RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 6/1 pp. 3-4
  • Chii Chiri Kuitika Kumasangano Anoyamura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chiri Kuitika Kumasangano Anoyamura?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubatsira Kana Kupambadza Here?
  • Kupa Kana Kusapa
  • Mipiro Yorupo—Musengwa wechiKristu Here?
    Mukai!—1993
  • Kupa Kunofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Nei Tichipa Iye Ane Zvese?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 6/1 pp. 3-4

Chii Chiri Kuitika Kumasangano Anoyamura?

PASHURE pokurwisa kwomusi waSeptember 11, 2001, muNew York City neWashington, D.C., kubatsira kwakaita ruzhinji vanhu vakanga vawirwa nenjodzi yacho kwaishamisa. Masangano anoyamura akanga ane mazakwatira emari mabhiriyoni US$2,7 [mabhiriyoni Z$148,5] yemipiro yokubatsira kutarisira mhuri dzevanhu vakanga vawirwa nenjodzi. Vavhundutswa noukuru hwokuparadza kwacho, vanhu kwose kwose vaida kubatsira.

Zvisinei, rumwe ruzhinji rwakakurumidza kushatirwa apo masangano akakurumbira akafungidzirwa kuti akanga ari kuba mari. Vanhu vakawanda kwazvo vakagumbuka pavakanzwa kuti rimwe sangano guru rinoyamura rakaronga kuchengeta inenge hafu yemamiriyoni US$546 [mamiriyoni Z$30 030] rayakagamuchira ndokuishandisa mune zvimwe zvinangwa. Kunyange zvazvo sangano racho gare gare rakachinja chisarudzo charo ndokukumbira ruregerero, mumwe mutori wenhau akati: “Vatsoropodzi vanoona kuti kuchinja kutsva kwavakazoita uku kwakanga kusingachabatsiri kuti vavimbwe navo zvekare” sezvavaimboitwa kurwisa kusati kwaitika. Ko iwe? Wava kunzwa usingachanyanyi kuvimba nemasangano anoyamura here?

Kubatsira Kana Kupambadza Here?

Kupa masangano anoyamura kazhinji kunoonekwa sekwakanaka. Asi, haasi munhu wose anokuona nenzira iyoyo. Kwemakore 200 akapfuura, Samuel Johnson, munyori werondedzero dzechiRungu, akanyora kuti: “Unova nechokwadi zvikuru chokuti uri kuita zvakanaka paunobhadhara mari vaya vanoshanda, somubhadharo webasa ravo, kupfuura paunongopa mari sechipowo zvacho.” Mazuva ano vamwe havachafaririwo kupa rubatsiro, uye mishumo yemasangano anoyamura ari kubiridzira kana kuti kusatarisira mipiro zvakanaka haimboiti kuti ruzhinji ruvimbe nawo. Funga nezvemienzaniso miviri yomunguva ichangopfuura.

Mumwe mutungamiriri wesangano rinoyamura rechitendero muSan Francisco akadzingwa pashure pokufungidzirwa kuti aishandisa mari dzesangano kubhadhara zvikwereti zvebhizimisi rake rokugadziridza kumeso kwevanhu uye kudya kwaaita kuresitorendi kweUS$500 [Z$27 500] vhiki imwe neimwe kweanodarika makore maviri. MuBritain, varongi vechimwe chiitiko chikuru chesangano rinoyamura chinobuda paterevhizheni vakanyara pazvakaonekwa kuti kubva pamapaunzi mamiriyoni 6.5 (anenge mamiriyoni Z$550), akatumirwa kuti abatsire kuvaka nzvimbo dzinochengetwa nherera muRomania, dzimba 12 chete dzisina kutombonaka ndidzo dzakangovakwa, uye mazana ezviuru zvemadhora akanga asina kuzivikanwa kuti akashandiswa chii. Mishumo isina kunaka yakaita seiyi yakaita kuti vanopa mari vati ngwarirei nezvokuti imarii yavanobvisa uye kunaani.

Kupa Kana Kusapa

Zvisinei, zvaizonyadzisa kubvumira zviito zvevanhu vashomanana kana masangano kutitadzisa kuva nehanya nevamwe uye kuvanzwira tsitsi zvechokwadi. Bhaibheri rinoti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo.” (Jakobho 1:27) Chokwadi, kushingaira kutarisira varombo nevanotambura kunokosha pachiKristu.

Zvisinei, unganetseka kuti ‘Ndinofanira kuramba ndichipa masangano anoyamura here, kana kuti ndinofanira kungoedza kubatsira nezvipo zvangu kune vanhu?’ Mwari anotarisira kupa kworudzii? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe