RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 12/1 p. 3
  • Jesu—Zvinotaurwa Nevanhu Nezvake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu—Zvinotaurwa Nevanhu Nezvake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Aingovawo Zvake Munhu Akanaka Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Munhu Mukurusa Ati Amborarama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Munhu Mukuru Kwazvo Pane Vakamborarama
    Mukai!—2007
  • Nazareta—Musha Womuporofita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 12/1 p. 3

Jesu—Zvinotaurwa Nevanhu Nezvake

“Hapana mubvunzo kuti Jesu weNazareta . . . munhu akakurumbira munhoroondo dzakaitika kare.”—H. G. Wells, munyori wenhoroondo dzekare wokuEngland.

“Kristu . . . akasiyana zvikuru nemamwe magamba ose.”—Philip Schaff, nyanzvi yokuSwitzerland inodzidza nezvezvitendero uye inonyora nhoroondo dzekare.

NDIANI anokodzera kunzi munhu mukuru zvikuru akamborarama? Chii chinofanira kuita kuti munhu aremekedzwe? Kugona kurwa muhondo here? Isimba rake here? Injere here? Kana kuti hatifaniri here kutarisa kuti vanhu vanodzidzei pane zvaaitaura nezvaaidzidzisa uye muenzaniso waakavasiyira?

Chimboona zvakataurwa nevanyori venhoroondo dzekare, masayendisiti, vezvedzidzo, vanyori, vatungamiriri vezvematongerwe enyika, uye vamwewo—vekare uye vanhasi—nezvomurume wokuNazareta, Jesu Kristu:

“Unofanira kutofunga zvakadzama zvokutaura, kuti urambe kuti munhu akanyanya kukurumbira—kwete mumamireniyamu maviri chete asi muupenyu hwose hwevanhu—ave ari Jesu wokuNazareta.”—Reynolds Price, munyori wokuAmerica uye nyanzvi yokudzidza Bhaibheri.

“Murume akanga asina mhosva zvachose akapa upenyu hwake sechibayiro kuti abatsire vamwe, kusanganisira vavengi vake uye kuti adzikinure nyika. Izvi zvaiva zvakanaka zvikuru.”—Mohandas K. Gandhi, mutungamiriri wezvematongerwe enyika uye wezvitendero wokuIndia.

“Pandaive muduku, ndakadzidziswa Bhaibheri uye Talmud. (bhuku rechitendero rechiJudha.) Ndiri muJudha, asi ndinobatwa mwoyo nomunhu uyu anoshamisa wokuNazareta.”—Albert Einstein, musayendisiti wokuGermany.

“Semafungiro angu, Jesu Kristu, ndiye munhu wandinoti akakurumbira munhoroondo yose, seMwanakomana waMwari uye seMwanakomana woMunhu. Zvose zvaakataura uye zvaakaita zvinotibatsira nhasi, uye haukwanisi kuzvitaura nezvomumwe munhu mupenyu kana kuti akafa.”—mashoko aSho·lem Asch, munyori wokuPoland ari mumagazini inonzi Christian Herald; ndivo vakatsveyamisa mabhii.

“Kwemakore makumi matatu nemashanu oupenyu hwangu, handina zvandaidavira. Makore mashanu apfuura ndakatanga kutenda kuti Jesu aiva munhu chaiye. Ndakatanga kudavira dzidziso dzaJesu Kristu uye upenyu hwangu hwakaerekana hwachinja.”—Count Leo Tolstoy, munyori wemabhuku woRussia uye muzivi.

“Munhoroondo youpenyu hwevanhu, hapana ane zvaakaita paupenyu hwevanhu kupfuura Jesu uye achiri kungoramba achidaro.”—Kenneth Scott Latourette, nyanzvi yezvenhoroondo dzekare yokuAmerica uye munyori.

“Tingati evhangeri youpenyu hwaJesu ingoriwo ngano here? Shamwari, ndezvechokwadi kuti haisi nganowo zvayo. Asi nhoroondo yaSocrates, inodavirwa nevanhu vose, haina uchapupu hwakaita sohwenhoroondo yaJesu Kristu.”—Jean-Jacques Rousseau, muzivi wokuFrance.

Zviri pachena kuti Jesu Kristu ndiye munhu watinofanira kutevedzera pamararamiro atinoita. Pauro, muzvinadzidzo womuzana remakore rokutanga akasarudzwa naJesu kuti ave muteveri wake uye kuti ataure nezvaJesu kune mamwe marudzi, anotikurudzira kuti ‘tirambe takatarira’ kuna Jesu. (VaHebheru 12:2; Mabasa 9:3) Jesu anogona kutidzidzisei nezvemararamiro atingaita? Upenyu hwake hungakubatsira sei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe