RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 10/15 pp. 3-4
  • Tingasvika Pakunyatsoziva Mwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tingasvika Pakunyatsoziva Mwari Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinotaura Bhaibheri
  • Kuwana Zivo—Iye Zvino uye Nokusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Rudzi Rwomunhu Runoda Kuziva Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Rambai ‘Muchimuteerera’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Chikonzero Nei Tichida Zivo Yakarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 10/15 pp. 3-4

Tingasvika Pakunyatsoziva Mwari Here?

“Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro [pa]Mwari wechokwadi chete.”—Johani 17:3.

“HAIWA, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei!” akazivisa kudaro muapostora Pauro! Akatizve: “Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nzira dzake hadzigoni kurondwa sei!” (VaRoma 11:33) Mashoko aya anofanira here kuita kuti tigumise kuti vanhu havakwanisi kuwana uchenjeri nezivo yaMwari, kuti zvakaoma kuti vasvike pakunyatsomuziva iye nezvinangwa zvake?

Vamwe vazivi vezvitendero vanofunga kuti hazviiti kuziva Mwari. The Encyclopedia of Religion inotaura nezvouzivi uhwu ichiti: “Mwari anopfuura zvose zvingazivikanwa nezvake. . . . Mwari haagoni kupiwa zita kana kurondedzerwa zvaari. Zita chero ripi zvaro kana kumurondedzera zvinoperevedza, uye Mwari . . . haana paanogumira. . . . Haafaniri kuzivikanwa nokuti haagoni kuzivikanwa.”a

Maererano nemagazini inonzi Newsweek, vanhu vakawanda vari munyika dzisinganyanyi kuita zvokunamata vanotsigira “pfungwa itsva” yokuti “kunongova nechokwadi chimwe chete, uye chokwadi chacho ndechokuti hakuna chokwadi.”

Kunyange zvakadaro mibvunzo yevakawanda ine chokuita nechinangwa choupenyu haipindurwi. Vanoona zvinetso zvinorwadza mwoyo zvourombo, zvirwere, uye zvechisimba. Vanhu vakadai vangaodzwa mwoyo kwazvo nokusaziva chokwadi nezvoupenyu. Vangada kwazvo kuwana mhinduro dzacho, asi pavasingadziwani, vangagumisa kuti hadziwaniki. Somugumisiro, vanhu vakawanda vakadaro vakabuda mumachechi anozivikanwa uye vava kutsvaka nzira dzavo voga dzokutaura naMwari—ndokunge vachiri kudavira kuti ariko.

Zvinotaura Bhaibheri

Vaya vanoona Bhaibheri zvakanaka uye vanobvuma kuti Jesu Kristu Mutauriri waMwari vangafarira kuziva zvarinotaura. Zvichida unoyeuka kuti Jesu akambotaura nezvemigwagwa miviri, “wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa” uye “wakatetepa unoenda kuupenyu.” Akatsanangura maziviro atingaita vaya vanofamba mumigwagwa iyi, achiti: “Muchavaziva nezvibereko zvavo.” Zvibereko zvorudzii? Kwete nezvavanotaura, asi nezvavanoita, sokujekesa kwakaita Jesu kuti: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.” Kungodavira kuti kuna Mwari hakuna kukwana. Tinofanira kuita zvaanoda. Zvine musoro kuti tinofanira kutanga taziva zvinodiwa naMwari nenzira yakarurama.—Mateu 7:13-23.

Jesu akaratidza pachena kuti zvinoita kuti vanhu vazive nezvaMwari. Akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Zviri pachena kuti tinogona kuwana uchenjeri nezivo zvatinoratidzwa naMwari—kana bedzi tikashanda nesimba tichizvitsvaka. Zvisinei, vaya vanoita izvi vanopiwa chipo choupenyu husingaperi naMwari, saka kutsvaka zvinhu izvi chokwadi kunokosha.

[Mashoko Omuzasi]

a Mafungiro akafanana neaya anowanika mutsika dzezvitendero zvokuMabvazuva zvechiHindu, chiTao, uye chiBuddha.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Jesu akati mugwagwa wakatetepa unoendesa kuupenyu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe