RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 11/1 p. 7
  • Nhema 4: Mwari Utatu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhema 4: Mwari Utatu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Rutivi 4—Dzidziso yoUtatu Yakatanga Rini Uye Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Dzidziso yoUtatu Yakatanga Sei?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Rutivi 1—Jesu Navadzidzi Vake Vakadzidzisa Dzidziso yoUtatu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Constantine Mukuru—Aitsigira chiKristu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 11/1 p. 7

Nhema 4: Mwari Utatu

Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?

“Pakupedzisira zvikaongororwa, zvinoita sokuti dzidziso yoUtatu yakatanga zana remakore rechina rava kunopera. Zvinoita sezvechokwadi . . . Dzidziso yokuti ‘Mwari mumwe chete ari Muvanhu vatatu’ yakanga isati yanyatsotangwa, kutaura zvazviri yakanga isingagamuchirwi zvizere muupenyu hwevaKristu uye mune zvavaitenda zana remakore rechina risati rasvika.”—New Catholic Encyclopedia (1967), Volume 14, peji 299.

“VeCouncil of Nicaea vakaungana musi waMay 20, 325 [C.E.]. Constantine ndiye aiva sachigaro, achitungamirira zvaikurukurwa ipapo, uye iye pachake . . . ndiye akataura dzidziso huru iyi achitaura ukama huri pakati paKristu naMwari padzidziso yakazobvumiranwa nedare racho, ‘yokuti munhu mumwe chete naBaba.’. . . Achitya mambo, mabhishopu ose, kunze kwevaviri chete, vakasaina chibvumirano chedzidziso yacho, vakawanda vavo vachiita zvaipesana nemwoyo yavo.”—Encyclopædia Britannica (1970), Volume 6, peji 386.

Bhaibheri rinotii?

“[Stefani] azere noMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari, akati: ‘Tarirai, ndinoona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.’”—Mabasa 7:55, 56, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Zvaakaona izvi zvinoratidzei? Azadzwa nesimba raMwari rinoita basa, Stefani akaona Jesu “amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Zviri pachena kuti Jesu haana kunova Mwari zvakare pashure pokunge amutswa aenda kudenga asi, akava mumwewo munhu womudzimu. Hapana kutaura nezvomunhu wechitatu aiva pedyo naMwari munhoroondo iyi. Pasinei nezvakaedzwa kuitwa kutsvaka ndima dzomuMagwaro dzinotsigira dzidziso yoUtatu, mupristi wokuDominican anonzi Marie-Émile Boismard akanyora mubhuku rake rinonzi, À l’aube du christianisme—La naissance des dogmes (Pakatanga chiKristu—Dzidziso Yacho Yakatangawo): “Mashoko okuti vanhu vatatu vanoumba Mwari mumwe chete . . . hauna paunoaverenga muTestamende Itsva.”

Dzidziso yakatsigirwa naConstantine yakaitirwa chinangwa chokugumisa kukakavadzana kwaiitika muChechi yomuzana remakore rechina. Zvisinei, chaizvoizvo yakakonzera mumwe mubvunzo: Mariya, mukadzi akabereka Jesu, aiva “Amai vaMwari” here?

Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Mateu 26:39; Johani 14:28; 1 VaKorinde 15:27, 28; VaKorose 1:15, 16

CHOKWADI:

Dzidziso yoUtatu yakatanga zana remakore rechina rava kunopera

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe