RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 8/1 p. 8
  • ‘Shoko raMwari Rine Simba’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Shoko raMwari Rine Simba’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokwadi yeBhaibheri “Inoshandisa Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Shoko raMwari . . . Rine Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • “Jehovha . . . Ane Simba Guru”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Shoko raMwari Rinoshandisa Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 8/1 p. 8

Mushumo Wevazivisi voUmambo

‘Shoko raMwari Rine Simba’

MUCHITSUWA chinodziya cheCaribbean chokuJamaica, vanhu vakawanda vakajairana neBhaibheri. Tingatoti shanduro yeBhaibheri inonzi King James Version inowanikwa munenge mumusha wose zvawo, uye vamwe vanhu vakaona kuti “shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Simba iri rinogona kuchinja upenyu, sezvinoratidzwa nechiitiko chinotevera.

Mumwe murume anonzi Cleveland akanga achangodzoka kumba kubva kubasa apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akamushanyira. Chataurirana naye dzimwe pfungwa dzinobva muMagwaro, Chapupu chacho chakamusiyira bhuku rokushandisa pakudzidza Bhaibheri rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Cleveland haana kumboziva kuti Shoko raMwari richava nesimba sei muupenyu hwake.

Cleveland aigara achinyengetera katatu pazuva, achikumbira Mwari kuti amubatsire kuwana nzira yakarurama yokumunamata. Cleveland aiva nechokwadi chokuti vabereki vake vakanga vasinganamati nenzira yakarurama, asi aongorora zvimwe zvitendero, akavhiringidzika. Kunyange akanga ambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha, akanga asingazivi kana zvaiva nechokwadi. Kunyange akanga asinganyatsogutsikani, Cleveland akabvuma kudzidza Bhaibheri neChapupu chakanga chamushanyira pamba pake. Nei? Nokuti aida kukonesa Zvapupu zvacho!

Nokukurumidza Cleveland akadzidza kuti unzenza hwaaiita nevakadzi vaviri hwakanga husingafadzi Mwari. (1 VaKorinde 6:9, 10) Angodzidza kaviri chete, akashinga kuparadzana nevakadzi ivavo. Akatangawo kupinda misangano paImba yoUmambo. Asi izvi zvakaratidza kuva mumwe muedzo.

Cleveland aitamba zvakasimba muchikwata chebhora chomunharaunda yake, uye mitambo yechikwata chake yakanga ichivhiringidza kupinda kwake misangano. Aizoita sei? Pasinei nokumanikidzwa zvakasimba nevamwe vomuchikwata chake, murayiridzi, neshamwari, Cleveland akasarudza kubuda muchikwata chebhora chacho. Hungu, Shoko raMwari rakanga rava kutanga kuva nesimba, richimuchinja kuti aite zvakanaka!

Simba reShoko raMwari rakatanga kuonekwazve apo Cleveland akatanga kutaurirawo vamwe zivo yake yeBhaibheri. (Mabasa 1:8) Saka vaviri vomuchikwata chake chebhora vakatanga kupinda misangano neZvapupu zvaJehovha. Cleveland paakakwanisa kuva muparidzi wemashoko akanaka, akawana mufaro mukuru muushumiri, achishandisa Shoko raMwari kubatsira vamwe.

Zvaakaramba achikurudzirwa nesimba reShoko raMwari, Cleveland pakupedzisira akaratidza kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura uye ane ropafadzo yokushanda somushumiri wenguva yakazara uye somushumiri anoshumira muungano.

MuJamaica uye pasi pose, zviuru zvevanhu zvasvika pakuziva kuti, zvechokwadi, Shoko raMwari “ibenyu uye rine simba.”

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 8]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

JAMAICA

[Kwazvakatorwa]

Mepu nenyika: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe