RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 12/1 pp. 4-5
  • Maziviro Atinoita Kuti Mwari Ane Hanya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Maziviro Atinoita Kuti Mwari Ane Hanya
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Kuti Mwari Anotida
  • Bhaibheri Rinotipa Chivimbo Chokuti Mwari Anotida
  • Mwari Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kuziva Kwaungaita Chitendero Chechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Akatanga Kutida”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 12/1 pp. 4-5

Maziviro Atinoita Kuti Mwari Ane Hanya

KANA Mwari achitida, nei vanhu vakawanda vachitambura zvakadai? Mubvunzo uyu ndewekare asi unokosha, uye wave uchibvunzwa nevanhu kwezviuru zvemakore. Zvichida unobvumirana nazvo kuti kana uchida mumwe munhu, haudi kuti munhu iyeye atambure, uye kana akapinda mutsekwende unoedza kumubatsira. Saizvozvowo, vakawanda vanofunga kuti sezvo kuine vanhu vakawanda vari kutambura munyika, pamwe Mwari haana hanya nesu. Saka zvinokosha kuti tiongorore uchapupu hunoratidza kuti Mwari anotida zvechokwadi uye kuti ane hanya nesu.

Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Kuti Mwari Anotida

Jehovha Mwari ‘Ndiye akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.’ (Mabasa 4:24) Patinofungisisa zvinhu zvakasikwa naJehovha, chokwadi tinofanira kubvuma kuti ane hanya nesu. Somuenzaniso, chimbofunga nezvezvinhu zvinoita kuti ufare uye unakidzwe. Unofarira zvokudya zvakanaka here? Jehovha angadai akatipa zvokudya zverudzi rumwe chete kuti tirarame. Pane kudaro, akasika zvokudya zvakawanda zvakasiyana-siyana kuti tinakirwe. Saizvozvowo, Jehovha akashongedza nyika nemiti yakanaka yakawanda, maruva, nzizi nemakomo kuitira kuti tinakidzwe neupenyu.

Chimbofungawo masikirwo atakaitwa. Kukwanisa kusetsa vamwe, kunakidzwa nemimhanzi uye kukwanisa kuyemura zvinhu zvakanaka hazvisi hazvo zvinhu zvinodiwa kuti tirarame asi zvose zvipo zvinobva kuna Mwari zvinoita kuti tinakidzwe neupenyu. Uye chimbofunga nezveukama hwako nevamwe. Ndiani asingadi shamwari dzakanaka kana kumbundirwa nemumwe munhu waanoda zvikuru? Iko kukwanisa kuda mumwe munhu, chipo chinobva kuna Mwari ane rudo! Sezvo Mwari akasika vanhu vachikwanisa kuda vamwe, unhu ihwohwo hunofanirawo kunge huri unhu hwaMwari.

Bhaibheri Rinotipa Chivimbo Chokuti Mwari Anotida

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari rudo. (1 Johani 4:8) Rudo rwake harungooneki pane zvaakasika chete asi runoonekawo muShoko rake, Bhaibheri. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotipa mirayiridzo inoita kuti tive neutano hwakanaka, rinokurudzira kuti tive nemwero muzvinhu zvose, uye rinoshora kudhakwa nokudyisa.—1 VaKorinde 6:9, 10.

Bhaibheri rinopa mazano ane chokuita neukama hwevanhu, richitikurudzira kudanana uye kuti tiremekedze nekukudza vamwe uye kuva nemutsa. (Mateu 7:12) Rinoshora maitiro nemafungiro anokonzera kutambura—makaro, makuhwa, godo, upombwe uye kuponda. Kudai munhu wose aiedza kurarama maererano nemazano ari muMagwaro, chokwadi munyika yose mungadai muine kutambura kushoma.

Zvisinei, Mwari akaratidza rudo rukuru, paakapa Mwanakomana wake Jesu kuti adzikinure vanhu. Johani 3:16 inoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Saka Mwari akatoronga kubvisa rufu uye kutambura kwose.—1 Johani 3:8.

Zvakajeka kuti pane uchapupu hwokuti Mwari anotida. Saka zvine musoro kuti hazvimufadze kutiona tichitambura. Ane zvaachaita kuti agumise kutambura. Hatifaniri kuita zvokufungidzira panyaya iyi—Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari achapedza sei kutambura.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kukwanisa kuda mumwe munhu, chipo chinobva kuna Mwari ane rudo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe