RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 4/15 pp. 23-26
  • Kuroorana Kusingafungidziriki kwaBhoazi naRute

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuroorana Kusingafungidziriki kwaBhoazi naRute
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusangana Zvisingacherechedzwi Noruzhinji
  • “Mukadzi Wakanaka Kwazvo”
  • Mudziviriri uye Mubatsiri
  • Kutsvaka ‘Nzvimbo Yokuzororera’
  • Mudzikinuri Anodzokera Shure
  • “Mubayiro Wakakwana”
  • “Mukadzi Akanaka Kwazvo”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Mukadzi Akanaka Kwazvo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 8—Rute
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raRute
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 4/15 pp. 23-26

 Kuroorana Kusingafungidziriki kwaBhoazi naRute

BURIRO riri pedyo neBheterehema rakabatikana nebasa rinoitwa munguva yokukohwa. Rave riri zuva rakareba. Kunhuhwira kwezviyo zvichangobva kukangwa kunoita kuti vashandi vane nzara vazive kuti yava nguva yokudya. Mumwe nomumwe achafadzwa nezvibereko zvebasa rake.

Bhoazi, muridzi womunda akapfuma, anodya nokunwa kusvika aguta obva azorora pedyo nomurwi mukuru wezviyo. Gare gare, zuva rokukohwa rinosvika kumugumo waro, uye munhu mumwe nomumwe anotsvaka nzvimbo yakanaka yokuzorora. Bhoazi, aguta, zvino anozvifukidza obva arara.

Kusangana Zvisingacherechedzwi Noruzhinji

Pakati pousiku, Bhoazi anomuka achitonhorwa uye achidedera. Zvinoshamisa kuti tsoka dzake dzafukurwa nemaune, uye mumwe munhu akarara ipapo chaipo! Asingazivi kuti ndiani murima, anobvunza kuti: “Ndiwe aniko?” Inzwi romukadzi rinopindura kuti: “Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguo yenyu, nokuti muri hama yomumba.”—Rute 3:1-9.

Vanotaurirana vari voga murima imomo. Vakadzi havawanikwi seizvi paburiro. (Rute 3:14) Kunyange zvakadaro, akumbirwa naBhoazi, Rute anoramba akarara kumakumbo ake kusvikira mambakwedza ava kusvika paanomuka ndokuenda, nokudaro achiita kuti pasava nokushora kusina pakwakavakirwa.

Uku kwaiva kusangana kwevanodanana here? Murume akura uyu akanga akapfuma akanyengedzwa nenzira yokuchenjera naRute here—chirikadzi yechiduku yaiva murombo, yaibva kunyika yevahedheni? Kana kuti Bhoazi akanga ari kushandisa mamiriro ezvinhu aRute uye kusurukirwa kwake usiku ihwohwo here? Mhinduro yemibvunzo iyoyo iri pamusoro pokuvimbika uye kuda Mwari. Uye chokwadi chacho chinobayawo mwoyo zvikuru.

Asi Rute ndiani? Chinangwa chake ndechei? Uye murume akapfuma uyu, Bhoazi ndiani?

“Mukadzi Wakanaka Kwazvo”

Makore izvi zvisati zvaitika, muJudha makava nenzara. Mhuri yechiIsraeri yevanhu vana—Erimereki; mudzimai wake, Naomi; uye vanakomana vavo vaviri, Maroni naKiriyoni—vakatamira kunyika yakaorera yeMoabhi. Vanakomana vacho vakaroora vakadzi vaviri vechiMoabhi, Rute naOpa. Pashure pokufa kwevarume vatatu ava muMoabhi, vakadzi vatatu vakanzwa kuti zvinhu zvakanga zvava nani muIsraeri. Saka Naomi—zvino ava chirikadzi, ashungurudzwa, asina vana kana vazukuru—akasarudza kudzokera kunyika yokumusha kwake.—Rute 1:1-14.

Vari munzira kuenda kuIsraeri, Naomi akanyengetedza Opa kudzokera kuvanhu vake. Ipapo Naomi akaudza Rute kuti: “Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokumwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako.” Asi Rute akati: “Musandirwaririra kuti ndikusiyei, . . . nokuti pamunoenda, neni ndichaendapowo . . . Vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu; pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo.” (Rute 1:15-17) Saka chirikadzi mbiri dzaishayiwa dzakadzokera kuBheterehema. Ikoko rudo uye kuva nehanya kwaRute navamwene vake kwakashamisa vavakidzani, zvokuti vakamuti ai“pfuura vanakomana vanomwe [kuna Naomi].” Vamwe vakamurondedzera so“mukadzi wakanaka kwazvo.”—Rute 3:11; 4:15.

Pakutanga kukohwa bhari muBheterehema, Rute akati kuna Naomi: “Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha.”—Rute 2:2.

Sezvineiwo anosvika kumunda waBhoazi, hama yavatezvara vake, Erimereki. Anokumbira mutariri webasa racho mvumo yokuunganidza. Kubishaira kwake pakuunganidza kunoshamisa, uye mutariri wacho anoudza Bhoazi nezvokushanda zvakanaka kwaRute.—Rute 1:22–2:7.

Mudziviriri uye Mubatsiri

Bhoazi munamati waJehovha akazvipira. Mangwanani oga oga, Bhoazi aikwazisa vakohwi vake nemashoko okuti: “Jehovha ave nemi,” uye vaipindura kuti: “Jehovha akuropafadzeiwo.” (Rute 2:4) Aona kubishaira kwaRute pabasa uye aziva kuvimbika kwake kuna Naomi, Bhoazi anoita urongwa hwakasiyana pakuunganidza kwaRute. Muchidimbu, anomuudza kuti: ‘Ramba uri mumunda mangu, hapana chikonzero chokuti uende kune mimwe minda. Ramba uri pedyo nevasikana vangu; uchave wakachengeteka navo. Ndakarayira majaya kuti asakubata. Paunenge wava nenyota, vachakucherera mvura yakachena.’—Rute 2:8, 9.

Rute anokotamira pasi ndokuti: ‘Sei ndawana nyasha mumaziso enyu kuti ndirangarirwe, zvandiri wokune imwe nyika?’ Bhoazi anopindura kuti: ‘Ndakaudzwa zvose zvawakaitira vamwene vako pashure pokufa kwomurume wako—kusiya kwawakaita baba vako naamai vako, hama dzako, uye nyika yokumusha kwako kuti uve pakati pevanhu vawakanga usingazivi kare. Jehovha ngaakupe mubayiro wezvaunoita. Ngaakupe mubayiro wakakwana.’—Rute 2:10-12.

Bhoazi haasi kuedza kuita kuti adiwe naye. Ari kurumbidza zvinobva pamwoyo. Rute anozvininipisa nomwoyo wose, achionga Bhoazi pamusana penyaradzo yake inokurudzira. Rute anozviona zvisina kufanira uye anoramba achishanda zvakatooma. Gare gare, panguva yokudya, Bhoazi anodana Rute ndokuti: ‘Swedera, idya chimwe chechingwa uye seva chimedu chako muvhiniga.’ Anodya kusvika aguta ndokuchengeta zvimwe zvokudya zvokuti aendesere Naomi kumba.—Rute 2:14.

Pakupera kwezuva racho, Rute aunganidza marita ebhari anenge 22. Anoatora pamwe nezvokudya zvasara ndokudzokera nazvo kumba kuna Naomi. (Rute 2:15-18) Afadzwa nokuwanda kwazvo, Naomi anobvunza kuti: “Wandounganidzepiko nhasi? . . . Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe.” Aziva kuti aiva Bhoazi, Naomi anoti: “Ngaaropafadzwe naJehovha, iye usina kubvisa ngoni dzake kuvapenyu navakafa. . . . Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikinuri vedu.”—Rute 2:19, 20.

Kutsvaka ‘Nzvimbo Yokuzororera’

Achida kutsvakira muroora wake ‘nzvimbo yokuzororera,’ kana musha, Naomi anoshandisa mukana wacho kuronga chikumbiro chokudzikinura, maererano noMutemo waMwari. (Revhitiko 25:25; Dheuteronomio 25:5, 6) Zvino Naomi anorayiridza Rute nenzira inobudirira, inototi shamisei—yokuita nayo kuti afarirwe naBhoazi. Rute anodzika kuburiro raBhoazi usiku, agadzirira uye anyatsorayiridzwa. Anomuwana akarara. Anofukura tsoka dzake ndokumirira kuti amuke.—Rute 3:1-7.

Bhoazi paanomuka, hapana mubvunzo kuti chiito chaRute chokufananidzira chinomubatsira kunzwisisa kukosha kwechikumbiro chake chokuti Bhoazi ‘afukidze murandakadzi wake nenguo yake.’ Kuita kwaRute kunoita kuti murume weJudhiya akwegura uyu azive mutoro wake somudzikinuri, sezvo aiva hama yomurume waRute akanga afa, Maroni.—Rute 3:9.

Kushanya kwaRute usiku kwakanga kusingatarisirwi. Asi, kuita kwaBhoazi kunoratidza kuti kutaura kwaRute nezvokudzikinurwa chakanga chisiri chinhu chisingatarisirwi zvachose. Bhoazi aida kuita zvakanga zvakumbirwa naRute.

Inzwi raRute rinofanira kuva rakaratidza kuzvidya mwoyo, zvikaita kuti Bhoazi amuvimbise kuti: “Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nokuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.”—Rute 3:11.

Kuti Bhoazi akaona zviito zvaRute kuva zvakanaka chaizvo kunooneka nemashoko ake okuti: “Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga.” (Rute 3:10) Pakutanga, Rute akaratidza mutsa une rudo, kana kuti rudo rwokuvimbika, kuna Naomi. Pakupedzisira pacho ndeapo akazvisuma kuna Bhoazi nenzira isina udyire, murume akanga akura zvikuru, nokuti aiva mudzikinuri. Rute aiva akazvipira kubereka mwana muzita raMaroni, murume wake akanga afa, uye Naomi.

Mudzikinuri Anodzokera Shure

Mangwanani anotevera, Bhoazi anorayira mumwe woukama, anonzi ‘Nhingi,’ ane ukama hwepedyo zvikuru naNaomi pana Bhoazi. Pamberi pevagari uye varume vakuru veguta racho, Bhoazi anoti: ‘Ndafunga kuti ndinofanira kukuzivisa kodzero yako yokutengazve kuna Naomi munda waiva womurume wake Erimereki, nokuti anofanira kuutengesa.’ Bhoazi anoenderera mberi achiti: ‘Uchautengazve here? Kana usingautengi, ipapo ini ndichautenga.’ Pana izvozvo Nhingi anotaura kuti achatenga.—Rute 4:1-4.

Asi Nhingi ava kuda kushamisika! Zvino Bhoazi anotaura pamberi pezvapupu zvose kuti: “Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naome, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhi, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake.” Achityira kuti angaparadza nhaka yake pachake, hama yomumba iya inorega kodzero yayo yokudzikinura ichiti: “Ini handigoni kuudzikinura.”—Rute 4:5, 6.

Maererano netsika, munhu airamba kudzikinura aifanira kukurura hwashu yake ndokuipa shamwari yake. Saka mudzikinuri paanoti kuna Bhoazi, “Chizvitengera hako uyo,” anobvisa hwashu yake. Ipapo Bhoazi anoti kuvarume vakuru nevanhu vose: “Imi muri zvapupu nhasi, kuti ndatenga kuna Naome zvose zvaiva zvaErimereki, nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMaroni. Ndatengawo Rute muMoabhi, mukadzi waMaroni, kuti ave mukadzi wangu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake . . . Imi muri zvapupu nhasi.”—Rute 4:7-10.

Vanhu vose vakanga vari pamusuwo vanoti kuna Bhoazi: “Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya kumba kwako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsraeri; newewo uve nesimba paEfrata, ukurumbire paBhetirehemi.”—Rute 4:11, 12.

Achikurudzirwa nevanhu, Bhoazi anotora Rute kuva mudzimai wake. Anomuberekera mwanakomana anonzi Obhedhi, saka Rute naBhoazi vakava madzitateguru aMambo Dhavhidhi uye somugumisiro aJesu Kristu.—Rute 4:13-17; Mateu 1:5, 6, 16.

“Mubayiro Wakakwana”

Munhoroondo yacho yose, kubva pakukwazisa kwake vashandi nomutsa kusvika pakubvuma kwake mutoro wokuchengeta zita remhuri yaErimereki, Bhoazi anoratidza kuva murume akasiyana nevamwe—murume wechiito nesimba. Panguva imwe chete, aiva murume anozvidzora, ane kutenda, uye akavimbika. Bhoazi aivawo norupo, mutsa, akachena mutsika, uye aiteerera zvizere mirayiro yaJehovha.

Rute anoshamisa pamusana pokuda kwake Jehovha, rudo rwake rwokuvimbika kuna Naomi, uye kubishaira nokuzvininipisa kwake. Hazvishamisi kuti vanhu vakamuona so“mukadzi wakanaka kwazvo.” Akanga asingadyi “zvokudya zvousimbe,” uye nemhaka yokushanda kwake nesimba, aiva nezvimwe zvinhu zvokugovana navamwene vake vaishayiwa. (Zvirevo 31:27, 31) Paakaita zvinhu zvaifanira kuitwa naNaomi, Rute anofanira kuva akafunga mufaro unobva mukupa.—Mabasa 20:35; 1 Timoti 5:4, 8.

Tinowana mienzaniso yakanaka kwazvo mubhuku raRute! Naomi anoyeukwa naJehovha. Rute anogamuchira “mubayiro wakakwana” wokubereka tateguru vaJesu Kristu. Bhoazi anokomborerwa no“mukadzi wakanaka kwazvo.” Kana tiri isu, tinowana mienzaniso yokutenda muvanhu vakadaro.

[Bhokisi riri papeji 26]

Kachiedza Ketariro

Kana uchimbofunga kuti uri kurarama munguva isingafadzi, nhoroondo yaRute ingapa katariro. Inonyatsobuda pachena semhedziso inokosha yebhuku raVatongi. Bhuku raRute rinotaura kushandisa kwakaita Jehovha chirikadzi inozvininipisa yokunyika yeMoabhi kuti iberekere vanhu vake mambo. Nezvemarongerwo ebhuku raVatongi, kutenda kwaRute kunopenya sechiedza chenguva iyoyo.

Nokuverenga nyaya yaRute, unogona kuva nechivimbo chokuti pasinei nokuipa kungaita nguva, Mwari anogarotarisira vanhu vake uye anoita zvinangwa zvake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe