Kukunda Zvipingamupinyi muPanama
“PANAMA, bhiriji renyika yose.” Hafu yezana remakore yapfuura, mashoko aya aitaurwa mune imwe purogiramu yakakurumbira yeparedhiyo munyika iyi iri kuCentral America. Nhasi, ava kuratidza manzwiro anoita vakawanda nezvenyika yacho.
Nyika yePanama inoita sebhiriji rinobatanidza North America neSouth America. Bhiriji chairoiro rinonzi Bridge of the Americas rinobatanidza nyika idzi rakakura kupfuura mugero uyu wePanama Canal. Apa pakaitwa mabasa ouinjiniya anoratidza unyanzvi, kamukwavarara kanopfuura nomunyika yacho, kachibatanidza nyanza yeAtlantic neyePacific. Izvi zvinoita kuti ngarava dzomugungwa dzomunyika yose dzikwanise kusvika kunyika idzi mumaawa mashomanana munzendo dzadzo dzomugungwa dzaizotora mazuva akawanda kana mavhiki. Chokwadi, Panama inoshanda sebhiriji rinokosha rinoshandiswa nenyika dzakawanda.
Ibhiriji uye Ine Vanhu Vakawanda Vakasiyana-siyana
Panama yazovawo nyika ine vanhu vakawanda vemarudzi nemadzinza akasiyana-siyana. Vanhu ava, pamwe chete nemapoka akawanda eko, vakaita kuti pave nevanhu vakasiyana-siyana vanenge vangori pose pose munyika iyi yakaisvonaka. Zvisinei, zvinobvira here kukunda zvinetso zvinokonzerwa nokusiyana kwakaita vanhu veko, tsika, zvitendero, uye mitauro yavo kwava kuita kuti vafunge zvakafanana uye vave nechinangwa chimwe chete zvichibva pachokwadi chinokosha chinowanika muShoko raMwari?
Hungu, zvinoita. Mashoko omuapostora Pauro akanyorwa pana VaEfeso 2:17, 18 anoratidza kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga—vaJudha neVemamwe Marudzi—vakazviita vabatanidzwa nechibayiro chaKristu. Pauro akanyora kuti: “[Jesu] akauya akazivisa mashoko akanaka orugare kwamuri, imi maiva kure, uye rugare kune vaya vaiva pedyo, nokuti naye isu, vanhu vose, tinosvika kuna Baba nomudzimu mumwe.”
Saizvozvowo nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kuzivisa “mashoko akanaka orugare” muPanama kuvanhu nemapoka akabva kure, mune zvokunamata uye, pane dzimwe nguva, vachibva muzvitendero zvakasiyana. Vaya ‘vanosvika’ kuna Jehovha ndopavanobva vabatana. Somugumisiro, ungano dzakaumbwa muPanama dzemitauro mitanhatu—Spanish, Cantonese, Mutauro wokuPanama Wemasaini, weChirungu, nemimwe miviri yevanhu veko, inoti Kuna uye Ngobere (Guaymí). Zvinokurudzira kuziva kuti vanhu vemapoka emitauro iyi vakasvika sei pakubatana pakunamata kwavo Jehovha.
Kukunda Zvipingamupinyi muComarca
Boka revaNgobe ndiro rakakura kupfuura mamwe ose pamapoka masere evanhu vokuPanama. Rine vanhu vanenge 170 000, vakawanda vacho vanogara munzvimbo yakakura chaizvo yavakati comarca munguva ichangopfuura iyi kana kuti nzvimbo inochengeterwa kuti igarwe nerimwe boka revanhu. Chikamu chikuru chenzvimbo iyi chine makomo asina kuenzana anogona kufambwa zvikurukuru netsoka, uyewo matunhu ane mhenderekedzo dzakaisvonaka dzinogona kusvikwa nomugungwa. Misha yeko inowanzovakwa pedyo nenzizi dzinoshandiswa pakufambisa zvinhu, uye inovakwawo yakatevedza mhenderekedzo. Vakawanda vanogara mucomarca vanorarama upenyu hwokutamburira nokushanda muminda mirefu yekofi iri mumakomo, nokuredza, kana kuti nokurima. Vakawanda vavo vanopinda machechi echiKristudhomu. Zvisinei, vatsigiri vanoshingaira vechitendero chomunzvimbo iyi chinonzi Mama Tata. Vamwe vacho vanoenda kuna vanasukias (vapristi) veko kuti varapwe pavanenge vachirwara kana kuti pavanonzwa sokuti vari kunetswa nemidzimu yakaipa. Kunyange zvazvo vakawanda vachitaura Spanish, mutauro unonyatsonzwisiswa ikoko unonzi Ngobere.
Kukwasva Magwa Kuti Vasvike Mwoyo
Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti zvinokosha kubatsira vanhu kuti vazive chokwadi nenzira kwete inovabata pfungwa chete asiwo inosvika pamwoyo yavo. Izvi zvingavakurudzira kuchinja muupenyu hwavo kuitira kuti vaite zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri. Saka, vamwe vashumiri mapiyona chaiwo vakatumwa kunoshandira munzvimbo sere dzakachengeterwa kuti dzigarwe nerimwe boka revanhu vakadzidza mutauro weNgobere vachibatsirwa neZvapupu zveko zvinogona mutauro uyu.
Ungano 14 dzakaumbwa munzvimbo iyi zvichiratidza kuti mune mukana wokuwedzera. Somuenzaniso, makore mashomanana apfuura, Dimas naGisela mapiyona chaiwo akaroorana, vakatumwa kunoshanda neungano duku ine vaparidzi vanenge 40 kunzvimbo yeTobobe iri pedyo nemhenderekedzo. Zvakanga zvisiri nyore kuti vajaire nzendo dzenguva dzose vachiita zvokukwasva igwa kuitira kuti vaparidzire vanhu vakaderera vanogara mumhenderekedzo yeAtlantic Coast. Dimas naGisela vakaona kuti mvura yakadzikama yomugungwa inogona kukurumidza kuva mafungu ane ngozi. Maoko avo nemisana yavo zvaiwanzovarwadza pashure pokunge vakwasva igwa vachibva pane mumwe musha kuenda kune mumwe. Rimwe dambudziko raiva rokudzidza mutauro womunzvimbo iyi. Zvisinei, kuzvipira nokutsungirira kwavo zvakakomborerwa muna 2001 pakapinda vanhu 552 Chirangaridzo chorufu rwaKristu.
Nechemhiri kwekamukwavarara kacho kubva kuTobobe kune musha unonzi Punta Escondida. Kwenguva yakareba, rimwe boka duku revaparidzi raigara richikwasva magwa kuenda ikoko—kana mamiriro okunze akanaka—kuti rinopinda misangano kuTobobe, uye mishumo yairatidza kuti kwaiva nemikana yakanaka yokuumba ungano itsva munzvimbo iyi. Pachifungwa nezveizvozvo, Dimas naGisela vakakumbirwa kuti vanogara kuPunta Escondida. Makore maviri asati apera, boka iri raiva muPunta Escondida rakava ungano ine vaparidzi vanoshingaira 28, uye yaiva neavhareji yevanhu 114 vaipinda musangano wehurukuro yavose yevhiki nevhiki. Muna 2004 ungano itsva iyi yakafara pakapinda vanhu 458 Chirangaridzo chorufu rwaKristu.
