Zviri Mukati
June 15, 2009
Yokudzidza
NYAYA DZICHADZIDZWA VHIKI DZINOTEVERA:
August 3-9, 2009
PEJI 7
NZIYO DZICHAIMBWA: 31, 118
August 10-16, 2009
PEJI 11
NZIYO DZICHAIMBWA: 30, 181
August 17-23, 2009
Taura Chokwadi Nomuvakidzani Wako
PEJI 16
NZIYO DZICHAIMBWA: 192, 170
August 24-30, 2009
Mutariri Akatendeka neDare Rake Rinodzora
PEJI 20
NZIYO DZICHAIMBWA: 51, 114
Chinangwa Chenyaya Dzichadzidzwa
Nyaya Dzokudzidza 1, 2 MAPEJI 7-15
Pane madzimambo mana aJudha akanga akasiyana nevamwe pakushingairira kunamata kwechokwadi. Zvii zvatingadzidza kwavari zvingatibatsira kushingaira pakunamata kwedu Jehovha? Nyaya idzi mbiri dzichatikurudzira zvikuru uye dzine zvidzidzo.
Nyaya Yokudzidza 3 MAPEJI 16-20
Pakurarama kwedu zuva nezuva tinosangana nemamiriro ezvinhu anoita kuti zviite sezviri nyore, zvinobatsira, kana kuti zvakatonaka kuti titaure chimwe chinhu chisiri chechokwadi kana kuti mashoko asiri iwo. Nei vaKristu vechokwadi vachifanira kurwisa muedzo wokuita zvakadaro? Chii chichakubatsira kuti ukunde muedzo iwoyu?
Nyaya Yokudzidza 4 MAPEJI 20-24
Vanhu vaMwari vanoremekedza zvechokwadi boka romuranda akatendeka akangwara. Asi boka iroro rose rinobatana papi neDare Rinodzora? Uye Magwaro anoratidza kuti Jehovha ari kupa sei vanhu zvokudya zvokunamata mazuva ano? Uyewo tinofanira kuona sei vaya vanodya zviratidzo zveChirangaridzo? Nyaya iyi inopindura mibvunzo yakadaro.
DZIMWEWO NYAYA:
PEJI 3
Zvaungaita Kuti Ufare Usina Kuroora Kana Kuroorwa
PEJI 25
Kupawo Vamwe Mamwe Mabasa—Zvakwakanakira uye Maitirwo Ako
PEJI 28
PEJI 32