Zviri Mukati
July 15, 2009 Yokudzidza
Nyaya Dzokudzidza
NYAYA DZICHADZIDZWA VHIKI DZINOTEVERA:
August 31, 2009–September 6, 2009
Kuwana Pfuma “Yakanyatsovanzwa Maari”
PEJI 3 NZIYO DZICHAIMBWA: 121, 105
September 7-13, 2009
Mhuri dzevaKristu—Tevedzerai Muenzaniso waJesu!
EJI 7 NZIYO DZICHAIMBWA: 205, 158
September 14-20, 2009
Tevedzera Jesu—Dzidzisa Norudo
EJI 15 NZIYO DZICHAIMBWA: 156, 215
September 21-27, 2009
Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi
PEJI 19 NZIYO DZICHAIMBWA: 92, 148
Chinangwa Chenyaya Dzichadzidzwa
Nyaya Yokudzidza 1 MAPEJI 3-7
Jehovha anokumbira vashumiri vake vose kuti vatsvake pfuma isingaenzaniswi “yakanyatsovanzwa” muna Kristu. Pfuma iyi chii? Tingaiwana sei? Inotibatsira sei? Nyaya iyi inogona kutibatsira kuwana mhinduro dzacho.
Nyaya Yokudzidza 2 MAPEJI 7-11
Kubvira paakasikwa, Jesu anofarira vanhu chaizvo. Nyaya iyi inokurukura kuti dzidziso dzaJesu nomuenzaniso waakatisiyira paaiva pasi pano zvingatibatsira sei tose kuti tive noukama hwakanaka nevomumhuri medu.
Nyaya Dzokudzidza 3, 4 MAPEJI 15-23
Chii chaiita kuti Jesu agone kudzidzisa? Chikuru ndechokuti aida Jehovha, aida vanhu, uye aida mashoko aaiparidza. Rudo rwaiita kuti aparidze noushingi kunyange paaishorwa. Nyaya idzi dzichakurukura kuti tingatevedzera sei Jesu tova vadzidzisi vane rudo uye vaparidzi vakashinga.
DZIMWEWO NYAYA:
Uri Kutevera “Nzira Inopfuura Dzose” Yorudo Here?
PEJI 12
Ndakatanga ‘Kuyeuka Musiki Wangu Mukuru’ Makore Makumi Mapfumbamwe Akapfuura
PEJI 24
Kushanda Pamwe Chete Kunoita Kuti Mufambire Mberi Pakunamata
PEJI 28
Tenda Zvaunopiwa—Ipa Nomwoyo Wose
PEJI 29
PEJI 32