Kupenya Sezvivheneko muGuta Rechiedza
Fluctuat nec mergitur, kana kuti “Rinorohwarohwa nemasaisai asi harinyuri,” ichi chirevo cheguta reParis.
SENGARAVA, kwemakore 2 000 apfuura, Paris yakanangana nokuvhozhokerwa nevanhu vokunze uye kumukira kwevanhu vemo kuti irambe iripo. Zvino yava rimwe remaguta akanaka zvikuru pasi pose, Paris inoyemurwa nokuda kwezvivako zvayo zvakanaka kwazvo, migwagwa ine miti mumativi, uye miziyamu dzine mukurumbira pasi pose. Vamwe vanofunga nezvayo senzvimbo inogara ichishanyirwa nevadetembi, vanyori vemifananidzo, uye vazivi. Vamwewo vanonakirwa nomutakunanzva wayo wezvokudya uye vanoyemura fashoni dzayo dzembatya dzevakadzi.
Munguva dzekare, Paris yaive nevaKaturike vakawandisa. Makore mazana maviri adarika, nemhaka yebasa rayo rinokosha musangano rezvedzidzo romuEurope raizivikanwa seEnlightenment (Kuvhenekera), Paris yakasvika pakunzi Guta reChiedza. Nhasi, kunyange vachizviziva kana kuti kwete, vakawanda vanogara muParis vanopesvedzerwa nouzivi hwakatangira munguva iyoyo kupfuura zvavanoitwa nechitendero.
Zvisinei, uchenjeri hwomunhu hahuna kuvhenekera upenyu hwevanhu sezvaitarisirwa. Vakawanda nhasi vanotsvaka kuvhenekerwa nechiedza chinobva kumwe kwakasiyana. Kweanopfuura makore 90 zvino, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichi“penya . . . sezvivheneko” muParis. (VaFiripi 2:15) Kufanana nevafambisi vengarava vane unyanzvi, vave vachifanira kugadziridza nguva nenguva kuti vaenderane nokuchinja kana kuti zviitiko kuitira kuti vatakure “zvinodikanwa nendudzi dzose.”—Hagai 2:7.
Guta Rakaoma
Kare muna 1850, Paris rakanga riri guta revagari 600 000. Vagari vemo nhasi, kusanganisira vomumisha iri kumicheto kwaro, vanopfuura mamiriyoni mapfumbamwe. Kuwedzera kwakadaro kwakaguma nokuita kuti Paris rive guta reFrance rine vanhu vemarudzi akanyanya kusiyana-siyana kupinda mamwe. Iro muzinda wepasi pose wedzidzo yepamusoro, rine imwe yemayunivhesiti ekare zvikuru pasi pose, uye iro musha wevadzidzi vanosvika 250 000. Mimwe misha yeParis, zvaiine dzimba dzenhurikidzwa dzakawanda dzinozivikanwa nokuparwa kwemhosva uye kushayikwa kwemabasa, inoratidza zvimwe zvinhu zveParis zvisingafadzi. Chokwadi, Zvapupu zvaJehovha zvinotofanira kuva nounyanzvi uye zvinofanira kuchinjika kuti zvizivise mashoko akanaka munzira inofadza kuvanhu vakasiyana-siyana.—1 Timoti 4:10.
Vashanyi vanopfuura mamiriyoni 20 vanoshanyira Paris gore roga roga. Vangakwira Eiffel Tower nomufaro, kumbotandara vachitevedza rwizi runonzi Seine, kana kumbopinda mumakefa ari mumativi momugwagwa uye mumaresitorendi, vachimboona zvakaita nzvimbo dzacho. Asi, mararamiro ezuva nezuva evanhu vomuParis anogona kuva okumhanyamhanya. “Nguva dzose vanhu vanongoita zvinhu nokukurumidza,” anotsanangura kudaro Christian, mushumiri wenguva yakazara. “Pavanobva kubasa, vanenge vaneta.” Kutaura kuvanhu ava vakabatikana hakusi nyore.
Zvisinei, chimwe chinetso chikuru chinotarisana neZvapupu zvaJehovha muParis ndechokukwanisa kutaura nevanhu mudzimba dzavo. Zvimwe zvivako zvine rudzi rwenhare yokutaura uri kugedhi. Zvisinei, nokuwedzera kwokuparwa kwemhosva, mamwe mafurati anopindwa nevanenge vane zviratidzo zvinovabvumira kupinda, uye mvumo yokupinda imomo haiwaniki. Zviri pachena kuti ichi ndicho chimwe chezvikonzero nei mune dzimwe nzvimbo muine reshiyo yeChapupu chimwe kuvanhu 1 400. Naizvozvo, kuparidza nenhare uye kusina kurongwa kuri kunyanya kuitwa. Zvapupu zvaJehovha zvave zvichigona kuita kuti “chiedza . . . chivheneke” mune dzimwe nzira here?—Mateu 5:16.
Mikana uye nzvimbo dzokuparidza zvisina kurongwa zvakawanda. Martine akaona mumwe mukadzi airatidza kushushikana akamira pachiteshi chemabhazi. Mukadzi wacho akanga afirwa nemwanasikana waaiva naye mumwe bedzi. Martine akamupa bhurocha rakanga rine tariro yeBhaibheri yorumuko inonyaradza. Ipapo havana kuzoonana kwemwedzi mishoma. Apo Martine akaona mukadzi wacho zvekare, akagona kutanga chidzidzo cheBhaibheri naye. Pasinei nokurambidzwa nomurume wake, mukadzi wacho akava Chapupu.
Kuparidza Kusina Kurongwa Kunobudirira
Zvifambiso zvavose zvomuParis ndezvimwe zvezvinonyatsoita basa nemazvo pasi pose. Chitima chepasi pevhu chine mukurumbira chinotakura vanhu 5 000 000 zuva roga roga. Chiteshi chepasi pevhu chikuru chomuParis, chinonzi Châtelet-Les-Halles, chinonzi ndicho chikuru uye chakabatikana kupfuura zvose pasi pose. Mikana yokusangana nevanhu ikoko yakawandisa. Alexandra anoenda kubasa nechitima zuva roga roga. Rimwe zuva akataura nomumwe murume muduku akanga achirwara zvokuda kufa neleukemia. Alexandra akamupa turakiti rinotaura nezvetariro yeparadhiso. Kurukurirano yeBhaibheri yakaitwa panguva nenzvimbo zvimwe chete kwevhiki nhanhatu. Zvino, rimwe zuva, murume wacho akarega kuuya. Nguva pfupi pashure paizvozvo, mudzimai wake akaridzira runhare Alexandra ndokumuudza kuti auye kuchipatara, nokuti murume wake akanga ave kurwara zvakanyanya. Zvinosuruvarisa kuti Alexandra akanonoka kusvika. Zvichitevera kufa kwake, mudzimai womurume wacho akatamira kuBordeaux, kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweFrance, kwaaishanyirwa neZvapupu zvaikoko. Zvechokwadi aiva mashoko anofadza kuna Alexandra pashure pegore kunzwa kuti chirikadzi iya yakanga yava Chapupu chaJehovha chechiKristu chakabhabhatidzwa, chine tariro yokuona murume wacho amutswa!—Johani 5:28, 29.
Mumwe mukadzi wechiKristu ati kwegurei akataura naRenata muchitima chaibva kuParis chichienda kuLimoges, pakati peFrance. Kumusha kwake kuPoland, Renata akanga adzidza zvechitendero, chiHebheru, uye chiGiriki kwemakore mashanu, asi akanga arega kutenda muna Mwari. Mwedzi mitatu vasati vasangana, akanga anyengetera kuna Mwari. Kunyange zvazvo akanga asingafariri zvaitaurwa nomukadzi akanga ati kwegurei uyu uye achifunga kuti haaizotaura naye zvekare, Renata akamupa nhamba dzake dzorunhare. Zvisinei, hanzvadzi yacho yakaramba ichipfuurira uye yakava nechokwadi chokuti nguva pfupi kubva ipapo Renata akazoshanyirwa. Apo varoorani vari Zvapupu vakauya kuzomuona, Renata akafunga kuti, ‘Chii chavangandidzidzisa ivava?’ Zvisinei nokudzidziswa kwake zvechitendero, Renata akakwezvwa nokuzvininipisa nechokwadi cheBhaibheri. “Ndakanzwisisa kuti chakanga chiri chokwadi pakarepo,” anotsanangura kudaro. Parizvino anofara kuudza vamwe mashoko eBhaibheri.
Michèle akanga achiita zvidzidzo zvokutyaira. Vamwe vadzidzi vakanga vari mukirasi yake yezvidzidzo zvokutyaira vakatanga kutaura nezvokurara pamwe vanhu vasati varoorana. Michèle akataura kuti akanga asingatenderani nazvo. Vhiki imwe gare gare, murayiridzi wokutyaira, Sylvie, akamubvunza kuti: “Uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” Sylvie akaororwa nemaonero aMichèle anobva muBhaibheri. Chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa, uye gore rimwe pashure pacho Sylvie akabhabhatidzwa.
Mapaki nemapindu akawanda muParis anopa nzvimbo dzakanaka dzokutaura nevanhu. Achitora mukana wenguva yokuzorora, Josette akaenda kupaki, uko mumwe mukadzi akanga ati kwegurei, Aline, akanga achifamba-famba. Josette akatsanangura zvipikirwa zvinoshamisa zvinowanikwa muBhaibheri. Chidzidzo cheBhaibheri chakarongwa kuti chizoitwa, uye Aline akafambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa munguva pfupi yakatevera. Zvino ane makore 74, Aline ndipiyona wenguva dzose anoshingaira zvikuru, achifara kuudzawo vamwe chokwadi chechiKristu.
Chiedza Chemarudzi Ose
Zvapupu zvomuParis hazvifaniri kuenda kunzvimbo dziri kure kuti zvione tsika dzakasiyana-siyana. Vanoda kusvika 20 kubva muzana vevanhu vanogara imomo vakabva kune dzimwe nyika. Mune ungano dzechiKristu nemapoka mumitauro 25 yakasiyana-siyana.
Unyanzvi uye kufungidzira kunowanzoita kuti pave nomugumisiro wakanaka mubasa iri rakanaka rokuparidza evhangeri. Mumwe ari Chapupu anobva kuPhilippines akavamba ndima yake oga. Akagona kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda nokutanga kukurukurirana nevamwe vaibva kuPhilippines muzvitoro paakanga achitenga.
Zvinobatsira kuti titange isu kutaura pakuparidza. Muna December 1996, zvaziva kuti rimwe boka romutambo rine mukurumbira pasi pose rakanga richiuya kuguta racho, Zvapupu zveungano yomutauro wokumwe zvakasarudza kuedza kukurukura nevatambi vacho. Mamwe manheru mutambo wapera, vakakwanisa kutaura kuvatambi vacho vakanga vave kudzokera kuhotera yavo. Zvakaitwa izvi zvakaita kuti pagoverwe maBhaibheri 28, mabhuku echiKristu 59, mabhurocha 131, uye magazini 290. Pakupera kwokugara kwavo kwevhiki nhatu, mumwe wenyanzvi dzemhidigori akabvunza kuti: “Ndingava sei mumwe weZvapupu zvaJehovha?” Mumwe akati: “Ndichanoparidza kunyika yangu!”
Pfuma Yakavanzwa Inofanira Kuwanikwa
Kwose kwavanotarira, vanoshanyira Paris vanoona pfuma yezvivakwa zvinofadza kuona kubva munguva dzekare. Zvisinei, zvinhu zvinokosha zvikuru zvichiri kumirira kuwanikwa. Aniza akauya kuFrance pamwe nababamukuru vake vari mumiririri wenyika yavo ikoko. Aiverenga Bhaibheri nguva dzose kumba. Rimwe zuva paakanga achibva pamba achikurumidzira, mumwe piyona akamupa turakiti rinonzi Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri. Vakaronga kuzosangana vhiki raitevera, uye chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa. Aniza akashorwa zvikuru nevomumhuri make. Akafambira mberi mukudzidza kwake kusvikira abhabhatidzwa. Anoona sei mukana waainawo wokuudza vamwe chokwadi? “Pakutanga basa rokuparidza rakanga rakaoma nokuti ndinonyara. Asi, pandinoverenga Bhaibheri, rinondikurudzira. Handingagari, pasina chandiri kuita.” Ndozvakaita mafungiro eZvapupu zvakawanda muParis, zvine “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.”—1 VaKorinde 15:58.
Chokwadi cheBhaibheri chinovhenekerawo muzvirongwa zvokuvaka dzimba kumucheto kweParis, chichiratidza mamwe “mabwe anokosha.” Achida kukumbira zvimwe zviridzwa, Bruce akaenda kundoshanyira shamwari yake, yakanga ichangobva kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Paakaona shamwari yake ichikurukura nezveBhaibheri nevamwe vanhu vaaiziva, Bruce akateerera kurukurirano yacho. Akabvuma kukumbirwa kwaakaitwa kudzidziswa Bhaibheri asi akanga ane zvimwe zvinetso. “Ndaizivikanwa zvikuru munharaunda yacho. Mukoma wangu mukuru aigara achirwa, uye ini ndaironga mapati okutamba anoita ruzha zvikuru. Ko vamwe vaizobvuma sei kuti ini ndakanga ndave kuva Chapupu?” Pasinei nokuramba achikumbirwa kuronga mapati, Bruce akarega kuita basa iroro. Mwedzi mumwe chete pashure pacho akatanga kuparidza: “Munhu wose munzvimbo yacho aida kuziva kuti nei ndakava Chapupu.” Nguva pfupi zvadaro akabhabhatidzwa. Nokufamba kwenguva, akava nomukana wokupinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri.
Kutsvaka pfuma kunoda kushanda nesimba. Zvisinei, panozova nomufaro apo basa racho rinova nemigumisiro yakanaka! Jacky, Bruno, uye Damien vakanga vari vabiki vechingwa muParis. “Zvakanga zvakaoma kutiona nokuti taishanda nguva dzose uye takanga tisingawaniki pamba,” anotsanangura kudaro Jacky. Patrick, piyona wenguva dzose, akaona kuti pakanga pane mamwe makamuri pamusoro pechivakwa chavaigara, uye akagumisa kuti kamuri rinenge rimwe raigarwa. Kuedza kwake kuonana nevagari vacho kwakaunza migumisiro yakanaka apo mamwe masikati akataura naJacky, aigara ipapo kwenguva pfupi. Zvakaguma nei? Shamwari nhatu dzakava Zvapupu uye dzakagona kuwana rimwe basa raiita kuti dzikwanise kuva nenguva yakazara yokuita basa raMwari.
Kunyaradza Dutu
Munguva ichangopfuura, zvimwe zvinobudisa nhau muFrance zvakaratidza Zvapupu zvaJehovha sesangano rechitendero rine ngozi. Muna 1996, Zvapupu zvakashanda nomwoyo wose mukuparadzira makopi mamiriyoni mapfumbamwe eturakiti rakanga rine mashoko anokosha rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Chaunofanira Kuziva. Zvakaguma zvakanaka chose.
Kuedza chaiko kwakaitwa kuti munhu wose awanikwe. Vakuru vakuru vakawanda vakaratidza kuonga kwavo Zvapupu. Mumwe kanzura weminisiparati akataura kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvaita zvakanaka kuparadzira turakiti iri. Rinoruramisa nhema dzinotaurwa.” Mumwe chiremba akatsinhira kuti: “Ndave ndichirimirira kwenguva yakareba!” Mumwe murume anobva munzvimbo iri muParis akanyora kuti: “Ndakangoerekana ndaverenga Zvapupu zvaJehovha—Chaunofanira Kuziva. Ndingada kuziva zvakawanda uye kushandisa mukana wokuda kuitiswa chidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.” Mumwe akanyora kuti: “Ndinokutendai nokuvimbika kwenyu.” Mumwe mukadzi muKaturike akaudza Zvapupu kuti: “Mazoita chimwe chinhu nezvenhema dzamaitaurirwa nhai!”
Mufaro mukuru kuvechiduku vakawanda vari Zvapupu munzvimbo dzeParis wakanga uri wenhimbe yokuparidza kwakanga kwakarongerwa Catholic World Youth Days muna 1997. Kunyange zvazvo tembiricha yaipfuura 35°C, Zvapupu zvinenge 2 500 zvakaita basa racho. Mumazuva mashoma chete, vakasiya makopi 18 000 ebhuku rinonzi A Book for All People kuvechiduku vaibva munzvimbo dzose dzepasi. Mukuwedzera pakupa uchapupu hwakanaka kuzita raJehovha uye kudyara mbeu dzechokwadi, nhimbe yacho yakapa simba Zvapupu zvacho zvechiduku. Imwe hanzvadzi yechiduku, yakadimburira panzira nguva yayo yokushanya kuti inyatsoita zvakazara basa iri, yakanyora kuti: “Jehovha ane vanhu vanofara panyika, vanoshandisa simba ravo kuti varumbidze zita rake. Mazuva maviri aya, akanga akazara nezviitiko uye achipa mubayiro, zvechokwadi akanga achikosha kupfuura nguva yezororo yose yaungawana muupenyu! (Pisarema 84:10)”
February 28, 1998, rakava zuva raitara musi wegore negore wechi65 womurayiro wakapiwa naHitler wakaguma nokurambidzwa kweZvapupu zvaJehovha muGermany. Zvapupu zvomuFrance zvakashandisa zuva iroro kuti zviratidze vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault muhoro dzakarendwa, inoratidza zvakazara kutambudzwa kwakaitwa vanhu vaJehovha. Kokero dzinopfuura mamiriyoni manomwe dzakaparadzirwa. Vanyori venhau dzakaitika uye vaichimbova vasungwa vomumisasa vakapa uchapupu hunonzwisa tsitsi. Munzvimbo dzeParis, vanenge 5 000 vakapinda, kusanganisira vamwe vakawanda vasiri Zvapupu.
Vakawanda muParis vanokoshesa zvikuru chiedza chokunamata, uye vanofara kuti vazivisi voUmambo vari kupenya zvakajeka sezvivheneko. Zvakafanana nezvakataurwa naJesu kuti: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma.” (Mateu 9:37) Kushinga kweZvapupu zvaJehovha mukukurira zvipingamupinyi zvokuparidza muguta zvakaita Paris Guta reChiedza mupfungwa chaiyo, yokurumbidza Jehovha.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Horo yomuGuta
[Mufananidzo uri papeji 9]
Opera Garnier
[Mufananidzo uri papeji 9]
Miziyamu yeLouvre
[Mifananidzo iri papeji 10]
Kuudza mashoko eBhaibheri kuvanhu vakabatikana kwose kwavanowanika