RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 7/1 p. 30
  • Mwari Anobvumira Barika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anobvumira Barika Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Barika Rinobvumirwa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mwari Anochinja Mafungiro Ake Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Mutemo waJehovha Wakakwana”
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 7/1 p. 30

Vaverengi Vanobvunza Kuti

Mwari Anobvumira Barika Here?

Kwete; mutemo wakadzikwa naMwari muEdheni kumurume nomukadzi wokutanga wakanga usingabvumiri barika. Jesu Kristu akazowedzera kusimbisa mutemo iwoyo kuvateveri vake.—Genesisi 2:18-24; Mateu 19:4-6.

Asi varume vakadai saAbrahamu, Jakobho, Dhavhidhi, naSoromoni vakararama chiKristu chisati chavapo, vakanga vasina kuparika here? Hungu vakanga vakaparika, asi Bhaibheri rinotsanangura sei izvi? Rinoratidza mvongamupopoto yaimuka mumhuri dzaAbrahamu naJakobho nemhaka yebarika. (Genesisi 16:1-4; 29:18–30:24) Pave paya, Mutemo waMwari wakanga wava kusanganisira mutemo uyu kuna mambo mumwe nomumwe, unoti: ‘Haafaniri kuzviwanzira madzimai, kuti mwoyo wake urege kutsauka.’ (Dheuteronomio 17:15, 17) Soromoni haana kuteerera murayiro wacho, akatoita barika revakadzi 700! Zvinosuwisa kuti, Soromoni akatsauka pana Jehovha afurirwa nevakadzi vake vakawanda. (1 Madzimambo 11:1-4) Zviri pachena kuti Bhaibheri rinoshora zvikuru barika.

Asi vamwe vangashamisika kuti nei Mwari akarega vanhu vake vachiparika. Funga izvi: Wakambochengeta here mumwe mudziyo wawakanga usingachadi zvimwe waona kuti panguva iyoyo zvakanga zvisinganyanyi kukosha kuurasa? Zviri pachena kuti nzira dzaMwari uye pfungwa dzake dzakakwirira kupfuura dzedu. (Isaya 55:8, 9) Asi, tinogona kunzwisisa zvimwe zvikonzero zvinoshanda zvakaita kuti abvumire barika kwekanguva.

Yeuka kuti muEdheni, Jehovha akavimbisa “mwana” aizoparadza Satani zvachose. Pave paya, Abrahamu akaudzwa kuti aizova baba verudzi rwakakura uye kuti Mwana akanga afanotaurwa aizobva mumhuri yake. (Genesisi 3:15; 22:18) Satani akanga akatsunga kuti adzivise kuuya kweMwana wacho. Chinangwa chake chakanga chiri chokuparadza rudzi rwekare rwevaIsraeri. Aiwanzonyengedza vaIsraeri kuti vapinde muchivi kuitira kuti rudzi rwacho rwusafarirwa naMwari uye rwusadzivirirwa naye.

Kuti adzivirire vaIsraeri pana Satani, Jehovha akatuma vaprofita vake kasingaperi achivanyevera pavainge vatsauka pamitemo yake yakarurama. Zvisinei, akafanoziva kuti vanhu vake vaizogara vachitadza kuteerera kunyange mimwe mirayiro inokosha, yakadai sokusanamata zvidhori. (Eksodho 32:9) Kana vaizonetseka nokuteerera mimwe mitemo yaikosha, vaizokwanisa sei kunyatsoteerera mutemo wairambidza barika? Sezvo Jehovha achikwanisa kunyatsonzwisisa zvinoita vanhu, akaona kuti nguva yakakodzera kurambidza tsika iyi yakanga isati yasvika—tsika yaive yakakurumbira zvikuru mazuva iwayo. Kudai akanga adzivisa tsika yacho panguva iyoyo, Satani angadai akawana nzira dziri nyore dzokunyengedza vaIsraeri kuti vaite chivi.

Kubvumira kwakaita Mwari kuti barika rimboitwa kwekanguva kune zvakwaibatsira. Zvakabatsira kuri rudzi rwacho rukurumidze kukura. Kukura kwaizoita rudzi urwu kwaizobatsira kuti rurambe ruripo kusvikira panguva yaizouya Mesiya. Barika rinogona kunge raibatsira vamwe vakadzi, kuti vawane pokugara uye vadzivirirwe munguva dzematambudziko.

Zvisinei, yeuka kuti Jehovha haasiri iye akatanga tsika iyi. Akangoibvumira kwekanguva, uye akadzika mitemo yaibatsira kuti pasava nevamwe vanobatwa zvisina kunaka. (Eksodho 21:10, 11; Dheuteronomio 21:15-17) Jehovha paakasarudza kuti vanamati vake vachirega kuita tsika yokuita barika, akashandisa Mwanakomana wake kusimbisazve mutemo wekuroorana wakatangwa muEdheni. Paakadaro, Jesu akadzivisa vanamati vake kuita barika. (Mako 10:8) Zvadaro, chokwadi ichi chakava pachena, chinoti: Mutemo waMosesi waive wakanaka panguva yawo, asi “mutemo waKristu” uri nani.—VaGaratiya 6:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe