Tsamba Inobva Kupapua New Guinea
Kushanyira Hama Dzedu Dziri Munyika Yakanaka
INGUVA dzafaifi kiroko mangwanani omusi weChipiri, kune mwando une hunyoro uye kuri kupisa kuLae, Papua New Guinea (PNG). Ini nomukadzi wangu tiri kugadzirira kuenda kuLengbati, iri nechokumusoro kuMount Rawlinson kuPurovhinzi yeMorobe, kunoshanyira rimwe boka reZvapupu zvaJehovha riri ikoko.
Kuti tisvike ikoko, zvinongotitorera maminitsi anenge 30 chete tichibhururuka nendege ine injini imwe chete uye inokwana vanhu vana. Ndinowanzogara kumberi nomutyairi wendege pandinoita nzendo idzi, uye injini yendege painenge ichiita ruzha, tinotaura tichinzwanana nokushandisa mahedhifoni. Achinongedzera patwunhu twakangowanda-wanda twunoita mabasa akasiyana-siyana twunenge twuri padhashibhodhi remukati mendege, anotsanangura mabasa atwo uye anotaura zvedambe achiti kana chimwe chinhu chakaitika kwaari, ndini ndinofanira kutyaira ndege. Pakarepo, ndinoyeuka nyaya yomumwe mushumiri aifambira Zvapupu zvaJehovha kuPNG. Mutyairi wendege paakafenda, ndege yacho yakangozobhururuka zvayo yoga mudenga ivo varimo kutozosvikira apengenuka uye akakwanisa kuzoita kuti imhare pasi. Asi tinofara kuti yedu ndege haina kudaro inomhara zvakanaka.
Iye zvino tiri kubhururuka takayererana nemakomo anongoita zienda nakuenda patinongoerekana tadimbura nomumakore uye pamusoro perimwe gomo, tingori pamusoro paro nemamita 100 kana kupfuura zvishoma. Mberi kwedu nechepasi pane musha weLengbati, une dzimba dzine matenga euswa dzinoita sedziri pamwe chete dzakavakwa nemiti yesango. Mutyairi wendege anotarira pasi penhandare duku yendege sezvatinobhururuka tiri nechepamusoro payo, achinyatsotarisa kuti ichakanaka here uye kuona kana musina vana vomumusha wacho vari kutamba bhora munhandare iyi. Anotarisawo kuti hamuna makomba angave akaitwa nenguruve kubvira paakapedzisira kuuya kunzvimbo iyi. Paanodzokera mubani, anoti, “Zvinenge zvakanaka; tingachiedza kumhara.” Tinotenderera nendege tichibva tamhara panhandare diki yakagadzirwa nevanhu vomumusha wacho iri mujinga megomo uye ichangobva kuiswa matombo akagayiwa eraimu akatorwa mugomo riri pedyo. Matombo aya eraimu akabva pasi pegungwa.
Munzendo dzandakamboita kuno, ndaitarisa zvidimbu zvematombo akanaka eraimu ndichishamisika kuti makomo aya angave ava ekare zvakadii. Chimbofungidzira simba guru rakashanda pakusimudza gomo iri rakareba mazana emakiromita kubva pasi penyanza uye rakareba makiromita mana kuenda mudenga! Patinoburuka mundege, tinomira pane nyika yakanaka.
Senguva dzose, vanhu vomumusha wacho vanouya kwatiri vachimhanya kubva mumativi ose pavanonzwa ruzha rwendege iri kuda kumhara. Mutyairi wendege paanonyararidza injini, ndinoona mumwe murume achibuda muboka racho obva atanga kufamba achiuya kundege. Anonzi Zung. Ndiye mumwe wevarume vomuungano iyi vakakumbirwa kutarisira purogiramu yokudzidza inoitwa vhiki nevhiki neZvapupu zvaJehovha munyika yose. Anozivikanwa somurume anorarama upenyu hwakachena, hwakavimbika nevanhu vaanogara navo. Anobvuma kuti akadzidza izvi kubva pakushandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwake. Tapedza kukwazisana, tinofamba naZung nezvimwe Zvapupu chinhambwe chipfupi tichidzika gomo. Vechidiki vanotitevera vari mumashure, vachiitirana nharo kuti ndiani otakura mabhegi edu.
