Nhema 3: Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga
Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?
Pashure pokunge vaapostora vaJesu vafa, pakutanga kwezana remakore rechipiri C.E., Madzibaba eChechi ekare akaramba achikurumbira. Ichirondedzera dzidziso dzavo, New Catholic Encyclopedia (2003), Volume 6, peji 687, inoti: “Dzidziso yakanga yakakurumbira yaiva yokuti upenyu hwokufara kudenga hwaizopiwa mweya unenge wabva pamuviri nokukurumidza pashure pokuchenesa chero kupi zvakwo kunoitwa pashure porufu.”
Bhaibheri rinotii?
“Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”—Mateu 5:5.
Kunyange zvazvo Jesu akavimbisa vadzidzi kuti ‘aizovagadzirira nzvimbo’ kudenga, akaratidza kuti vakarurama vakanga vasiri kungozoerekana vaenda ikoko. (Johani 3:13; 14:2, 3) Haana kunyengetera here kuti kuda kwaMwari kuitwe “panyika, sezvakunoitwa kudenga”? (Mateu 6:9, 10) Kutaura zvazviri, vakarurama vakamirira kuenda kune imwe yenzvimbo mbiri idzi. Vashomanana vachatonga naKristu kudenga, asi vazhinji vachararama nokusingaperi pasi pano.—Zvakazarurwa 5:10.
Nokufamba kwenguva, chechi yokutanga yakachinja maonero ayo ebasa rayo pasi pano. Zvikaguma nei? The New Encyclopædia Britannica inoti, “Sangano rechechi rakaramba richichinja Umambo hwaMwari hwaitarisirwa.” Chechi yakatanga kusimbisa simba rayo nokupindira mune zvematongerwo enyika, ichirega kuteerera mashoko aJesu akajeka okuti vateveri vake vaisafanira kuva “venyika.” (Johani 15:19; 17:14-16; 18:36) Ichitungamirirwa naMambo weRoma Constantine, chechi yakasiya zvimwe zvayaitenda, kusanganisira iye Mwari wacho chaiye.
Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Pisarema 37:10, 11, 29; Johani 17:3; 2 Timoti 2:11, 12
CHOKWADI:
Ruzhinji rwevanhu vakanaka ruchararama nokusingaperi pasi pano—kwete kudenga