Kukunda Chipingamupinyi Chokusagona Kuverenga Nokunyora
Kuvanhu vazhinji vane mwoyo yakatendeseka, kukunda chipingamupinyi chokusagona kuverenga nokunyora kwakavabatsira kutanga kuva noukama hwepedyo naJehovha. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Fermina, mumwe mukadzi wechiduku wokudunhu rine makomo recomarca. Zvapupu zviri mamishinari zvaishanda munzvimbo iri kwayo yoga kwaaigara zvakaona kuti aiteerera kwazvo mashoko oUmambo. Paakaudzwa kuti aigona kudzidziswa Bhaibheri, akati aida kutodzidza zvakawanda. Zvisinei, paiva nedambudziko. Aitaura Spanish neNgobere, asi akanga asingagoni kuverenga kana kunyora mitauro yacho. Mumwe wemamishinari akati aizomudzidzisa, achishandisa bhurocha rinonzi Apply Yourself to Reading and Writing.a
Fermina aiva mudzidzi aigona chaizvo, aifarira kugadzirira zvidzidzo zvake, achiita basa rake raanenge anzi aitire kumba, uye aidzidzira zviperengo zvake nokushingaira. Mugore rimwe chete, akanga atofambira mberi zvokukwanisa kudzidza bhurocha rinonzi Unogona Kuva Shamwari yaMwari!b Misangano payakarongwa, Fermina akatanga kuipinda. Zvisinei, pamusana pourombo hwemhuri yake, zvakanga zvakaoma chaizvo kuti awane mari yokuenda kumisangano nevana vake. Mumwe wemapiyona akaziva nezvemamiriro ezvinhu aFermina, akamupa zano rokuti asone achitengesa marokwe anopfekwa nevakadzi vanotaura Ngobe. Fermina akaita saizvozvo, uye pasinei nezvimwe zvaaida zvokunyama, akava nechokwadi chokushandisa mari yaaiwana kuti angopinda misangano yechiKristu. Iye nemhuri yake iye zvino vakatamira kune imwe nzvimbo, uye ari kuramba achifambira mberi mune zvokunamata. Vanofara kuti havana kungokunda dambudziko rokusaverenga nokunyora asiwo kuti zvinotokosha zvikuru ndezvokuti vava kuziva Jehovha.
Kukunda Chipingamupinyi Chokuparidzira Vasinganzwi
MuPanama, mhuri dzakawanda dzine vanhu vane dambudziko rokusanzwa dzinonyara nazvo. Dzimwe nguva, vakadaro vave vasingawaniswi dzidzo chero ipi zvayo. Matsi dzakawanda dzinonzwa kusurukirwa uye kusarurwa, sezvo zvakaoma chaizvo kukurukura nadzo.
Saka zvakava pachena kuti paifanira kuitwa chimwe chinhu kuti matsi dziudzwe mashoko akanaka. Richikurudzirwa nomutariri anofambira, boka remapiyona nevamwe vaida chaizvo rakaumbwa kuti ridzidze Mutauro Wemasaini wokuPanama. Zvavaiedza kuita zvakakomborerwa.
Gore ra2001 rava kunopera, boka rinotaura mutauro wemasaini rakanga raumbwa muPanama City. Vanenge 20 ndivo vaipinda misangano. Sezvo hama nehanzvadzi dzakanga dzava kunyatsogona kutaura mutauro wacho, dzakakwanisa kutaura nevanhu vakawanda avo kokutanga ‘vakanzwa’ chokwadi cheBhaibheri mumutauro wavo. Zvapupu zvakawanda zvaiva nevana vaiva matsi zvakatangawo kupinda misangano yacho uye zvakaona kuti vana vavo vaikurumidza kunzwisisa dzidziso dzeBhaibheri uye vaida chaizvo chokwadi. Kazhinji kacho vabereki vakadzidza kutaura nemasaini, nokudaro zvakaita kuti vakwanise kunyatsokurukura nevana vavo. Vabereki vaigona kubatsira vana vavo mune zvokunamata uye vakaona kuti mhuri dzavo dzakasimbiswa. Zvakaitika kuna Elsa uye mwanasikana wake Iraida muenzaniso wakanaka weizvi.
Chimwe Chapupu chinoshanda neboka romutauro wemasaini chakaziva nezvaIraida, ndokumushanyira, uye chakamusiyira bhurocha rinonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!c Iraida akafadzwa chaizvo nezvaaikwanisa kudzidza kubva pamifananidzo yenyika itsva. Akatanga kudzidziswa Bhaibheri pachishandiswa bhurocha racho. Vapedza kudzidza bhurocha racho, vakashandisa bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?d Panguva iyi, Iraida akatanga kukumbira amai vake kuti vamubatsire kugadzirira uye kumutsanangurira mashoko aiva mubhurocha racho.
Elsa aiva nezvinhu zviviri zvaimunetsa: Zvaakanga asiri Chapupu, aiva asingazivi chokwadi cheBhaibheri, uye akanga asinganzwisisi mutauro wemasaini. Akanga audzwa kuti aiva asingafaniri kutaura nemasaini nomwanasikana wake asi kuti mwanasikana wake ndiye aifanira kudzidza kutaura. Saka, amai nomwanasikana wavo vakanga vasingawanzotauri vose. Achikurudzirwa nokukumbira kwakaita Iraida kuti abatsirwe, Elsa akakumbira kuti chimwe Chapupu chomuungano chidzidze naIraida. Akati: “Ndakakumbira ndichiitira mwanasikana wangu, nokuti ndakanga ndisati ndamboona Iraida achinakidzwa nezvinhu chero zvipi zvazvo.” Elsa aidzidza paidzidzawo mwanasikana wake uye akadzidza mutauro wemasaini. Sezvo Elsa akatsaura nguva yakawanda kuti ave nomwanasikana wake, vakatanga kukurukurirana zviri nani pavaiva kumba. Iraida akatanga kunyatsosarudza shamwari dzake, uye aishamwaridzana nevanhu vaiva muungano. Iye zvino vose amai nomwanasikana wavo vanopinda misangano yechiKristu nguva dzose. Elsa akabhabhatidzwa munguva ichangopfuura, uye Iraida ari kuvavarira kuitawo izvozvo. Elsa anoti kokutanga, ava kuziva mwanasikana wake uye kuti iye zvino vanogona kutaura zvinhu zvakawanda zvavanokoshesa vose.
Boka romutauro wemasaini rakava ungano muna April 2003, iye zvino rava nevaparidzi voUmambo 50, uye vanopfuura nhamba iyi vanopinda misangano. Vanopfuura chikamu chimwe chete muzvitatu imatsi. Mamwe mapoka omutauro wemasaini ari kuumbwa mumaguta matatu ari kunze kwePanama City. Kunyange zvazvo mundima iyi muchine zvakawanda zvokuita, hapana mubvunzo kuti danho guru rakaitwa kukunda dambudziko ‘rokusanzwanana’ pakati pevanhu vari matsi vane mwoyo yakatendeseka noMusiki wavo ane rudo, Jehovha Mwari.
Zvinhu zvakadaro ndezvimwewo zviri kuitika muPanama yose. Kunyange zvazvo vachibva mutsika dzakasiyana-siyana, mitauro, uye mamiriro ezvinhu, vakawanda vakasvika pakubatana mukunamata Mwari wechokwadi bedzi. Chokwadi cheShoko raJehovha chakakwanisa kukunda zvipingamupinyi zvokukurukurirana munyika iyi, iyo vakawanda vanofunga kuti “ibhiriji renyika.”—VaEfeso 4:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
b Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
c Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
d Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mepu dziri papeji 8]
(For fully formatted text, see publication)
GUNGWA RECARIBBEAN
PANAMA
Tobobe
NYANZA YEPACIFIC
Panama Canal
[Mufananidzo uri papeji 8]
Vakadzi vechiKuna vakabata micheka ine mavara akanaka
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mumishinari achiparidza kune mukadzi wechiNgobe
[Mufananidzo uri papeji 10]
Zvapupu zvokuNgobe zviri muigwa zvichienda kunopinda purogiramu yezuva regungano chairo
[Mifananidzo iri papeji 11]
Chokwadi cheBhaibheri chinokunda kusiyana kwetsika nokwemitauro muPanama
[Mufananidzo uri papeji 12]
Chidzidzo che“Nharireyomurindi” mumutauro wemasaini
[Mufananidzo uri papeji 12]
Elsa nomwanasikana wake, Iraida, vachikurukurirana zvinovaka
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 8]
Ngarava nevakadzi vechiKuna: © William Floyd Holdman/Index Stock Imagery; village: © Timothy O’Keefe/Index Stock Imagery