RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 12/15 p. 32
  • “Chizoro Chemaziso Chokuzora Mumaziso Ako”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Chizoro Chemaziso Chokuzora Mumaziso Ako”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 12/15 p. 32

“Chizoro Chemaziso Chokuzora Mumaziso Ako”

MUSHONGA iwoyo wakaudzwa ungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga yomuRaodhikiya, kuAsia Minor, naJesu Kristu kuti iushandise.

Jesu akati: “Utenge . . . chizoro chemaziso chokuzora mumaziso kuti uone.” Chakanga chisiri chirwere chemaziso chaiwo, asi upofu hwokumudzimu hwaida kurapwa. VaKristu muRaodhikiya vakanga vafurirwa nokubudirira kwepfuma yomuguta iroro mavaigara uye vakanga vasisina basa nezvokunamata.

Achitaura kuti izvi ndizvo zvaiita kuti vasanyatsoona, Jesu akati: “Unoti: ‘Ndakapfuma uye ndakawana pfuma uye hapana chandinomboshayiwa,’ asi hauzivi kuti unosiririsa uye unonzwisa tsitsi uye uri murombo uye uri bofu uye hauna kupfeka.” Kunyange zvazvo vakanga vasingazvizivi, vanhu vomuungano vaida “chizoro chemaziso” chinorapa icho chaigona kungowanikwa bedzi nokuzviisa pasi pedzidziso uye mirayiridzo yaJesu Kristu. ‘Tenga kwandiri,’ akadaro Jesu.—Zvakazarurwa 3:17, 18.

Sezvazvakanga zvakaita kuavo vaiva muRaodhikiya,vaKristu vechokwadi nhasi vanofanira kungwarira kufurirwa zvisina kufanira, zvichida vasingazivi, noupenyu hwemavanogara hunodzorwa nokuda pfuma nemafaro. Mushonga wokuti urambe uine utano hwakanaka mukunamata unoratidzwa pakurudziro inoti “Utenge [kuna Jesu] . . . chizoro chemaziso chokuzora mumaziso ako kuti uone.”

Chinofanira kucherechedzwa ndechokuti “chizoro chemaziso” ichi chinofanira kutengwa. Hachisi chemahara. Nguva inotofanira kupedzwa pakudzidza nokufungisisa Shoko raMwari. Munyori wepisarema akatipa chivimbo chokuti Shoko iri, ‘rakaisvonaka, rinovhenekera meso [okunamata].’—Pisarema 19:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe