RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 10/15 p. 3
  • Kutsvaka Kwedu Upenyu Hurefu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Kwedu Upenyu Hurefu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Kuedza Kwevanhu Kukunda Rufu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Vanhu Vangararama Nguva Yakareba Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Vanhu Havadi Kufa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Vanoda Kununurwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 10/15 p. 3

Kutsvaka Kwedu Upenyu Hurefu

“Munhu wakazvarwa nomukadzi una mazuva mashoma, azere nokutambudzika. Unobuda seruva, ndokusvava; unotizawo somumvuri, haagari.”—Jobho 14:1, 2.

KUNYANGE nhasi vashoma vangapikisa pfungwa iyi nezvekupfupika kwoupenyu, kunyange zvazvo yakanyorwa makore anenge 3 500 akapfuura. Nguva dzose vanhu vave vachizviwana zvisingagutsi kuravira upenyu huchingotanga kwenguva duku vokwegura vofa. Naizvozvo, nzira dzokuita kuti upenyu hurebe dzakazara munhoroondo yavanhu.

Mumazuva aJobho, vaEgipita vaidya manhu emhuka mukuedza kuti vawanezve uduku hwavo vasingabudiriri. Chimwe chezvinangwa zvikuru zvevaigadzira makemikoro muMiddle Ages kwaive kugadzira mushonga waizoita kuti upenyu hurebe. Nyanzvi dzekugadzirwa kwemakemikoro dzakawanda dzaidavira kuti ndarama yokuzvigadzirira yaizopa upenyu hwokusafa uye kuti kudyira mundiro dzendarama kwaizorebesa upenyu. VaTao vechiChina vekare vaifunga kuti vaigona kuchinja makemikoro omuviri vachishandisa nzira dzakadai sokufungisisa, kuzvirovedza kufema, uye zvokudya uye vobva varega kufa.

Mupanguri wekuSpain Juan Ponce de León anozivikanwa nokutsvaka kwake asingagutsikani chitubu choupwere. Mumwe chiremba womuzana remakore rechi19 akakurudzira mubhuku rake rinonzi Hermippus Redivivus kuti mhandara duku dzichengetwe mukamuri diki munguva yechirimo uye kuti mweya wadzinofema uiswe mumabhodhoro wozoshandiswa semushonga wokupfuuridzira upenyu. Kungotaurira chirango, hapana kana chimwe chenzira idzi chakabudirira.

Nhasi, anenge makore 3 500 Mosesi anyora mashoko aJobho, munhu akafamba pamwedzi, akagadzira motokari uye makombiyuta, uye akaongorora atomu uye sero. Asi, pasinei nekufambira mberi muruzivo irworwo rwokugadzira zvinhu, nanhasi tichine “mazuva mashoma, azere nokutambudzika.” Ichokwadi kuti munyika dzakabudirira makore anotarisirwa okurarama akawedzera kwazvo muzana remakore rapfuura. Asi izvi kunyanya mugumisiro wenzira dzokuchengetedza utano dzakavandudzwa, nzira dzoutsanana dziri nani, uye zvokudya zvinovaka muviri zviri nani. Somuenzaniso, kubva pakati pezana remakore rechi19 kusvika pakuvamba kwema1990, avhareji yokureba kwoupenyu muSweden yakawedzera kubva kumakore 40 kusvika ku75 kuvarume uye kubva pa44 kusvika ku80 kuvakadzi. Asi izvi zvinoreva here kuti chido chemunhu chekurarama nguva refu chakagutswa?

Kwete, nokuti kunyange zvazvo mune dzimwe nyika vanhu vakawanda vanorarama kusvika vakwegura, mashoko akanyorwa naMosesi kare kare achiri kushanda, okuti: “Mazuva emakore edu anosvika makore makumi manomwe, kana tine simba makore makumi masere. . . . Nokuti gare gare aenda, nesu tabhururuka taenda.” (Pisarema 90:10) Mune ramangwana riri pedyo, tichaona pane zvachinja here? Munhu achakwanisa kurarama nguva refu zvikuru here? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyoyo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe