RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 8/1 pp. 3-4
  • Varombo Vanowedzera Kuva Varombo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Varombo Vanowedzera Kuva Varombo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Urombo Hucharamba Huripo Here?
  • Vasungwa Veurombo
    Mukai!—1998
  • Varombo Vachafanira Kumirira Kwenguva Yakareba Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Zviri Kuitwa Kupedza Urombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Nokukurumidza, Hapana Achava Murombo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 8/1 pp. 3-4

Varombo Vanowedzera Kuva Varombo

“Hapana nzanga inganyatsobudirira uye kufara, nepo chikamu chikuru chenhengo dzayo dziri varombo uye dzichisiririsa.”

NYANZVI yezvoupfumi Adam Smith akataura mashoko iwayo kare muzana remakore rechi18. Vakawanda vanobvuma kuti chokwadi chezvaakataura chiri kutonyanya kuoneka mazuva ano. Musiyano uri pakati pevapfumi nevarombo wava kutonyanya kuoneka. MuPhilippines, chikamu chimwe muzvitatu zvevanhu vanorarama nemari isingasviki US$1, [Z$824] pazuva, mari inowanzotambirwa mumaminitsi munyika dzakapfuma. United Nations Human Development Report 2002 inoti “vanhu vakapfuma zvokupfuma zviye vane zvikamu 5 muzana zvevanhu vepasi pose vanowana mari yakapetwa ka114 kupfuura yevanhu vari muhunonzi urombo chaihwo vane zvikamu 5 muzana zvevanhu vepasi pose.”

Kunyange vamwe vachigara mudzimba dzakanaka, mamiriyoni anogara panzvimbo zvisina mvumo, achivaka matumba kwose kwaanogona. Vamwe havatomborina mukana iwoyo; vanogara mumugwagwa, zvimwe vachingova nechipenga chekadhibhokisi kana kuti chipurasitiki chokuwaridza pasi. Vakawanda vavo vanotamburira kuwana chokurarama nacho munzira chero ipi yavanokwanisa—kupara munorasirwa marara, kukakaritsana nemitundu inorema, kana kuti kutakura marara muzvingoro.

Misiyano iri pakati pevapfumi nevarombo haingowanikwi munyika dzichiri kusimukira chete asi, sezvinotaura Bhengi Renyika Dzepasi Pose “‘nzvimbo dzine urombo’ dzakazara munyika dzose.” Kubva kuBangladesh kusvika kuUnited States, pasinei nokuti vamwe vangava vakabudirira sei, pane vaya vanoparapatika kuwana zvokudya zvakakwana kana kuti kuwana pokugara. The New York Times yakatora mashoko mumushumo we2001 U.S. Census Bureau ichiratidza kuti musiyano uri pakati pevapfumi nevarombo muUnited States waramba uchikura. Yakati: “Zvikamu zvishanu pavanhu vose vakapfuma zvikuru vakagamuchira hafu yemari yose inowanikwa nemhuri gore rapera . . . Zvikamu zvishanu zvevarombo kudarika vose zvakagamuchira zvikamu zvitatu nehafu kubva muzana.” Mamiriro acho ezvinhu akafanana kana kuti akatoipisisa mune dzimwe nyika dzakawanda. Mushumo weBhengi Renyika Dzepasi Pose wakaratidza kuti inenge 57 muzana yevanhu vose vepasi vanorarama nemari isingasviki US$2, [Z$1 648] pazuva.

Kuti zvinhu zvitowedzera kuipa, muna 2002, mamiriyoni akavhiringidzwa nemishumo yevakuru vakuru vakava vapfumi mumamiriro ezvinhu anomutsa mibvunzo. Kunyange kana pakanga pasina chimwe chinhu chisiri pamutemo chakanga chanyatsoitwa, vakawanda vakafunga kuti vakuru vakuru ava vekambani, sezvakanyorwa mumagazini inonzi Fortune, “vakanga vari kupfuma zvikuru, zvakapfuuridza, zvinorwadza.” Tichifunga zviri kuitika munyika, vamwe vanonetseka kuti mari isingatarisirwi yakawandisa kudaro, inofungidzirwa kuva mazana emamiriyoni emadhora ayo vamwe vanhu vanowana, ingawanika nevashoma nepo vakawanda kwazvo vachirarama muurombo.

Urombo Hucharamba Huripo Here?

Izvi hazvirevi kuti hapana mumwe munhu ari kuedza kuita chimwe chinhu nezvenhamo ine varombo. Vakuru vakuru vehurumende vane vavariro dzakanaka uye masangano anoyamura zvechokwadi vakaronga zvingaitwa kushandura zvinhu. Kunyange zvakadaro, zvinhu zvacho zvinoramba zvichiodza mwoyo. Human Development Report 2002 inoti “nyika dzakawanda dzanyanya kuva nourombo kudarika zvadzakanga dzakaita makore 10, 20 uye mune zvimwe zviitiko 30 akapfuura,” pasinei nokuedza kuchinja zvinhu kwakaisvonaka.

Izvi zvinosiya varombo vasina tariro here? Tinokukumbira kuverenga nyaya inotevera kuti uone uchenjeri hunoshanda hungagona kubatsira iye zvino uyewo nzira dzokuhupedza nadzo dzaungave usina kumbofunga nezvadzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe