RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 7/15 pp. 21-23
  • Unoshivirira Zvechokwadi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoshivirira Zvechokwadi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Jehovha Anokanganwira Kutadza Kwenyu Kwose’
  • Kuva Nomwero Kunodiwa
  • Shiviriranai
  • “Nounyoro Noruremekedzo Rukuru”
  • Bhaibheri Ringatibatsira Sei Kuti Tiremekedze Maonero Evamwe?
    Dzimwe Nyaya
  • Mwari Anoshivirira Zvakadini?
    Mukai!—2001
  • Vanochinjika, bva Vakazvipira Kumipimo yaMwari
    Mukai!—1997
  • Kushivirira—Kubva Kukunyanyisa Kumwe Kuenda Kune Kumwe
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 7/15 pp. 21-23

Unoshivirira Zvechokwadi Here?

WATI wamboshatiriswa nokusazvibata kwomumwe munhu here? Unokurumidza kuita chimwe chinhu apo kupesvedzera kunoshatisa kunenge kuchikanganisa zvakanyanya shamwari dzako dzapedyo here?

Kukurumidza kuita chimwe chinhu noushingi dzimwe nguva kunodiwa kuitira kuti chivi chakakomba chisapararira. Somuenzaniso, apo kuita zvakaipa pasina kutya kwakada kusvibisa vaIsraeri muzana remakore rechi15 B.C.E, Pinehasi muzukuru waAroni akaona zvokuita kuti abvise zvakaipa. Jehovha Mwari akatendera zvaakaita, achiti: “Pinehasi . . . wadzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsraeri; nokuti wakanga ane shungu pakati pavo.”—Numeri 25:1-11.

Pinehasi akaita zvakakodzera kuti amise kupararira kwezvinosvibisa. Asi zvakadini nokutsamwira kukanganisa kunongoitwa nevanhu nepausingambofaniri kutsamwa? Kana taizokurumidza kuita chimwe chinhu kana kuti pasina chikonzero chakarurama chokuti tidaro, taisazova mudziviriri wokururama asi kuti munhu asingashiviriri—munhu asingabvumiri kusakwana kwevamwe. Chii chingatibatsira kudzivisa musungo uyu?

‘Jehovha Anokanganwira Kutadza Kwenyu Kwose’

Jehovha ndi“Mwari ane godo (anoshingaira); Mwari asingashiviriri makwikwi.” (Eksodho 20:5, NW with Ref., mashoko omuzasi) Zvaari Musiki, ane kodzero yokurayira kuti tizvipire kwaari iye oga. (Zvakazarurwa 4:11) Asi, Jehovha anoshivirira kusava nesimba kwevanhu. Nezvake, munyori wepisarema Dhavhidhi akabva aimba kuti: “Jehovha une tsitsi nenyasha, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji. Haangarambi [“achiwanira mhaka,” NW] . . . Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.” Hungu, kana tichipfidza, Mwari ‘anokanganwira zvikanganiso zvedu zvose.’—Pisarema 103:3, 8-10.

Nokuti anonzwisisa kutadza kwevanhu, Jehovha ‘haarambi achiwanira mhaka’ vaiti vezvakaipa vanopfidza. (Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Chaizvoizvo, chinangwa chake ndechokubvisa chivi nokusakwana. Kusvikira izvozvo zvaitwa zvakazara, panzvimbo pokutiitira ‘zvakatifanira,’ Mwari anotikanganwira nenyasha pahwaro hwechibayiro chaJesu Kristu. Hapana nomumwe wedu aizonzi akakodzera kupona dai Jehovha asina kuratidza ngoni pazvakanga zvakakodzera. (Pisarema 130:3) Tinogona kuonga kwazvo kuti Baba vedu vokudenga, vanorayira zvakakodzera kuzvipira kwavari ivo voga, ndiMwari anoshivirira!

Kuva Nomwero Kunodiwa

Sezvo Changamire Ishe wezvakasikwa zvose achishivirira mukubata nevanhu vasina kukwana, hatifaniriwo kudaro here? Kushivirira kwakarondedzerwa se“pfungwa yokuva ane mwoyo murefu pazvinofungwa kana kuti kuitwa nevamwe.” Isu pachedu tine pfungwa yakadaro here—kuda kuratidza mwoyo murefu uye kuzvidzora apo vamwe vanotaura kana kuti kuita zvinhu zvisiri zvivi zvakakomba asi zvichida zvisina kukodzera kutaura kana kuzviita?

Chokwadi, hatifaniri kungoshivirira zvose zvose. Somuenzaniso, migumisiro yakaipa zvikuru inovapo apo vakuru vezvitendero vanoshivirira vapristi vanoshandisa vamwe zvisina kunaka avo vanoramba vachishungurudza vakomana nevasikana munyaya dzepabonde. “Vachiona zvakaitika kuvana vacho sokutadza kwakangoitikawo,” akadaro mumwe mutori wenhau muIreland, “vakuru vechechi vakangotamisira mupristi akanga aputsa mutemo [kune imwe nzvimbo].”

Kungotamisa murume akadaro muenzaniso wokushivirira kwakakodzera here? Kana! Ngatiti vakuru vezvoutano vanobvumira chiremba anovhiya asina hanya kuramba achishanda, vachimutamisa pachipatara chimwe kuenda kune chimwe, kunyange zvazvo akanga achiuraya kana kuti kuremadza varwere vake. Pfungwa yakarasika yokuda kuvimba nenyanzvi dzoutano ingaguma no“kushivirira” kwakadai. Asi zvakadini neavo vakarasikirwa noupenyu hwavo kana kuti vakakuvadzwa zvakaipa nemhaka yezviito zvokuregeredza kana kuti kunyange zvokupara mhosva?

Panewo ngozi yokushivirira zvishoma. Apo Jesu akanga ari pasi pano, vamwe vaJudha vaizivikanwa sevaZealot vakatsvaka kushandisa muenzaniso waPinehasi zvisina kururama vachiedza kururamisa mabasa avo pachavo. Chimwe chiito chokunyanyisa chevamwe vaZealot kwaiva “kuvhengana nemapoka muJerusarema munguva yemitambo nezvimwe zviitiko zvakafanana naizvozvo vobaya vanhu vavakanga vasingafariri nemapanga akapinza kwazvo ivo vasingafungiri.”

Zvatiri vaKristu, hatizofi takaita sezvaiita vaZealot zvokurwisa vasingatifadzi. Asi kusashivirira kwakati kungaita kuti tirwise nedzimwe nzira vaya vatisingafariri here—zvichida nokutaura zvakaipa nezvavo? Kana tichishivirira zvechokwadi, hatingashandisi kutaura kunokuvadza kwakadaro.

VaFarisi vomuzana remakore rokutanga vakanga vari rimwe boka risingashiviriri. Vaigara vachingopa vamwe mhosva uye vakanga vasingabvumiri kusakwana kwevamwe. VaFarisi vaidada vaitarisira pasi vanhuwo zvawo, vachivazvidza se“vanhu vakatukwa.” (Johani 7:49) Nokuda kwechikonzero chakanaka, Jesu akatuka varume vaizviruramisa vakadaro, achiti: “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti munopa chegumi chemindi nedhiri nekumini, asi makarega nhau dzakakomba zvikuru dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni nokutendeka. Maisungirwa kuita zvinhu izvi, asi kwete kurega zvimwe zvinhu zvacho.”—Mateu 23:23.

Mukutaura mashoko aya, Jesu akanga asiri kuderedza kukosha kwokuchengeta Mutemo waMosesi. Akanga achingoratidza kuti nhau “dzakakomba,” kana kuti dzinokosha zvikuru, dzoMutemo dzaida kuti ushandiswe nokunzwisisa nengoni. Zvechokwadi Jesu nevadzidzi vake vakanga vakatanhamara kupfuura vaFarisi nevaZealot vakanga vasingashiviriri!

Jehovha Mwari kana Jesu Kristu havapembedzi zvakaipa. Nokukurumidza, ‘kutsiva kuchaunzwa pane vasingazivi Mwari uye pane vaya vasingateereri mashoko akanaka.’ (2 VaTesaronika 1:6-10) Zvisinei, pakushingairira kwake kururama, Jesu haambotadzi kuratidza kuva nehanya kwokushivirira, kwengoni, uye kworudo kwaBaba vake vokudenga kuvose vanoda kuita zvakarurama. (Isaya 42:1-3; Mateu 11:28-30; 12:18-21) Zvechokwadi Jesu akatigadzira muenzaniso wakazonaka!

Shiviriranai

Kunyange zvazvo tingashingairira zvikuru zvakarurama, ngatishandisei zano romuapostora Pauro rokuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro.” (VaKorose 3:13; Mateu 6:14, 15) Kushivirira kunoda kuregerera kutadza kwevamwe uye kukanganisa munyika ino yevanhu vasina kukwana. Tinoda kuva vanonzwisisa pane zvatinotarisira vamwe.—VaFiripi 4:5.

Kuva anoshivirira hakumborevi kutendera kuita zvakaipa kana kuti kusaona zvikanganiso. Kumwe kufunga kana kuti mufambiro wewatinotenda naye zvingava zvisinganyatsoenderani nezvinodiwa naJehovha. Kunyange kutsauka kwacho kungava kusati kwakomba zvokuti uzorambwa naMwari, kunogona kupa nyevero inoratidza kuti kugadzirisa kwakati kunodiwa. (Genesi 4:6, 7) Kuratidza rudo kwakadini apo vane zvinodiwa zvomudzimu vanoedza kururamisa mutadzi wacho nounyoro! (VaGaratiya 6:1) Zvisinei, kuti vabudirire mukuedza uku, zvakakosha kuti vazviite nemhaka yokuva nehanya panzvimbo pokudaro nepfungwa yokutsoropodza.

“Nounyoro Noruremekedzo Rukuru”

Zvakadini nokushivirira vanhu vanoona zvinhu zvechitendero nenzira yakasiyana neyatinoita? “Chidzidzo Chikuru” chakaiswa muZvikoro zvose zveHurumende zvaiva muIreland muna 1831 chinoti: “Jesu Kristu akanga asina chinangwa chokuti chitendero chake chimanikidzirwe pavanhu nechisimba. . . . Kukakavadzana nevavakidzani vedu nokuvabata zvakashata haisiyo nzira yokuvatendisa kuti takarurama uye ivo havana kururama. Zvingatovaratidza kuti hatina mudzimu wechiKristu.”

Jesu akadzidzisa uye akaita nenzira yaiunza vanhu kuShoko raMwari, uye isu tinofanirawo kudaro. (Mako 6:34; Ruka 4:22, 32; 1 Petro 2:21) Somunhu akakwana ane nzwisiso yakakosha yaakapiwa naMwari, aigona kuziva zviri mumwoyo. Naizvozvo, pazvakanga zvakakodzera Jesu aikwanisa kutuka zvakakomba vavengi vaJehovha. (Mateu 23:13-33) Kuita kwake izvi kwakanga kusiri kusashivirira.

Kusiyana naJesu, hatina mano okuziva zviri mumwoyo. Nokudaro, tinofanira kutevera zano romuapostora Petro rokuti: “Tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita kudaro nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15) Sevashumiri vaJehovha, tinofanira kudzivirira zvatinodavira nokuti zvakavakirwa zvakasimba paShoko raMwari. Asi tinoda kuita izvi munzira inoratidza kuremekedza vamwe nezvavanotenda zvepachokwadi. Pauro akanyora kuti: “Kutaura kwenyu ngakugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive nzira yamunofanira kupindurana nayo.”—VaKorose 4:6.

Mumharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu akati: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Saka, ngatishiviriranei toremekedza vaya vatinoparidzira mashoko akanaka. Nokudzikamisa kushingairira kwatinoita kururama nokushivirira kwakavakirwa paBhaibheri, tichafadza Jehovha uye tichashivirira zvechokwadi.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Dzivisa mafungiro okusashivirira evaFarisi

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jesu akaratidza kushivirira sezvaiita Baba vake. Unodarowo here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe