Zviri Mukati
April 15, 2010
Yokudzidza
NYAYA DZICHADZIDZWA VHIKI DZINOTEVERA:
May 31, 2010–June 6, 2010
Vechiduku—Simbisai Chido Chenyu Chokushumira Jehovha
PEJI 3
June 7-13, 2010
Basa Romudzimu Mutsvene Pakuzadzisa Chinangwa chaJehovha
PEJI 7
June 14-20, 2010
Rega Kutarira Zvinhu Zvisina Zvazvinobatsira!
PEJI 20
June 21-27, 2010
Uri Kutevera Kristu Zvizere Here?
PEJI 24
Chinangwa Chenyaya Dzichadzidzwa
NYAYA YOKUDZIDZA 1 MAPEJI 3-7
Jehovha anokurudzira vechiduku kuti vateerere, vadzidze uye vaite zvaanenge ataura. Nyaya ino inotaura kuti kuverenga Bhaibheri, kunyengetera, uye tsika dzakanaka zvinobatsira vechiduku kunamata Jehovha nemwoyo wose.
NYAYA YOKUDZIDZA 2 MAPEJI 7-11
Tinoziva kuti hapana chingatadzisa chinangwa chaJehovha kusvikira chanyatsozadziswa. Nyaya ino inonyatsokurukura nezvezvaiitwa nemudzimu mutsvene kare, zvauri kuita mazuva ano uye zvauchazoita pakuzadzisa chinangwa ichocho.
NYAYA YOKUDZIDZA 3 MAPEJI 20-24
Nyika yaSatani zvayava kuda kuguma, mifananidzo yezvinhu zvingakanganisa ukama hwedu naMwari iri kuita kutinaya. Munyaya ino, tichakurukura kuti ndezvipi zvimwe zvacho, nei Satani achizvishandisa, uye kuti tingazvidzivirira sei.
NYAYA YOKUDZIDZA 4 MAPEJI 24-28
Chii chichatibatsira kuti tirambe tichishingaira pakuita basa raMwari? Tinofanira kuzvidzivirira pachii chinowanzoda kuitwa nevanhu kana tichida kuramba tichitevedzera Kristu? Nyaya ino ichakurukura mhinduro dzemibvunzo iyi inokosha.
DZIMWEWO NYAYA:
Unobvuma Kuti Jehovha Akubvunze Here? 13
Kutsungirira Miedzo Kwakasimbisa Chivimbo Chedu Muna Jehovha 16
Jehovha Haadi Kuti Upinde Munjodzi 29