Tsamba Inobva kuAustralia
“Ndichariverenga Manheru Ndakagara Pamoto”
MARUWA ari kuAustralia anotirangaridza magwenga anopisa zvikuru, uye mapani akakura zvikuru. Asi nzvimbo iyi inogara vanhu vanenge 180 000, inongova 1 muzana yevanhu vanogara munyika iyi.
Ndichiri muduku, vabereki vangu vari Zvapupu zvaJehovha vaienda neni kunoparidzira kumaruwa. Kukura uye kunaka kwenzvimbo yacho kwaindinakidza. Ndaifarirawo vanhu vaigara munzvimbo iyi vaiva vakagwinya, vasinei nezvakawanda. Iye zvino zvandakanga ndava nemhuri yanguwo duku, ndaida kuti mudzimai wangu nevana vaviri mumwe ane makore 10 mumwe 12, vashanyirewo maruwa aya.
Kuronga Rwendo Rwacho
Takatanga tagara pasi kuti tironge kuti taizozvikwanisa here. Taizogona kuenda kure zvakadini? Taizoshanya kwenguva yakareba sei? Takaenda pamwe chete nevamwe vakaroorana nevamwe vashumiri vaviri venguva yakazara vomuungano yedu. Takabvumirana kuti taizoenda pakati pegore zvikoro zvavharwa. Zvadaro takanyorera hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yeAustralia iri kuSydney tichikumbira nzvimbo yokunoparidzira. Takakumbirwa kunoparidzira kune imwe nzvimbo iri kure, pedyo neGoondiwindi, taundi rokumaruwa riri makiromita 400 kumadokero kweBrisbane kwatinogara.
Takaudzwa kuti muGoondiwindi maiva neungano yeZvapupu zvaJehovha yaiva nevanhu vashoma. Ichi chaiva chimwe chikomborero. Zvainyanya kukosha kwaiva kuonana nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu parwendo urwu. Takazivisa ungano yacho kuti taizoishanyira. Kupindura kwavo nechido kwakatiratidza kuti vakanga vachititarisira chaizvo.
Tisati tasimuka, boka redu rakasangana kuti tikurukure kuti taizonosvitsa sei mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuvanhu vanogara kumaruwa. Tainyatsoda kuremekedza tsika nemagariro evaAborigine vataizosangana navo. Somuenzaniso, mamwe madzinza anoona nyika yavo somusha wavo. Kungoti vhu mumusha mavo usina kukokwa kungaratidza kusaremekedza.
Kumaruwa
Zuva riya rakazosvika. Motokari dzedu duku mbiri, dzaiva dzakazara nevanhu uye zvokushandisa, dzakabva dzananga kumaruwa. Takatanga tichaona minda yakarimwa asi tava pedyo neGoondiwindi takanga toona mapani aiva nemipuranga apo neapo. Zuva romuchando raipenya mudenga risina makore. Tafamba kwemaawa takasvika kuGoondiwindi ndokubva tanorara mudzimba dzemapuranga dzairendwa dzaiva munzvimbo inopakwa maturera.
Mangwana acho musi weSvondo, zuva raipenya uye kwaitonhorera zvichibva zvaita kuti mamiriro okunze anakire kuparidzira! Kuno muzhizha kunopisa zvokusvika ku40°C! Takatanga nokumira munharaunda ine vaAborigine iri makiromita anenge 30 kubva kwataiva. Takanzi tisvikire kwomumwe mukadzi wechikuru achena bvudzi anonzi Jenny, aiva mutungamiriri wenzvimbo yacho. Akanyatsoteerera mharidzo yedu yeMagwaro uye akafarira bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru.a Akabva atibvumira kuti tiparidzire vanhu vaigara munharaunda yake.
Vana vomunzvimbo iyi vaifanomhanya kunotaura kuti kune vanhu vari kuuya. Vanhu vose vataiwana pamba vaiteerera shoko redu noruremekedzo uye vakatora mabhuku eBhaibheri. Pasina nguva mabhuku edu akanga apera, uye yakanga yava nguva yokudzokera kutaundi kunopinda misangano yeungano. Tisati taenda, takavimbisa kuti taizodzoka kuzoona vaya vatakanga tisina kuona.
Masikati iwayo Imba yoUmambo yaiungira nemanzwi evanhu vaikurukura vachifara nokuumba ushamwari hutsva. Zvapupu 25 zvomunzvimbo iyi zvave zvichizivisa mashoko oUmambo kuvanhu vanenge 11 000 vakapararira munzvimbo yakakura masikweya kiromita 30 000. Chichiratidza kuonga, chimwe Chapupu chakati: “Maita basa nokuuya kuzotibatsira.” Pashure pemisangano yainakidza, takaungana kuti timbodyira-dyira nokunwira-nwira. Tisati tarara, takapa zvokudya kumhuka dzinongofamba panopakwa maturera dzinonzi mapossum.
“Manheru Ndakagara Pamoto”
Mazuva maviri akatevera, nemotokari dzedu mbiri takashanyira mimwe misha iri kure pedyo nokumuganhu weQueensland-New South Wales. Nzvimbo zhinji dzokumaruwa dzaiva nemipuranga yakaoma, mapani ane makwai nemombe dziri kufura. Tiri munzira taiona kangaroo dzakawanda, nzeve dzadzo dzakati twi dzichititeerera. Dzimwe shiri dzinonzi emu dzainekaira dzichifamba nechekoko.
Chipiri masikati takasangana nemombe dzakawanda dzaifamba zvishoma nezvishoma mumugwagwa. Vafudzi vanobhadharwa vanogara vachifudza zvipfuwo munharaunda iyi, kunyanya kana kusina kunaya mvura. Takabva tasangana nomumwe mufudzi ari pabhiza rake. Ndakamisa mota ndokubva ndabuda ndikamukwazisa. Akapindura kuti: “Ndaswera shamwari.” Murume akura uyu, akabva amira imbwa yake iri padivi pake kuti timbokurukura.
Takurukura kwekanguva nezvokusanaya kwemvura, ndakatanga kutaura nezveBhaibheri. Akabva ati: “Ufunge ndakapedzisira kunzwa nezveBhaibheri ndichiri muduku!” Aiti vatungamiriri vezvitendero ndivo vane mhosva yokuraswa kwetsika munyika. Kunyange zvakadaro, airemekedza Bhaibheri zvikuru. Takurukura zvakanaka Magwaro, ndakamugovera bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?b Akariti dzvi ndokubva ariisa muhomwe yehembe yake ndokuti, “Kana richindiudza zvinodzidzisa Bhaibheri, ndichariverenga manheru ndakagara pamoto.”
Kudzokera Kumba
Usiku ihwohwo tiri paImba yoUmambo takaudza hama nehanzvadzi dzedu dzatainamata nadzo zvataive tasangana nazvo muushumiri. Vakativimbisa kuti vaizoshanyirazve vanofarira vatakanga taona. Pakapera musangano wacho, zvaiva zvakaoma kuti tionekane navo. Takanga taumba ushamwari hwakasimba. Tose zvedu takasimbiswa nokukurudzirana mune zvokunamata.—VaRoma 1:12.
Takadzokera kumba zuva rakatevera. Tichikurukura nezvorwendo rwedu, takabvumirana kuti Jehovha akanga akomborera zvataive taita. Takanzwa taswededzwa pedyo naJehovha. Patakasvika kumba, ndakabvunza vana vedu kuti: “Mungada kuti tiendepi kuzororo munguva inotevera? Kumakomo here?” Vakapindura kuti: “Aiwa Baba, ngatidzokereizve kumaruwa tinoparidzira.” Mudzimai wangu akapindirawo akati: “Shuwa handei. Ranga riri zororo rinonakidza kupfuura mamwe ose!”
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
b Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.