RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 1/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Nei Tichichengeta Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Chirangaridzo (Kudya kwaShe Kwemanheru)
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kudya kwaShe Kwemanheru Kunoreva Zvakawanda Kwauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 1/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pauro airevei paakati: “Nguva yose pamunodya chingwa ichi nokunwa kapu iyi”?

Achitaura nezvepakatangwa Chirangaridzo chorufu rwaJesu, Pauro akanyora kuti: “Nguva yose pamunodya chingwa ichi nokunwa kapu iyi, munoramba muchizivisa rufu rwaShe, kusvikira asvika.” (1 VaKorinde 11:25, 26) Vamwe vanofunga kuti shoko rokuti “nguva yose” pano rinoratidza kuti rufu rwaKristu runofanira kuchengetwa nguva nenguva, kureva kakawanda. Saka, vanoruchengeta kakawanda kudarika kamwe chete pagore. Ndizvo zvaireva Pauro here?

Ava makore anoda kusvika 2 000 kubvira Jesu asuma kuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwake. Saka, kupemberera Chirangaridzo kunyange kamwe chete pagore kunoreva kuti chave chichipembererwa kakawanda kubvira muna 33 C.E. Zvisinei, pane zvaitaurwa muna 1 VaKorinde 11:25, 26, Pauro akanga achitaura, kwete nezvokuti kakawanda sei, asi kuti Chirangaridzo chinofanira kuchengetwa sei. MuchiGiriki chaakashandisa, haana kushandisa shoko rokuti pol·laʹkis, rinoreva “kazhinji” kana kuti “nguva nenguva.” Asi, akashandisa shoko rokuti ho·saʹkis, rinoreva kuti “nguva yose pamuno. . .,” dimikira rinoreva kuti “pose pamuno. . .,” “nguva yose yamuno. . .” Pauro aiti: ‘Nguva yose pamunoita izvi, munoramba muchizivisa rufu rwaShe.’a

Saka Chirangaridzo chorufu rwaJesu chinofanira kuchengetwa kakawanda sei? Zvakakodzera kuchichengeta kamwe chete chete pagore. Chokwadi chirangaridzo, uye zvirangaridzo zvinowanzochengetwa kamwe chete pagore. Uyezve, Jesu akafa zuva rePaseka yevaJudha, yaiitwa kamwe chete pagore. Nenzira yakakodzera, Pauro akati Jesu “Kristu paseka yedu,” sezvo chibayiro chorufu rwaJesu chakazarura nzira youpenyu kuna Israeri womudzimu, kungofanana nechibayiro chePaseka yokutanga chakachengetedza matangwe evaIsraeri ari mapenyu muIjipiti ndokuzarura nzira yokuti rudzi rwacho rusunungurwe muuranda. (1 VaKorinde 5:7; VaGaratiya 6:16) Kubatana uku nePaseka yevaJudha yegore negore humwezve uchapupu hwokuti Chirangaridzo chorufu rwaJesu chinofanira kuchengetwa kamwe chete chete pagore.

Uyezve, Pauro akafananidza rufu rwaJesu nomumwezve mutambo wevaJudha waiitwa gore negore, Zuva Rokuyananisa. Pana VaHebheru 9:25, 26, tinoverenga kuti: “Hazvina kufanira kuti azvipe kazhinji, zvechokwadi sokupinda kunoita mupristi mukuru munzvimbo tsvene gore negore [paZuva Rokuyananisa] neropa risiri rake. . . . “Asi zvino akazvionesa kamwe chete zvechigarire pakuguma kwegadziriro dzezvinhu kuti abvise chivi nokuzviita chibayiro kwake.” Sezvo chibayiro chaJesu chakatsiva Zuva Rokuyananisa rezvibayiro, Chirangaridzo chorufu rwake chinochengetwa zvakakodzera gore negore. Hapana chikonzero chepaMagwaro chokuchengeta Chirangaridzo kakawanda kupfuura ipapa.

Maererano neizvi, wezvenhau John Laurence von Mosheim anotaura kuti vaKristu vomuzana remakore rechipiri muAsia Minor vaiva netsika yokuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaJesu “musi wegumi nena wemwedzi wokutanga wevaJudha [Nisani].” Yakatozova tsika muchiKristudhomu yokuchichengeta kakawanda kudarika kamwe chete pagore, atova makore gare gare.

[Mashoko Omuzasi]

a Enzanisa nenhoroondo iri pana 1 Samueri 1:3, 7. Ipapo, mashoko okuti “nguva yose pamuno. . .” (mushanduro yazvino yechiHebheru) anoreva zviitiko zvaiitwa “gore rimwe nerimwe,” kana kuti kamwe chete pagore, apo Erikana nevakadzi vake vaviri vaienda kutebhenekeri yaiva kuShiro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe