Waizviziva Here?
Nei Jesu akataura kuti “hapana munhu anoisa waini itsva muhombodo tsaru dzewaini”?
▪ Zvaive zvakajairika kuti munguva inotaurwa neBhaibheri vanhu vaise waini muhombodo dzakagadzirwa nematehwe emhuka. (Joshua 9:13) Hombodo dzaigadzirwa nematehwe ezvipfuwo zvakadai sembudzana kana kuti mbudzi huru. Kuti pagadzirwe hombodo, musoro wemhuka yacho nemakumbo zvaibviswa uye mutumbi wacho wainyatsovhiyiwa kuitira kuti dumbu racho risatushuka. Dehwe racho raizosukutwa uye maburi ose aisonwa kunze kwepamutsipa kana kuti pagumbo remhuka yacho, pari ipo chete paisiyiwa pasina kusonwa paizova neburi rehombodo yacho. Buri iri raivharwa nechivharo kana kuti kusungwa netambo.
Nokufamba kwenguva, dehwe racho raizoomarara rotadza kutatamuka. Saka, hombodo dzekare dzakanga dzisingakodzeri kuisa waini itsva nokuti inoramba ichivira. Kuvira uku kungangove kwaiita kuti hombodo yekare yakaomarara itsemuke. Ukuwo, hombodo itsva, dzaigona kutatamuka uye hapana zvadzaiita kana waini itsva ikaramba ichivira. Saka Jesu akataura chinhu chaizivikanwa nevanhu vakawanda vomuzuva rake. Akataura nezvezvaizoitika kudai munhu aiisa waini itsva muhombodo tsaru, akati: “Waini itsva ichabva yaparura hombodo dzewaini, uye icharasika, hombodo dzewaini dzoparara. Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva dzewaini.”—Ruka 5:37, 38.
‘Varume vaiva nemapanga’ vanotaurwa nezvavo pakasungwa Pauro nevaRoma vaiva vanaani?
▪ Maererano nenhoroondo iri muna Mabasa, panguva yakaitika mheremhere patemberi yomuJerusarema, mutungamiriri weuto revaRoma akaita kuti Pauro asungwe achifunga kuti ndiye akanga ari mutungamiriri weboka rakanga rakonzera mheremhere re“varume vane zviuru zvina vakanga vaine mapanga.” (Mabasa 21:30-38) Chii chinozivikanwa nezvevarume vaiva nemapanga ava?
Shoko rechiGiriki rakashandiswa pakanzi ‘varume vaiva nemapanga’ rakatorwa pashoko rechiLatin rokuti sicarii, rinoreva kuti “vanoshandisa sica,” kana kuti banga. Munyori wenhoroondo dzekare womuzana remakore rokutanga Flavius Josephus anorondedzera Sicarii achiti raiva boka revaida chitendero chechiJudha zvakanyanyisa, vanhu vakanga vasingakandi mapfumo pasi pakuvenga vaRoma, vaiuraya zvakarongeka asi zviri zvematongerwo enyika.
Nhoroondo yaJosephus inoti boka revaSicarii “raiuraya vanhu masikati machena, uye pakati peguta; izvi raizviita kunyanya pamitambo yokupemberera, pavainge vari mukati memhomho yevanhu, uye vakavanza mapanga avo muzvipfeko zvavo, avaizoshandisa kubaya vavengi vavo.” Kana vavainge vauraya vafa, veboka reSicarii vainyepedzera kurwadziwa uye izvi zvaiita kuti vasabatwa. Josephus anotizve veboka reSicarii ndivo vakazotungamirira chaizvo pakumukira kwakaita vaJudha Roma muna 66-70 C.E. Saka mutungamiriri weuto revaRoma aizoda kusunga munhu aipomerwa mhosva yokuva mutungamiriri weboka rakadaro.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Hombodo tsaru yewaini
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mufananidzo wakaita zvokudhirowewa wemurume aiva nebanga