Vanoda Kununurwa!
MUMWE mugodhi wemarasha pedyo nePittsburgh, Pennsylvania, kuU.S.A., wakangoerekana wazara nemvura yakawanda zvokuwanda zviya. Vashandi vapfumbamwe vomumugodhi wacho vakavharirwa mukanzvimbo kaduku kaiva pasi pevhu nemamita 73. Vakazobuda mumugodhi iwoyo kwapera mazuva matatu, pasina kana akanga akuvara. Vakanunurwa sei?
Vachibatsirwa nemepu dzomugodhi wacho uye nemichina inoonesa pane zvinhu pasi pevhu, vainunura vacho vakachera gomba rakafara mamita 65 ndokudzikisa keji refu ichienda paiva pakaungana varume ivavo. Mumwe nomumwe wevarume ava akabudiswa ari mukeji iyoyo kubva mugomba iri mavangadai vakafira. Vose vakafara, vakatura mafemo, uye vakaonga kuti vakanga vanunurwa.
Vakawanda vedu hatizombovharirwi pasi pevhu sezvakaita varume vaya vapfumbamwe kana kuti kutarisana nengozi yakadaro muupenyu. Zvisinei, tose tinofanira kununurwa, nokuti tose hatigoni kunzvenga kurwara, kukwegura uye pakupedzisira kufa. “Munhu, akaberekwa nomukadzi, anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nezvinhu zvinonetsa,” akadaro tateguru akanga akatendeka Jobho. “Anobuda seruva, ogurwa, anotiza somumvuri uye haarambi aripo.” (Jobho 14:1, 2) Mazuva ano, kwapera makore anenge 3 500, mashoko iwayo achiri echokwadi, nokuti ndiani wedu anganzvenga rufu? Pasinei nokuti tinogarepi kana kuti tinotarisira utano hwedu zvakanaka sei, tinofanira kununurwa pakutambura, kukwegura uye kufa.
Vasayendisiti nevamwe, vanoshanda nesimba vachiedza kuti vanhu vararame kwenguva yakareba kupfuura nguva inoonekwa nevakawanda senduramo youpenyu. Rimwe sangano rinotaura kuti basa raro “nderokubatsira vanhu kuti vasangofa pasina chikonzero” uye “kubatsira vanhu varo kuti vabudirire kukunda rufu.” Zvisinei, nanhasi sayenzi nechido chine vanhu hazvina kukwanisa kuwedzera upenyu hwevanhu kuti hupfuure makore 70 kana kuti 80 akataurwa naMosesi makore 3 500 adarika.—Pisarema 90:10.
Ungave uchibvumirana nezvakataurwa naJobho nezvoupenyu norufu kana kuti kwete, makore zvaanofamba, ‘uchatizawo somumvuri,’ uchienda kure neshamwari dzako, mhuri yako, musha wako uye zvose zvawakaita—uchienda kwamupfiga nebwe. Mambo Soromoni akanga akachenjera weIsraeri yekare akanyora kuti, “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana kana chavanoziva, havasisina kana mubayiro, nokuti zvose zvingayeukwa nezvavo zvakanganwika.”—Muparidzi 9:5.
Chokwadi chinosuruvarisa ndechokuti sokutaura kunoita Bhaibheri, rufu “rwakava mambo,” ruchitonga vanhu noutsinye. Kutaura zvazviri, rufu ndiye muvengi wokupedzisira anotizwa nevanhu. (VaRoma 5:14; 1 VaKorinde 15:26) Nyanzvi dzokununura vanhu patsaona uye dzinenge dziine zvokushandisa zvose zvinodiwa, hadzigoni kukununura zvachose. Asi Musiki wevanhu, Jehovha Mwari, akaronga kuti ununurwe zvachose.