RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 3/1 pp. 18-19
  • Kunyatsotsvaka Vanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyatsotsvaka Vanhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Handisati Ndambonakidzwa Nezororo Zvakadaro!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Ramba Uchidyara Mbeu—Jehovha Achaikudza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Paimba Neimba”
    Imbirai Jehovha
  • Zvikomborero Zvinobva Mukuonga Rudo rwaJehovha—Chikamu 1
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 3/1 pp. 18-19

Tsamba Inobva kuIreland

Kunyatsotsvaka Vanhu

TUMVURA twaingoramba tuchipfunha tuchizara pagirazi rokumberi kwemotokari zvichibva zvaita kuti ndisanyatsoona zvakanyatsoita nzvimbo yacho. Ndafamba makiromita 16, ndakasvika pamusoro pegomo pandaikwanisa kunyatsoona Westport, taundi duku riri pamhenderekedzo iri nechokumadokero kweIreland. Pakupedzisira, zuva rakatanga kupisa uye mhute iya yakatsakatika, ndakanga ndava kugona kuona zvitsuwa zviduku zvaiyevedza kana wakatarisa. Zvishoma zvacho ndizvo zvinogara vanhu asi varimi veko vanotakura zvipfuwo zvavo nezvikepe vachienda nazvo kune zvimwe zvitsuwa kuti zvinofura.

Nechokumadokero kwemhenderekedzo kune makomo. Ndaikwanisa kuona rimwe gomo rinonzi Croagh Patrick, raive rakareba kupfuura mamwe makomo, asi vagari veko vanoridana kuti Reek. Ndakatyaira motokari ndichipfuura nomumigwagwa yakatetepa yakazara vanhu yomuWestport, ndikapfuura Reek ndokuenda kunzvimbo yaisanyanya kushanyirwa neZvapupu zvaJehovha.

Murume wandaida kuona akanga asingazivi kuti ndaizouya musi uyu. Ndaive ndagamuchira tsamba yaiti akanga atamira kunzvimbo iyi uye akanga achiri kuda kuramba achidzidza Bhaibheri neZvapupu. Ndakazvibvunza kuti: ‘Anombova nemakore mangani? Ane mudzimai here? Zvii zvaanofarira?’ Ndakatanga kufunga zvinhu zvandakanga ndaisa mubhegi rangu, Bhaibheri, nemamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Ndakafunga nezvezvandaizotaura naye kuti arambe achifarira mashoko oUmambo.

Ndakanga ndapfuura gomo riya rinonzi Reek. Midhuri yakavakwa nemabwe, yakawanda yacho yakavakwa pakaitika Nzara Huru yomuzana remakore rechi19, yaive iri kumucheto kweminda yakanga isina zvinhu yaisvika kugungwa uye yaive yakarongwa zvinoyevedza. Nechepadenga, paiva neimwe shiri yomugungwa yaibhururuka yakadekara zvayo. Pajengachenga, miti yeminzwa yaivhuvhutwa nemhepo, yaikotama ichimonyoroka kunge harahwa.

Dzimba dzacho hadzina manhamba uye migwagwa haina mazita muruwa urwu. Kero yomurume uyu raiva zita reimba yacho uye zita renzvimbo yacho.a Zvisinei, chandaida kutanga kuita kwaiva kuwana munhu ainzi anonyatsoziva kwaigara munhu wose, munhu uyu aiva mufambisi wetsamba. Papera maminitsi 30, ndakawana hofisi yeposvo, uye yaiva yakabatana nedzimwe dzimba. Paiva nechikwangwani chaive chakanyorwa kuti “Pakavharwa.” Sezvo apa paiva pakavharwa, ndakabvunza pane chimwe chitoro chaiva pedyo uye ndakarayirwa nzira yaindisvitsa pedyo nekwandaienda.

Ndatyaira mamwe makiromita masere, ndakawana mharadzano yandakanga ndamboudzwa, paiva nemugwagwa waikonera kurudyi uye kamugwagwa kakatetepa kokuruboshwe. Ndakagogodza pasuo reimba yaiva pedyo. Ndakadavirwa nevamwe ambuya vakandiudza kuti vakanga vagara ipapo kwoupenyu hwavo hwose asi vakanga vasingazivi kwaigara munhu wandakanga ndiri kutsvaka. Vakati ndipinde mumba sezvo vaizofona vachitsvaka.

Pavaitaura pafoni, vairamba vachingondikanda ziso, zvimwe vachifunga kuti ndaiva ani uye ndaidei. Ndakaona kachidhori keMhandara Mariya pamusuo uye pikicha hombe yaKristu yaiva pamadziro. Patafura paiva nerozari. Kuti vasanyanya kufunga zvakawanda ndakabva ndati, “Ndinoda kumuudza mashoko anokosha anobva kune dzimwe shamwari.”

Murume wavo akazosvika uye akatanga kundiudza zvakamboitika kare munzvimbo yacho. Ambuya ava hapana chavakawana pavakafona kokutanga asi vakandikumbira kuti ndimirire vachifonera vamwe. Zvaiita sokuti hapana akambenge anzwa nezvomurume wacho uye nezveimba yacho. Ndakatarisa nguva. Kwakanga kwava kusviba. Ndakaona kuti ndaizofanira kudzoka zvekare imwe nguva. Ndakavaonga zvikuru nokundibatsira kwavakanga vaita, ndakapinda zvekare mumotokari yangu ndokutanga rwendo rurefu rwokudzokera kumba.

Ndakadzokera vhiki yakatevera. Apa ndakazowana mufambisi wetsamba uye akanyatsonditsanangurira mafambiro andaifanira kuita. Papera maminitsi 15, ndakawana mharadzano yaakanga ataura. Ndakakonera kuruboshwe ndikatanga kukwidza nokudzika kakawanda mukanzira kacho katete ndichitsvaka pamwezve pandakanga ndarayirwa, bhiriji rekare. Ndakarishaya. Pakupedzisira, ndakawana imwe nzvimbo yandakanga ndanzi nditsvake, imba yaiva pamusoro pegomo yandakanga ndatora nguva yakawanda ndichitsvaka.

Ndakambotora kanguva ndichifunga kuti ndaizotaura sei mashoko akanaka. Vamwe sekuru vakavhura musuo. Vakati: “Ndine urombo, imba yamuri kutsvaka ndeiyo.” Vakandinongedzera kuimba yaionekera nechomumiti. Ndava kunzwa sokuti zvazoita, ndakafamba ndichiendako ndokugogodza pamusuo. Ndakamirira, ndakatarisa Nyanza inonzi Atlantic yaiva pedyo. Mhepo yakanga yawedzera kuvhuvhuta, uye mafungu machena airovera pamhenderekedzo yaiyevedza. Hapana wandakaona uye pakanga pasina munhu.

Ndakashanyira imba iyi kaviri ndisati ndaonana nerimwe jaya. Rakati, “Imba yamanga muchitsvaka ndiyo ino, murume wamuri kutsvaka aimbogara pano asi akatama, uye handizivi kuti akaenda kupi.” Ndakatsanangura kuti ndakanga ndafambirei uye ndakaona kuti jaya iri rakanga risina kumbobvira raonana neZvapupu zvaJehovha. Akanga ambobirwa uye zvaimunetsa kuti nei Mwari aibvumira zvinhu zvakadai nezvimwewo kuti zviitike. Akagamuchira magazini akanga achangobuda eNharireyomurindi neMukai! aitaura nezvenyaya yacho.

Magwaro anorayira kuti tiedze nomwoyo wose kutsvaka vanhu vakaita semakwai. Zvisinei, ndakashaya murume wandaitsvaka. Kunyange ndisina kumuwana, handimbozvidembi sokunge ndakatambisa nguva yangu. MuIreland, vanhu vakawanda vanoda chaizvo kudzidza nezvemashoko oUmambo, uye nechikomborero chaJehovha, jaya riya ringangogamuchira mashoko oUmambo ndokuzoaudzawo vamwe.

[Mashoko Omuzasi]

a MuIreland, kana nzvimbo yacho riri guta, ringave rakatanga kuvapo muzana remakore rechi11. Maguta akakura zvakasiyana-siyana, uye mamwe acho angave nemazana edzimba. Mazita awo ndiwo anoshandiswa pakutumira zvinhu neposvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe