RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 12/1 p. 3
  • Nyika Yose Ingabatana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Yose Ingabatana Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Mhuri yaJehovha Inofarikanya Chinzwano Chinokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Chengeta Chinzwano Mumazuva Ano Okupedzisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kune Vanhu Vari Kubatana Munyika Yose—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vanamati Vechokwadi Vanoonekwa Nokubatana Kwavo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 12/1 p. 3

Nyika Yose Ingabatana Here?

NYIKA yedu yava pedyo nokubatana here kana kuti yava kutoita manyama amire nerongo? Zvinoita sokuti zvose zvingangoitika.

Vamwe vatungamiriri venyika vanotaura nechivimbo nezvokubatana kwenyika yose, zvichida nokuti zvinotyisa kuti vafunge zvingaitika kana nyika ikatadza kubatana. Ukuwo, vazhinji vanotya pavanofunga kuti: Inyika dzipi dzine zvombo zvinoparadza vanhu vakawanda? Dzingashinga kuzvishandisa here? Chii chingaitika kana dzikazvishandisa?

Kugara nokugara ruvengo norusarura ndizvo zvave zvichitadzisa vanhu kubatana uye chitendero ndicho chinowanzozviwedzera panzvimbo pokuzvipedza. Mumwe mutori wenhau James A. Haught akanyora kuti, “Chinhu chose chinoparadzanisa vanhu chinogona kuita kuti pave nokuvengana, uye chitendero ndicho chimwe chezvinhu zvinonyanya kuparadzanisa. Pasinei nezvinowanzofungwa nevakawanda kuti chitendero chinoita kuti vanhu vave ‘vakanaka,’ zviri pachena kuti chinoita kuti vamwe vanhu vaite zvinhu zvinotyisa.” Munyori wemabhuku, Steven Weinberg anofungawo saizvozvo. Akanyora kuti: “Chitendero ndicho chinotoita kuti vanhu vakanaka vaite zvakaipa.”

Pane tariro here yokuti nyika yedu ichazofa yakabatana? Iripo! Asi sezvatichaona, zvinoitwa nevanhu kana kuti nezvitendero zvavo handizvo zvichaita kuti nyika ibatane.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

Nyika ino yakaita segirinedhi rava kuda kuputika here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe