RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 9/1 pp. 10-11
  • Kufara Uye Tariro Pasinei Nourombo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufara Uye Tariro Pasinei Nourombo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiriini Pandingaita Upiyona Hwebetsero?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Kugutsikana Uye Kuva Nerupo
    Mukai!—2018
  • “Handisati Ndambodiwa Zvakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 9/1 pp. 10-11

Tsamba Inobva kuBolivia

Kufara Uye Tariro Pasinei Nourombo

ZVANDINOSHANDA somumishinari munyika ichiri kusimukira handina kumbojaira kuona urombo nevanhu vasina tariro. Ndinoda kuona vanhu vose vachibvisirwa kutambura nokukurumidza. Asi ndinoziva kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchagadzirisa zvinetso izvi. Asi nguva nenguva, ndinoona kuti vanhu vanotevedzera zvinotaurwa neShoko raMwari vanofara pasinei nemamiriro avo ezvinhu akaipa. Sabina mumwe wavo.

Makore apfuura, Sabina akanga akabata vanasikana vake vaduku vaviri, zvaaitarisa murume wake achikwira bhazi rakanga rasakara achienda kune imwe nyika kunotsvaka basa raizomubhadhara zviri nani. Zvaaimirira kudzoka kwake, mwedzi yakava makore asi haana kudzoka. Kubvira zvaakaenda, Sabina anotamburira zuva nezuva kuti azviriritire nevanasikana vake, Milena naGhelian.

Ndakatanga kusangana naSabina rimwe zuva masikati paakanga achibatsira nokushivirira makasitoma akawanda muchitoro chasisi vake. Ndakakwanisa kuona nemaziso ake ainge akaneta kuti Sabina akanga ashanda zvakaoma zuva rose. Ndakakumbira kuti ndidzidze Bhaibheri naye nevanasikana vake. Akati, “Ndingada asi ndine zvakawanda zvokuita. Zvisinei, ndingada kuti mudzidze nevanasikana vangu.” Ndakabvuma. Vanasikana vacho zvavairamba vachidzidza, ndakasvika pakuziva Sabina uye ndakanzwisisa dambudziko rake.

Zuva raSabina rinotanga na4 mangwanani. Vanasikana vake zvavanenge vakarara zvavo muimba yavo ine kamuri rimwe chete, Sabina anobatidza moto, woisa poto huru pamoto. Anobika nyama yaanozoisa mumameat pie aanozotengesa kuti ariritire mhuri yake. Manheru acho Sabina anenge agadzira mukanyiwa wemameat pie acho.

Achingwarira, Sabina anorongedza zvinhu zvose zvaanoda zuva iroro muchingoro chokukumbira—chishedhi, chitofu chokubikisa, bhodhoro regasi, tafura, zvituru, mapoto nemafuta, pamwe chete nenyama nomukanyiwa uye marita akawanda echinwiwa chaanenge agadzira ari kumba.

Na6 mangwanani, Sabina nevanasikana vake vaviri vagadzirira kuenda. Vanovhara nokukiya musuo weimba yavo. Zviso zvavo hazvisi kufara; hapana ari kutaura kana kuseka. Vari kungofunga nezvebasa ravachaita mberi. Kakawanda mangwanani, ndinowanzoona vanhu vakadai nepahwindo ndiri mumusha wedu wemamishinari. Chokwadi, Sabina anongova mumwe wevakadzi vakawanda vanosiya misha yavo zuva risati rabuda kuti vanotengesa zvokudya nezvinwiwa mumigwagwa yekuBolivia.

Panozosvika 6:30 mangwanani, zuva rava kuoneka, Sabina nevanasikana vake vanosvika pachikona chavo. Pasina ari kutaura, vanoburutsa zvinhu zviri muchingoro chavo vogadzira kicheni yavo. Vanoisa meat pie yokutanga mumafuta ari kupisa. Panova nekakunhuwirira zvichiita kuti vane nzara vakurumidze kusvika apa.

“Munoda mangani?” Sabina anobvunza munhu wokutanga auya kuzotenga. Asingamutarisi, murume ane hope anosimudza zvigunwe zviviri uye Sabina anomupa mameat pie maviri akatsvukirira ari kupisa. Anobva atambira mari yake shomanana. Izvi anozvidzokorora kakawanda zuva rose. Pavanotengesa meat pie yokupedzisira, vanorongedza zvinhu zvavo vodzokera kumba. Kunyange zvazvo Sabina achirwadziwa nemakumbo nebasa iri raanoita mangwanani, anoendazve kune basa rake rechipiri rokushanda kuchitoro kwasisi vake.

Pandakasvika pachitoro chacho kuti ndidzidze Bhaibheri nevanasikana vake vaviri kokutanga, mabhenji maduku maviri akanga atoiswa pane imwe kona. Kubvira pokutanga chaipo, Milena aiva nemakore 9 uye Ghelian 7 panguva yacho, vainge vamirira kuzodzidza uye vanyatsogadzirira. Zvishoma nezvishoma, vasikana vainyara ava vakatanga kusununguka uye vakaita kuti ndikwanise kushamwaridzana navo. Izvi zvakafadza Sabina chaizvo. Pasina nguva, naiyewo akasarudza kudzidza Bhaibheri neni pasinei nokuti aiva nezvakawanda zvokuita.

Zivo yaSabina zvayakaramba ichiwedzera yakaita kuti awedzerewo kuda Jehovha Mwari. Akatanga kucherechedza chimwe chinhu chitsva chaakanga ava nacho—mufaro! Mutengesi uyu wemumugwagwa aimbogara akaneta uye akasuwa akanga zvino ava kuratidzika zvakasiyana. Akanga zvino asingachagari akangokotama nokutengesa, uye maziso ake akanga azara netariro. Sisi vake vakati: “Sabina anogara achinyemwerera. Akanga asingambonyemwereri.” Vamwe vakazvionawo kuti Sabina nevanasikana vake vakanga vachinja zvikuru. Akanga zvino ava noukama naMwari hwaakanga asina kwenguva refu.

Sabina ainakidzwa nokudzidza, asi purogiramu yake yaiva yakawandirwa nezvokuita yaimutadzisa kupinda misangano yechiKristu. Pakupedzisira akabvuma pandakamukoka kumboshanyirawo Imba yoUmambo. Adaro, haana kuzomborega. Muungano, Sabina akawana shamwari dzechokwadi. Akanyatsoona kuti Jehovha anopa vaya vanomuda uye vanozvipira kuti vamushumire.—Ruka 12:22-24; 1 Timoti 6:8.

Sabina akada chaizvo zvaaidzidza, uye akadawo kuzviudza vamwe. Asi akati, “Pose pandinofunga nezvebasa rokuparidza ndinombotya.” Anomboti, ‘Ini zvangu mukadzi asina kudzidza, murombo, anonyara, ndichakwanisawo here kuzombodzidzisa mumwe munhu?’ Asi kunyange zvakadaro mutsa waakaratidzwa uye kuvandudzika kwaaita muupenyu hwake kwakaita kuti atore danho iri rinokosha. Akaonawo kuti vanasikana vake vaizotevedzera zvaaiita. Saka akatanga kuudza vamwe mashoko akanaka. Vanasikana vake vakabatanawo naye mubasa iri nechido.

Nhasi, Sabina haasisiri mumwe wevakadzi varombo vanofondoka kushanda mazuva ose vasingafari. Mamiriro ake ezvinhu mune zvemari haana kunyanya kuchinja. Chakachinja maonero ake aava kuita upenyu. Iye zvino zvaava muKristu akabhabhatidzwa, anoudzawo vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari—huri ihwo chete huchapedza zvachose urombo nokushaya tariro zviri munyika.—Mateu 6:10.

Dzava 5 mangwanani, uye Sabina agadzirirazve kubva pamba pake paanogara. Asi mangwanani ano haasi kuenda kunotengesa mameat pie. Ari kuenda kunosangana nerimwe boka revaKristu kuti anoparidzira mumugwagwa. Kushandisa imwe yenguva yake vhiki rimwe nerimwe achibatsira vamwe kwakaita kuti awedzere kufara muupenyu hwake. Anokiya musuo wemba yake uye, achinyatsonyemwerera, anobva angonanga mumugwagwa. Pane kusunda chingoro chake, ava kutakura bhegi rake guru. Mubhegi racho munenge muine Bhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri aachashandisa kupa vamwe vanhu tariro. Achinyemwerera nechivimbo, Sabina anoti, “Handina kumbobvira ndakazvifunga kuti ndaizokwanisa kutaura nevamwe nezveBhaibheri.” Anotizve, “Basa iri ndinorida!”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe