RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 5/1 p. 3
  • Kuremara Kunouya Nepakasiyana-siyana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuremara Kunouya Nepakasiyana-siyana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Kugara Nekusakwanisa Kudzidza
    Mukai!—1997
  • Upenyu Hwakanaka Usina Gumbo Kana Ruoko
    Mukai!—1999
  • Neiko Ndichifanira Kutambura Nohurema?
    Mukai!—1993
  • Zvimbambaira—Kuwana Mutengo Wacho
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 5/1 p. 3

Kuremara Kunouya Nepakasiyana-siyana

CHRISTIAN, uyo anogara mune imwe nyika yomuAfrica, akapambwa nemauto aida kumumanikidza kupinda muchiuto, asi akaramba nokuda kwehana yake yakarovedzwa neBhaibheri. Ipapo mauto akamutora ndokuenda naye kukamba yawo kwaakazopfurwa gumbo nomumwe wavo, amborohwa kwemazuva mana. Christian akakwanisa kusvika kuchimwe chipatara, asi gumbo rake raifanira kudimburwa nechepazasi pebvi. Muimwe nyika yomuAfrica, kunyange vana vaduku vakadimburwa maoko kana makumbo nevapanduki vane zvombo. Uye kubva kuCambodia kusvika kuBalkans, kubva kuAfghanistan kusvika kuAngola, zvimbambaira zvichiri kuremadza vanhu vaduku nevakuru pasina kusarura.

Zvimwe zviri kuremadza vanhu itsaona nezvirwere zvakadai sechirwere cheshuga. Kunyange zvinhu zvinokachidza zviri mumhepo zvinogona kuremadza. Somuenzaniso munzvimbo dziri pedyo nerimwe guta muEastern Europe, vana vakawanda vave vachiberekwa vasina chimwe chidimbu choruoko. Vanongova nechiruoko chipfupi kubva pagokora. Umboo hunoratidza kukuvara kunopfuudzirwa pakubereka kunokonzerwa nemakemikari akaraswaraswa. Vamwe vanhu vakawandisa vane makumbo avo nemaoko asi kunyange zvakadaro vakaremadzwa nechirwere chokuoma rutivi rwomuviri kana chimwewo chirwere. Zvechokwadi kuremara kunouya nepakasiyana-siyana.

Chero chinokukonzera, kuremara kunovhiringidza pfungwa. Junior akadimbuka gumbo nechepazasi pebvi aine makore 20. Pava paya akazoti: “Ndaikangaidzika zvikuru mupfungwa. Ndaigara ndichichema kuti handichazovi negumbo rangu zvakare. Ndaishaya kuti ndodini. Ndaive ndavhiringika.” Zvisinei, nokufamba kwenguva, mafungiro aJunior akachinja zvikuru. Akatanga kudzidza Bhaibheri akadzidza zvinhu zvakamubatsira kutsungirira uyewo zvakamupa tariro inoshamisa yeramangwana rinofadza pasi pano. Kana wakaremara, ungadawo kuva netariro iyoyo here?

Saka kana zvakadaro, tapota verenga nyaya inotevera. Tinokukurudzira kuti uverenge muBhaibheri rako pachako Magwaro ari kutaurwa nezvawo kuitira kuti uzvionere woga zvichaitira Musiki vaya vanodzidza nezvechinangwa chake vorarama maererano nacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe