RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 2/15 p. 3
  • Kutenda Muna Mwari Watingave Tisingazivi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda Muna Mwari Watingave Tisingazivi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Unonyatsoziva Mwari Here?
  • Mwari Unomuziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Ungaita Sei Kuti Uve Pedyo naMwari?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Takasikwa naMwari Here Kana Kuti Takabva Kumhuka?—Chikamu 1: Sei Tichiti Mwari Ariko?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Jehovha—Mwari Akakodzera Kuzivikanwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 2/15 p. 3

Kutenda Muna Mwari Watingave Tisingazivi

VANHU vaviri muvatatu voga voga muGermany vanotenda muna Mwari. Asi, vanopfuura chiuru pavakakumbirwa kurondedzera zvakaita Mwari wavanotenda, vanenge vose vakapa mhinduro dzakasiyana-siyana. “Vanhu vokuGermany vane pfungwa dzakasiyana-siyana pamusoro paMwari sokungosiyana kwakaita vanhu vacho pachavo,” inodaro magazini inonzi FOCUS. Kunyange kutenda muna Mwari kuchirumbidzwa, hazvisiririsi here kutenda maari usingazivi kuti akaita sei?

Uku kusava nechokwadi pamusoro pezvakaita Mwari hakusi muGermany chete; kunowanikwawo kune dzimwe nzvimbo dzeEurope. Kuongorora kwakaitwa muAustria, Britain, neNetherlands kwakaratidza kubvumirana kwakapararira kwokuti Mwari “isimba rakakwirira kana kuti chakavanzika chisingarondedzereki.” Zvikurukuru pakati pevechiduku, kunyange pakati pevaya vanotenda maari, munhu asinganzwisisiki.

Unonyatsoziva Mwari Here?

Zvakasiyana kwazvo kungozivawo nezvomumwe munhu nokunyatsomuziva. Kuziva nezvomumwe munhu—mambo ari kure, mumhanyi anokunda vamwe vose, mutambi womufirimu—kunongova kubvuma kuti aripo. Zvisinei, kunyatsoziva mumwe munhu kunoreva zvakawanda zvikuru. Kunosanganisira kujairana netsika dzomunhu wacho, mufambiro, manzwiro, zvaanoda nezvaasingadi, uye zvirongwa zvake zvenguva yemberi. Kunyatsoziva mumwe munhu kunozarura nzira yokuva noukama hwepedyo naye.

Mazana ezviuru zvevanhu vakaona kuti kungova nepfungwa isina kujeka pamusoro paMwari—kana kuti kungomuzivawo zvako—hakuna kukwana. Vakatora imwe nhanho nokusvika pakunyatsoziva Mwari. Vakazviona zvichibatsira here? Mumwe murume anonzi Paul, uyo anogara kuchamhembe kweGermany uye akambova nokutendawo zvakwo muna Mwari, akasarudza kunyatsoMuziva zviri nani. Paul anotsanangura achiti: “Kusvika pakunyatsoziva Mwari kunoda nguva uye kushanda nesimba, asi mibayiro yacho mikuru. Kuva noukama hwepedyo noMusiki kunoita kuti upenyu hwezuva nezuva huve nani zvikuru.”

Zvinobatsira here kunyatsoziva Mwari tichitarira nguva uye kushanda nesimba zvinodiwa? Tapota verenga nyaya inotevera.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

Zvakasiyana kwazvo kungozivawo nezvomumwe munhu nokunyatsomuziva

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe