabudirire?

▪ Ndakapedzisira rini kukurudzira kana kurumbidza mwana wangu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe