Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Jobho akatambura kwenguva yakareba sei?
Vamwe vanhu vanofunga kuti miedzo yaJobho yakatora makore akawanda, asi bhuku raJobho haritauri nezvokutambura kwenguva yakareba kudaro.
Chikamu chokutanga chemiedzo yaJobho chokurasikirwa nevomumhuri uye zvinhu, chinoratidza kuti chaiva chipfupi zvikuru. Tinoverenga kuti: “Zvino rimwe zuva vanakomana va[Jobho] navanasikana vake vaka[nga] vachidya nokunwa waini paimba yomukuru wavo.” Jobho akagamuchira agamuchirazve mashoko okurasikirwa—nemombe dzake, mbongoro, makwai, ngamera, uye vashandi vaitarisira mhuka idzodzo. Sezviri pachena, Jobho gare gare akaziva nezvorufu rwevanakomana nevanasikana vake, “vakanga vachidya nokunwa waini mumba momukuru wavo.” Zvinoratidza kuti zvose izvi zvakaitika pazuva rimwe chete.—Jobho 1:13-19.
Chikamu chinotevera chemiedzo yaJobho chinofanira kunge chakatora nguva yakati rebei. Satani akasvika kuna Jehovha ndokumuudza kuti Jobho aizokundikana kana marwadzo acho akabata iye pachake—muviri wake pachake. Zvadaro Jobho akarohwa ne“maronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.” Kupararira kwehosha iyi nomuviri wake wose kungadaro kwakatora nguva yakati kuti. Uye zvingadaro zvakatora nguva yakareba kuti nhau dze“zvakaipa zvose” izvi dzisvike kune vaizviti vanyaradzi vake, vakazouya kwaari.—Jobho 2:3-11.
Erifazi aibva kuTemani munyika yeEdhomi, uye Zofari aibva kune imwe nzvimbo iri kumusoro kwakadziva kumadokero kweArabia, saka misha yavo yakanga isiri kure newaJobho aigara kuUzi, kungadaro kwaiva kumusoro kweArabia. Zvisinei, Bhiridhadhi aiva muShuhi, uye zvinonzwisiswa kuti vanhu vokwake vaigara pedyo nerwizi rwaYufratesi. Kana Bhiridhadhi akanga ari kumusha kwake panguva iyoyo, zvingadaro zvakamutorera vhiki dzakati kana kuti mwedzi yakati kuti anzwe nhamo yaJobho uye kuti afambe kuuya kuUzi. Chokwadi, zvingangodaro kuti vatatu ava vaiva munharaunda yaJobho paakatanga kutambura. Chero zvakaitika, pakasvika shamwari dzaJobho nhatu, dza“kagara pasi naye mazuva manomwe nousiku hunomwe” pasina kutaura.—Jobho 2:12, 13.
Ipapo chikamu chokupedzisira chemiedzo yaJobho chakazouya, mashoko acho akazara muzvitsauko zvakawanda zvebhuku racho. Paiva nehurukuro dzaitevedzana dzevaya vaizviti vanyaradzi, uye Jobho aiwanzopindura. Izvozvo zvapera, murume wechiduku Erihu akapa tsiuro, uye Jehovha akaruramisa Jobho ari kudenga.—Jobho 32:1-6; 38:1; 40:1-6; 42:1.
Nokudaro, kutambura kwaJobho nokupera kwako zvingava zvakaitika mukati memwedzi mishomanana, zvichida isingasviki gore. Ungava wakazvionera pachako kuti miedzo yakaoma inoita seinogara nokusingaperi. Asi hatifaniri kukanganwa kuti inopera, sezvakaita yaJobho. Kunyange miedzo yatinotarisana nayo ikaramba ichipfuurira kwenguva yakareba sei, ngatirambei tichifunga nezvokutsigira kunoita Mwari, sokunoratidzwa mumashoko akafuridzirwa anoti: “Kunyange kutambudzika kwacho kuri kwenguva duku uye kwakareruka, kunotiitira mbiri inokosha inotova huru zvikuru uye ndeyekusingaperi.” (2 VaKorinde 4:17) Muapostora Petro akanyora kuti: “Kana matambura kwenguva duku, Mwari womutsa usina kufanirwa wose, akakudanirai kumbiri yake isingaperi muri pamwe naKristu, iye pachake achapedzisa kurovedzwa kwenyu, achakuitai kuti muve vakatsiga, achakuitai kuti muve vakasimba.”—1 Petro 5:10.