Tinosvika pane imwe imba duku yemapuranga yakavakwa neZvapupu zveko inosvikira mushumiri anofambira paanoshanya pashure pemwedzi mitanhatu yoga yoga kana kupfuura. Kunyange zvazvo PNG iri nyika inopisa inonaya mvura gore rose, patiri pari kutonhorera nokuti tiri pamusoro. Usiku patinobatidza rambi redu, ndinowanzoona makore—anenge achifamba zvishoma nezvishoma pamusoro pegomo kubva mubani riri pasi kubvira masikati—ndinoaona nepamagwanza emapuranga. Zvinoita sezvinoshamisa kuti iye zvino tapfeka mabhachi echando nemajini kuti tidziyirwe, asi mumaawa mashoma apfuura, tambenge tichipiswa nemwando unopisa womunzvimbo iyi inopisa inogara ichinaya mvura.
Pakati pema1980, mumwe murume womunzvimbo iyi akadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muLae. Adzoka kumusha kwake, iye nevamwe vashoma vakavaka nzvimbo duku yokunamatira, yavaidada nayo chaizvo. Zvadaro, mumwe mufundisi wechechi yeLutheran ikoko pamwe chete nevaimutsigira vakapisa nzvimbo yacho yokunamatira. Vakapisa vacho vaitotaura pachena kuti yaiva nzvimbo yechechi yeLutheran. Kubvira ipapo, uye pasinei nokushorwa kwairamba kuchienderera, Zvapupu zvakavakazve imwe nzvimbo, uye nhamba yazvo yakawedzera zvishoma nezvishoma kusvika kuvazivisi 50 vemashoko akanaka. Vamwe vaya vaimboshora basa reZvapupu iye zvino vari kushingaira mubasa iri.
Mazuva ano, vanhu vomumusha uyu vanowanzofarira kushanyirwa kwavanoitwa neZvapupu zvaJehovha, zvinovadzidzisa Bhaibheri. Kunyange zvazvo mumusha uyu muine vashoma vanoverenga, Zvapupu zvakawanda ikoko zvakadzidza kuverenga kuitira kuti zviudzewo vamwe mashoko ari muBhaibheri. Vanhu vakawanda vanosvika kuma200 vanouya kumisangano inoitirwa muImba yoUmambo vhiki yoga yoga.
Hapana magetsi. Manheru, tinoungana pamoto mukicheni. Tinodya pamwe chete, tinotaura nokuseka tose. Mufaro wokushumira Jehovha unonyatsooneka pazviso zviri kufara zveshamwari dzedu, pachiedza chemoto uri kubvira zvinyoro-nyoro. Nguva zvainofamba, vamwe vanobudisa mumoto bombom, kana kuti katsiga kemupalm kari kubvira, kavanotarisira kuti kachazovabatsira nechiedza pavanenge vava kufamba mutwunzira twomusango vava kudzokera kudzimba dzavo.
Patinenge tichifamba tichidzokera kumba, tinoona kuti nzvimbo iyi yakanyarara. Kwose kwose, tinonzwa ruzha rwezvisikwa. Tisati tarara, tinotarisa kokupedzisira denga risina makore toshamisika kuti inyeredzi ngani dzatiri kuona nepatiri.
Vhiki inokurumidza kupera, uye tinotarisira kuti ndege ichadzoka mangwana. Tinorara kokupedzisira muusiku hunotonhorera munzvimbo ine makore yeLengbati, uye tadaro, tinodzokera kumhenderekedzo ine mwando unopisa uye wakanyorova.