RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 8/15 p. 32
  • Chitupa Chokuita Zvakaisvonaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chitupa Chokuita Zvakaisvonaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 8/15 p. 32

Chitupa Chokuita Zvakaisvonaka

NDICHO chinopiwa neAssociation of Congolese and African Journalists for the Development (AJOCAD) yomuDemocratic Republic of Congo so“mubayiro kuvanhu kana kuti masangano emagariro evanhu anoratidza kusiyana nemamwe mukubatsira kuti pave nokubudirira [muCongo].”

Musi waNovember 17, 2000, Chitupa Chokuita Zvakaisvonaka chakapiwa Zvapupu zvaJehovha no“kubatsira kwazvo kuti pave nokubudirira kune munhu wose womuCongo [zvichishandisa] dzidzo nedzidziso iri mumabhuku azvo.”

Richitaura nezvomubayiro wacho, pepanhau rokuKinshasa Le Phare rakati: “Zvakaoma kuwana munhu womuCongo asati ambobata magazini eNharireyomurindi neMukai! kana mamwe mabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Magazini aya [anotaura] nezvezvinhu zvose zvoupenyu.” Nyaya yacho yakataurawo kuti mabhuku acho anoratidza “nzira yokubata nayo nematambudziko anhasi” uye anotaura nezve“zvinonyatsoreva zviri kuitika nhasi.” Magazini yeMukai! imwe neimwe “inoramba isina kwayakarerekera mune zvematongerwe enyika uye haisimudziri rumwe rudzi kupfuura rumwe.” Uyezve, mabhuku acho anoita kuti “uvimbe nezvakavimbiswa noMusiki zvenyika itsva ine rugare uye yakachengeteka yava kuda kutsiva gadziriro yezvinhu iripo yakashata, isingateereri mutemo.”

Sezvakacherechedzwa neAJOCAD, mabhuku eZvapupu zvaJehovha akaratidza kuti anobatsira kune chikamu chikuru chevagari vomuCongo. Achiwanikwa mumazana emitauro, mashoko awo anopa tariro anogona kukubatsirawo iwe.

Tapota tarira pasi apa uone kuti ungabatsirwa sei nawo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe