RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 3/1 p. 32
  • “Gadzirira, Izvi Zvingakurwadza”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Gadzirira, Izvi Zvingakurwadza”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 3/1 p. 32

“Gadzirira, Izvi Zvingakurwadza”

WAKAMBONZWA mashoko iwaya here? Zvichida chiremba kana kuti mukoti akataura izvi asati atanga kurapa kwakasarudzwa.

Zvichida hauna kuramba marapiro acho nemhaka yokuti aizorwadza. Asi, wakatsungirira marwadzo acho kuitira kuti uwane utano hwakanaka munguva yemberi. Muzviitiko zvakaoma, kubvuma kana kuramba kurapa kunorwadza kungareva kuti uchararama kana kuti uchafa.

Kunyange zvazvo tingasada kutarisirwa nachiremba nguva dzose, isu vanhu vasina kukwana tose tinoda chirango, kana kuti kugadziridzwa, kunyange zvingarwadza pane dzimwe nguva. (Jeremia 10:23) Richisimbisa izvi nezvevana, Bhaibheri rinoti: “Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana; asi shamhu yokurayirira ichahudzingira kure naye.”—Zvirevo 22:15.

Pane zviri kutaurwa izvi, shamhu chiratidzo chechiremera chevabereki. Ichokwadi kuti vana vashoma vanoda chirango. Kana kuchizosanganisira kurwadzisa kwakati, vangasachida. Zvisinei, vabereki vakachenjera nevane rudo havangotarisi manzwiro omwana wacho okurwadziwa chete asi kuti zvinozoguma zvamubatsirei. Vabereki vechiKristu vanoziva kuti Shoko raMwari nderechokwadi parinoti: “Hapana chirango chinoita sechinofadza panguva ino, asi chinoshungurudza; asi gare gare chinoberekera vakarovedzwa nacho chibereko chine rugare, iko kururama.”—VaHebheru 12:11; Zvirevo 13:24.

Chokwadi, havasi vana chete vanoda chirango. Vanhu vakuru vanochidawo. Bhaibheri rinenge richitaura kuvanhu vakuru parinoti: “Natsa kubata kurayirirwa; usakuregedza; ukuchengete, nokuti ndihwo upenyu hwako.” (Zvirevo 4:13) Hungu, vanhu vakangwara—vakuru nevaduku—vachabvuma chirango chinobva muShoko raMwari, Bhaibheri, nokuti kuita kudaro, pakupedzisira kuchachengetedza upenyu hwavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe