RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 3/1 p. 31
  • Ungapona Sei Panoguma Nyika Ino?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungapona Sei Panoguma Nyika Ino?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 3/1 p. 31

Ungapona Sei Panoguma Nyika Ino?

BHAIBHERI rinorondedzera mugumo wenyika ino se“zuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru.” (Zefania 1:15) Zvechokwadi nomuzvarirwo harisi zuva raungada kutarisira! Asi, muapostora Petro akakurudzira vamwe vake vechiKristu kuti ‘vamirire uye varambe vachinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha, iro naro matenga achatsva achanyungudutswa uye zvinhu zvinopisa kwazvo zvichanyunguduka! Asi kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira maererano nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.’—2 Petro 3:12, 13.

Pano Petro akanga asiri kutaura nezvokuparara kwematenga anooneka nepasi. “Matenga” uye “pasi” zvakataurwa naPetro munyaya iyi zviri kufananidzira hurumende dzevanhu dzakaipa uye vanhu vasingadi Mwari. “Zuva raJehovha” harisi kuzoparadza pasi asi ‘richaparadza vatadzi vepasi.’ (Isaya 13:9) Kune vaya vari ku“gomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza” zviri kuitwa nevanhu vakaipa varipo nhasi, zuva raJehovha richabva rava zuva rokuponeswa.—Ezekieri 9:4.

Saka, munhu upi noupi angaponeswa sei pa“zuva guru raJehovha rinotyisa”? “Shoko raJehovha” rakaratidzwa mumwe wevaprofita vake rinopindura mubvunzo uyu richiti: “Aninani anodana zita raJehovha acharwirwa.” (Joere 1:1; 2:31, 32) Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuti uzive zvazvinoreva kudana zita raJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe