RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 1/1 p. 32
  • Kutanga Vadzingwa, Vozogamuchirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutanga Vadzingwa, Vozogamuchirwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 1/1 p. 32

Kutanga Vadzingwa, Vozogamuchirwa

MAKORE mashomanana apfuura, Santiago nomudzimai wake, Lourdes, vakatamira kune rimwe taundi rakazonaka reHuillcapata, kuPeru, kuti vanoudza vanhu veikoko mashoko etariro ari muBhaibheri. Zvisinei, pasina nguva, mumwe mupristi akasvika achibva kuCuzco ndokuunganidza vanhu vomutaundi racho. Mupristi wacho akavanyevera kuti kuvapo kweZvapupu zvaJehovha mutaundi racho kwaizounza denda rinouraya uye sinou yakasimba yaizonaya youraya mombe dzavo nokuparadza zvirimwa zvavo.

Vakawanda vakateerera “uprofita” uhwu, uye kweinodarika hafu yegore, mutaundi racho hapana munhu akabvuma kudzidza Bhaibheri naSantiago naLourdes. Mumwe mukuru mukuru wetaundi racho ainzi Miguel, mutevedzeri wagavhuna, aidzinga Santiago naLourdes pavaifamba mumugwagwa, achivapotsera matombo. Asi Santiago naLourdes nguva dzose vaigarisana nevamwe nenzira yechiKristu.

Nokufamba kwenguva, vamwe vanhu vomutaundi racho vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Kunyange Miguel akachinja mafungiro ake. Akatanga kudzidza naSantiago, akarega kunyanya kunwa doro, achibva ava munhu anogarisana nevamwe. Pakupedzisira Miguel, mudzimai wake, nevanasikana vake vaviri vakagamuchira chokwadi cheBhaibheri.

Nhasi, mutaundi racho mune ungano yeZvapupu zvaJehovha inobudirira zvikuru. Miguel anofara kuti matombo akawanda aaipotsera Santiago naLourdes haana kuvatema, uye anoonga vaviri ava nokuda kwomuenzaniso wavo wakanaka kwazvo wokugarisana nevamwe.

[Mifananidzo iri papeji 32]

Kugarisana nevamwe kwaiita Santiago naLourdes (vari pamusoro apa) kwakaita kuti Miguel (ari kurudyi) achinje mwoyo wake

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe