RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 1/1 p. 31
  • Ita Kuti Kufungisisa Kunakidze

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Kuti Kufungisisa Kunakidze
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 1/1 p. 31

Ita Kuti Kufungisisa Kunakidze

KUNE vamwe vanhu kufungisisa kungava chinhu chinonetsa. Vangakuona sebasa rakaoma rinoda kushandisa pfungwa zvikuru. Vanhu vakadaro vanganzwawo vaine mhaka yokuregeredza kufungisisa, kunyanya pavanoverenga nezvokuti kunokosha. (VaFiripi 4:8) Zvisinei, kufungisisa chinyararire chokwadi chatinenge tadzidza nezvaJehovha, unhu hwake hwakanaka, mabasa ake anoshamisa, zvaanoda, uye chinangwa chake chinokudzwa kungava uye kunofanira kuva nzira inofadza zvikuru yokupedza nguva. Nei?

Jehovha Mwari ndiye Mutongi Mukurusa wezvinhu zvose zvakasikwa uye ari kushingaira kushanda kuti azadzike chinangwa chake chikuru. (Johani 5:17) Kunyange zvakadaro, ane hanya nezvinofungwa nomunamati wake mumwe nomumwe. Munyori wepisarema Dhavhidhi aiziva izvi uye afuridzirwa naMwari akanyora kuti: “Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu. Makanzwisisa kufunga kwangu muri kure.”—Pisarema 139:1, 2.

Pakutanga, mumwe munhu angaona mashoko iwayo omunyori wepisarema nenzira isina kunaka. Angafunga kuti, ‘Kunyange zvazvo Mwari ari “kure,” anoona zvose zvakaipa zvandinofunga.’ Chokwadi, kuziva izvozvo kune zvakunobatsira. Kungatibatsira kurwisa kufunga zvakaipa uye, kana tafunga zvakadaro, kuzvireurura kuna Mwari, tichivimba kuti achatikanganwira nemhaka yokutenda kwatinoita muchibayiro chaJesu chorudzikinuro. (1 Johani 1:8, 9; 2:1, 2) Zvisinei, panguva imwe chete, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anoongorora vanamati vake nenzira yakanaka. Anoteerera patinofunga nezvake tichionga.

“Chaizvoizvo Jehovha anoona here zvose zvakanaka zvinofungwa nemamiriyoni evanamati vake?” ungabvunza kudaro. Chokwadi anozviona. Jesu akasimbisa kufarirwa kwatinoitwa naJehovha paakati Jehovha anocherechedza kunyange shiri duku, achibva awedzera kuti: “Imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.” (Ruka 12:6, 7) Shiri duku hadzigoni kufunga nezvaJehovha. Saka kana aine hanya nadzo, anofanira kuva nehanya nesu zvikuru uye anofara patinofunga nezvake somunhu mumwe nomumwe! Chokwadi, kufanana naDhavhidhi, tinogona kunyengetera nechivimbo tichiti: ‘Mashoko okufungisisa kwomwoyo wangu ngaave anofadza pamberi penyu, haiwa Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.’—Pisarema 19:14.

Humwe uchapupu hwokuti zvechokwadi Jehovha ane hanya nokufungisisa kwevanamati vake vakavimbika huri mumashoko akafuridzirwa omuprofita Maraki. Nezvezuva redu, akafanotaura kuti: “Panguva iyoyo vaya vaitya Jehovha vakataurirana, mumwe nomumwe neshamwari yake, Jehovha akaramba akateerera uye achinzwa. Bhuku rokuyeuchidza rakatanga kunyorwa pamberi pake nokuda kwevaya vanotya Jehovha nevaya vanofunga nezvezita rake.” (Maraki 3:16) Kuzviyeuchidza kuti Jehovha anoramba “akateerera” patinofunga nezvake zvechokwadi kungaita kuti tinakidzwe nokufunga nezvake. Saka, ngatiratidzei kuti tinobvumirana nemashoko omunyori wepisarema uyo akati: “Ndichafungisisa nezvebasa renyu rose, ndichava nehanya nezvamakaita.”—Pisarema 77:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe