RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 1/15 pp. 4-7
  • Uipi Hwakunda Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uipi Hwakunda Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu Vanokwanisa Kuzvitonga Zvinonyatsobudirira Here?
  • Satani Anogona Kubvisa Vanhu Vose Kuna Mwari Here?
  • Nguva Yemberi Inei?
  • Uchatsigira Ani?
  • Vatongi Munzvimbo Yomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Satani Dhiyabhorosi
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Ngwarira—Satani Anoda Kukudya!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 1/15 pp. 4-7

Uipi Hwakunda Here?

PFUNGWA yepasi pose yokurwisana pakati pesimba rakanaka nerakaipa yakakurudzira kufungidzira kusingaperi kwevanyori uye nyanzvi munhau yose yevanhu. Zvisinei, pane bhuku rine nhoroondo yakarurama yokurwisana kwaMwari naDhiyabhorosi. Bhuku iroro iBhaibheri. Rinojekesa nhau dzinobatanidzwa mukurwisana uku uye rinopa nzira dzokuziva nadzo kuti ndiani chaizvoizvo akunda.

Murume nomukadzi vokutanga vachangobva kusikwa, chisikwa chomudzimu chisingaoneki, Satani Dhiyabhorosi, chakadenha utongi hwaMwari. Sei? Nokutaura nemanomano kuti Mwari akanyima zvisikwa zvake zvinhu zvakanaka uye kuti vanhu vaizogara zvakanaka pasina Mwari.—Genesi 3:1-5; Zvakazarurwa 12:9.

Gare gare, mumazuva atateguru Jobho, Satani akamutsa imwe nhau. Achitsvaka kuputsa kutendeka kwaJobho kuna Mwari, Satani akati: “Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu ungazviisira upenyu hwake.” (Jobho 2:4) Ikoko kwaivawo zvako kutaura kwokudenha kwakadini! Nokushandisa zita rinoshanda kuvanhu vose rokuti “munhu” pane rokuti Jobho, Satani akaita kuti kuvimbika kwevanhu vose kuve mudariro rokusatendeseka. Chaizvoizvo, iye akati: ‘Munhu achaita chero chipi kuti aponese upenyu hwake. Ndipei mukana wacho, uye ndinogona kubvisa munhu wose pana Mwari.’

Kukunda mukurwisana kwaMwari naDhiyabhorosi kunozivikanwa nokupindura mibvunzo miviri iyi: Munhu anokwanisa kuzvitonga zvinonyatsobudirira here? Dhiyabhorosi akwanisa kubvisa vanhu vose pana Mwari wechokwadi here?

Vanhu Vanokwanisa Kuzvitonga Zvinonyatsobudirira Here?

Kwezviuru zvemakore, vanhu vakaedza utongi hwakasiyana-siyana. Marudzi akasiyana-siyana ehurumende akaedzwa munguva yakapfuura, akadai soutongi hunosiyiranwa mumhuri, utongi hwevanhu vashomanana, utongi hunosarudzwa nevanhu, utongi hwomunhu mumwe, chiFascist, uye chiKomonizimu. Chokwadi chokuti kwave kuchiramba kuchidiwa kuedza hurumende dzakasiyana-siyana hachiratidzi kuti nzira idzi dzakasiyana-siyana dzokutonga hadzina kukwana here?

“Vanhu veRoma vakaerekana vabatanidzwa vasingazvizivi mukuedza kutungamirira vanhu vakawanda,” anonyora kudaro H. G. Wells mubhuku rinonzi A History of the World, rakabudiswa muna 1922. Anoenderera mberi achiti: “Kwakaramba kuchichinja, hakuna kumbosvika pakutsiga kupi nokupi. Mupfungwa yakati kuedza kwacho kwakakundikana. Mune imwewo pfungwa kuedza kwacho hakusati kwapera, uye nhasi Europe neAmerica dzichiri kuedza kududzira zvirahwe zvokufambiswa kwehurumende dzepasi pose zvakatanga kusangana nevanhu veRoma.”

Kuedza hurumende kwakapfuurira nomuzana remakore rechi20. Zana remakore iroro rakaguma nokugamuchirwa kukuru kwoutongi hunosarudzwa nevanhu sezvisina kumboitika kare. Utongi hunosarudzwa nevanhu hunonzi hunosanganisira vanhu vose. Asi utongi hunosarudzwa nevanhu hwaratidza here kuti munhu anokwanisa kutonga zvinobudirira pasina Mwari? Jawaharlal Nehru, aimbova mutungamiriri weIndia, akati utongi hunosarudzwa nevanhu hwakanaka asi akawedzera kuti: “Ndinotaura izvi nokuti mamwe marudzi ehurumende akaipa kuhupfuura.” Aimbova purezidhendi weFrance Valéry Giscard d’Estaing akati: “Tiri kuona dambudziko revamiririri vanosarudzwa nevanhu.”

Kunyange muzana remakore rechishanu B.C.E., muzivi wechiGiriki Plato akaona kusava nesimba kwoutongi hunosarudzwa nevanhu. Maererano nebhuku rinonzi A History of Political Theory, akashora “kusaziva uye kusakwanisa kwevezvematongerwe enyika, riri dambudziko chairo routongi hunosarudzwa nevanhu.” Vakawanda vezvamatongerwe enyika vemazuva ano vanochema-chema nezvechinetso chokuwana vanhu vane unyanzvi vanokwanisa kushanda muhurumende. Vanhu “vanoshatiriswa nevatungamiriri vanoita sevaduku pane imwe nguva kana zvinetso zvavanotarisana nazvo zvakakura kwazvo,” yakadaro The Wall Street Journal. Yakaenderera mberi ichiti: “Vanosemeswa nokuona kukundikana kusarudza zvokuita uye uori pavanotsvaka nhungamiro.”

Zvino chimbofunga nezvoutongi hwaMambo Soromoni weIsraeri yekare. Jehovha Mwari akapa Soromoni uchenjeri hunoshamisa. (1 Madzimambo 4:29-34) Rudzi rwaIsraeri rwakabudirira sei mumakore 40 okutonga kwaSoromoni? “VaJudha navaIsraeri vakanga vari vazhinji,” rinopindura Bhaibheri, “vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara.” Nhoroondo yacho inotiwo: “VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, mazuva ose aSoromoni.” (1 Madzimambo 4:20, 25) Vaina mambo akachenjera aivatonga somumiririri anooneka woMutongi Mukuru asingaoneki, Jehovha Mwari, rudzi rwacho rwakava nokutsiga kusingaenzaniswi, kubudirira, uye mufaro.

Pane musiyano wakakura zvikuru pakati poutongi hwomunhu nehwaMwari! Zvechokwadi pane angati Satani akunda panhau yokutonga here? Kwete, nokuti muprofita Jeremia akazivisa zvakarurama kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haisi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.

Satani Anogona Kubvisa Vanhu Vose Kuna Mwari Here?

Satani ave achibudirira here mune zvaakataura kuti anokwanisa kubvisa vanhu vose kuna Mwari? Muchitsauko 11 chebhuku reBhaibheri raVaHebheru, muapostora Pauro anodudza nhamba yevarume nevakadzi vakatendeka vakararama nguva yechiKristu isati yasvika. Ipapo anozivisa kuti: “Nguva ichandiperera kana ndikarondedzera nezvaGidhiyoni, Bheraki, Samusoni, Jefita, Dhavhidhi naSamueri nevamwe vaprofita.” (VaHebheru 11:32) Pauro anongotaura nezvevashumiri vaMwari ava vakatendeka ‘segore guru rezvapupu.’ (VaHebheru 12:1) Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano kuti “gore” harirevi, gore rakazvimirira roga, rinooneka munogumira ukuru uye maumbirwe aro, asi gore guru risingaoneki kuumbika kwaro. Izvi zvakakodzera nokuti vashumiri vaMwari vakatendeka vomunguva yekare vakanga vakawanda kwazvo zvokuti vakaita segore guru. Chokwadi, mumazana ose emakore, vanhu vakawanda vasina kutaurwa nhamba yavo vakashandisa rusununguko rwavo rwokuzvisarudzira ndokusarudza kuzvipira kuna Jehovha Mwari.—Joshua 24:15.

Tinoonei munguva yedu? Nhamba yeZvapupu zvaJehovha pasi pose yawedzera kupfuura mamiriyoni matanhatu pasinei nokutambudzwa kunotyisa uye kushorwa kwavakasangana nakwo muzana remakore rechi20. Mamwe mamiriyoni mapfumbamwe kana kupfuura anosonganirana nazvo, uye vakawanda vavo vari kutora matanho anokosha kuti vapinde muukama hwepedyo naMwari.

Mhinduro huru pane zvakataurwa naSatani zvokuti anokwanisa kubvisa vanhu kuna Jehovha yakabva kuMwanakomana waMwari pachake, Jesu Kristu. Kunyange marwadzo akanyanya padanda rokutambudzira haana kumboputsa kutendeka kwake. Jesu paakafema kokupedzisira, akadanidzira kuti: “Baba, ndinoisa mudzimu wangu mumaoko enyu.”—Ruka 23:46.

Satani anoshandisa chinhu chose chiri musimba rake—kubva pamiedzo kusvika pakutambudza zvakananga—kuti aedze kuita kuti vanhu varambe vari pasi pake. Achishandisa “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu” kuti aedze vanhu, anoedza kuvanyengera kana kuti kuvaita kuti vagare vari kure naJehovha. (1 Johani 2:16) Satani ‘akapofumadzawo pfungwa dzevasingatendi kuti varege kupenyerwa nokuvhenekera kwemashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu.’ (2 VaKorinde 4:4) Uye Satani haazezi kushandisa kutyisidzira uye kutya munhu kuti aite chinangwa chake.—Mabasa 5:40.

Zvisinei, vaya vari kudivi raMwari havakurirwi naDhiyabhorosi. Vakasvika pakuziva Jehovha Mwari uye ‘kumuda nomwoyo wavo wose nemweya wavo wose nepfungwa dzavo dzose.’ (Mateu 22:37) Chokwadi, kuvimbika kusingazununguki kwaJesu Kristu uye kwevanhu vasingaverengeki kunoratidza kukundwa kukuru kwaSatani Dhiyabhorosi.

Nguva Yemberi Inei?

Vanhu vacharamba vachiedza hurumende dzakasiyana-siyana nokusingaperi here? Muprofita Dhanieri akafanotaura kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Umambo hunogadzwa naMwari wokudenga ihurumende yokudenga inotongwa naJesu Kristu. Ndihwo Umambo humwe chete uhwo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera. (Mateu 6:9, 10) Umambo ihwohwo huchaparadza hurumende dzose dzevanhu pa“hondo [iri kuuya] yezuva guru raMwari Wemasimba Ose” uye huchachinja pasi rose.—Zvakazarurwa 16:14, 16.

Chii chichaitika kuna Satani? Bhaibheri rinorondedzera zvichaitika munguva yemberi izvi richiti: “[Ngirozi yaJehovha] yakabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, ari Dhiyabhorosi naSatani, ikamusunga kwemakore ane chiuru. Uye yakamukandira mugomba rakadzika-dzika ikaripfiga, ikariisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kutsausa marudzi kusvikira makore ane chiuru apera.” (Zvakazarurwa 20:1-3) Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu kuchatanga bedzi kana Satani akandirwa mugomba rakadzika-dzika rokusaita basa.

Ipapo pasi pano pachava nzvimbo yakanaka zvikuru! Uipi uye vaya vanohukonzera vachange vasisipo. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Vanoita zvakaipa vachagurwa . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:9-11) Rugare rwavo haruzotyisidzirwi nechinhu chipi nechipi—munhu kana mhuka. (Isaya 11:6-9) Kunyange mamiriyoni ayo akatsigira Dhiyabhorosi munguva yakapfuura, nokusaziva uye nemhaka yokusava nomukana wokuziva Jehovha, achamutsirwa kuupenyu opiwa dzidzo inobva kuna Mwari.—Mabasa 24:15.

Panozopera Kutonga Kwemakore Ane Chiuru, pasi pachashandurwa kuva paradhiso, uye vanhu varipo vachange vaitwa vakakwana. Zvadaro Satani achasunungurwa “kwenguva duku,” obva azoparadzwa nokusingaperi pamwe chete navose vanopikisa utongi hwaMwari.—Zvakazarurwa 20:3, 7-10.

Uchatsigira Ani?

Zana remakore rechi20 raiva nguva apo Satani akaparadza pasi. Zvisinei, pane kuratidza kuti akunda, mamiriro akaita zvinhu pasi pano anoumba chiratidzo chokuti tiri mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa. (Mateu 24:3-14; Zvakazarurwa 6:1-8) Kuwedzera kwouipi pasi pano kana kuti maonero evakawanda haisiyo nhau iripo mukuona kuti ndiani akunda. Zvinotema ndezvokuti inzira yaani yokutonga yakanakisisa uye kana kuti munhu upi noupi ave achishumira Mwari nemhaka yorudo. Munhau dzacho dzose, kukunda ndekwaJehovha.

Kana nguva yakabvumirwa yakatoratidza kuti Satani akundikana, nei Mwari achibvumira uipi kuramba huripo? Jehovha ari kushivirira “nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Mwari anoda “kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Ungashandisa nguva yasara kudzidza Bhaibheri uye ‘kupinza zivo pamusoro paMwari wechokwadi bedzi neyowaakatuma, Jesu Kristu.’ (Johani 17:3) Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuwana zivo iyoyo kuti iwewo ugone kubatana nemamiriyoni akamira akasimba kudivi rinokunda.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Zvapupu zvaJehovha zvakawedzera kukurirwa kwaSatani, nokuramba zvakavimbika

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jehovha ane vakavimbika vakawanda kudivi rake

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe