RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 1/1 p. 26
  • Kutsungirira Kwake Kwakawana Mubayiro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsungirira Kwake Kwakawana Mubayiro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Madzimai—Remekedzai Varume Venyu Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mwari Anouya Pakutanga Mumhuri Yenyu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mirayiridzo Yokuchenjera Kune Vakaroorana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 1/1 p. 26

Kutsungirira Kwake Kwakawana Mubayiro

Vanhu vakawanda vane mwoyo yakarurama vanoda kuti vavanoda vadzidze zvinangwa zvaMwari vobva vava noupenyu hunofadza. Munhu paanozvitsaurira kuna Mwari, vamwe, vaduku nevakuruwo, vangave vaine zvavakaita pachisarudzo ichocho chokuchenjera nomufambiro wavo wakanaka. Ndizvo zvazvakaita kuna Jearim, musikana wechiduku ari kuMexico, uyo akapa hama tsamba inotevera zuva regungano chairo reZvapupu zvaJehovha:

“Ndinoda kuti mufarewo neni. Regai ndikuudzei kuti nei. Makore gumi nemasere adarika, ndisati ndatomboberekwa, vabereki vangu vakadzidza chokwadi. Amai vangu vakafambira mberi, uye gare gare ini nehanzvadzi yanguwo. Tose tainyengetera kuna Jehovha kuti baba vangu vapindewo munzira inoenda kupenyu. Makore gumi nemasere apfuura, uye nhasi izuva rinokosha chaizvo kwatiri. Baba vangu vari kubhabhatidzwa. Ndinoonga Jehovha kuti haana kuuyisa mugumo nguva iyi yanga yakamirirwa kwenguva refu isati yasvika. Ndinokuongai, Jehovha!”

Makore ose aya, mhuri yomusikana muduku uyu chokwadi yaifunga nhungamiro dzakanyorwa muzano rakafuridzirwa ra1 Petro 3:1, 2, rinoti: “Imi vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu chaivo, kuitira kuti, kana pane vasingateereri shoko, vawanwe pasina shoko nomufambiro wevakadzi vavo, nemhaka yokuva zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe noruremekedzo rukuru.” Uye wechiduku Jearim chokwadi akashandisa mashoko aDheuteronomio 5:16 anoti: “Kudza baba vako naamai vako, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako.” Kushandisa nhungamiro dzakadaro uye kumirira Jehovha nokushivirira chokwadi kwakaita kuti Jearim nevemhuri yake vawane zvikomborero.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe