RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 1/1 p. 32
  • “Ndizvozvo, Upenyu Hwakanaka!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndizvozvo, Upenyu Hwakanaka!”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 1/1 p. 32

“Ndizvozvo, Upenyu Hwakanaka!”

UNGADA kuziva kuti upenyu hunonyatsorevei here? Magdalena ane makore gumi nemasere, mumwe weZvapupu zvaJehovha uyo anogara kuSzczecin, kuPoland, akabatsira waanodzidza naye kuchikoro chesekondari Katarzyna kuziva izvozvo chaizvo. Katarzyna aizviti haadaviri kuti kuna Mwari, asi Magdalena paakataura naye nezveBhaibheri, akaratidza kufarira kwepachokwadi.

Kunyange zvazvo Katarzyna akafarira zvaakaudzwa naMagdalena zvaibva muBhaibheri, haana kunyatsozvibvuma. Sezvaaitaura naMagdalena nezveshamwari dzechokwadi, Katarzyna akamboti: “Une Bhaibheri; unoziva nhungamiro dzokutevera uye kwokuwana shamwari. Asi zvakadini nevaya, zvichida panguva ino, vasingabvumi nhungamiro idzodzo?”

Nguva yokuchinja yakasvika apo Katarzyna akaenda kuLondon, kuEngland. Akashanyira bazi reZvapupu zvaJehovha ikoko, uye akaororwa nomutsa waakaratidzwa. Zviito zvishomanana zvakadaro zvakadai sokumuvhurira suo uye kufarirwa kwepachokwadi kwezvaaitaura zvakamufadza.

Pakatanga gore idzva rechikoro muna September 2001, Katarzyna akasarudza kubvuma kudzidza Bhaibheri nguva dzose. Ari kuwedzera kukoshesa kwake nhungamiro dzeBhaibheri uye akatanga kudzishandisa muupenyu hwake zuva nezuva. Nguva ichangodarika, akaudza Magdalena kuti: “Ndiri kunzwa sokunge ndiri kutanga upenyu hutsva.” Akamutumirawo mashoko mapfupi nenhare yeserura aiti: “Ndinokutenda chaizvo nokuda kwechidzidzo chedu chanhasi! Ndizvozvo, upenyu hwakanaka! Zvinofadza kuziva watinofanira kuonga nokuda kweizvi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe