RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 4/15 pp. 14-16
  • Takanga Tisiri Toga Pakaedzwa Kutenda Kwedu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Takanga Tisiri Toga Pakaedzwa Kutenda Kwedu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutenda Kwedu Kunoedzwa
  • Zvinetso Zvemari
  • Nyanzvi Yokurapa Ichishanda
  • Kutenda Kwedu Kwakasimbiswa
  • Wakagadzirira Here Kutarisana Nomugariro Wokurapwa Unodenha Kutenda?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Kutarisana Nemamiriro Ezvinhu Anoda Kurumidziro Ezvokurapa
    Mukai!—1996
  • Kuvhara Mukaha Uri Pakati Pavanachiremba Navarwere veZvapupu
    Mukai!—1991
  • Kuisira Ropa—Makakatanwa Aitika Kwenguva Refu
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 4/15 pp. 14-16

Takanga Tisiri Toga Pakaedzwa Kutenda Kwedu

Vicky akanga ari mwanasikana akanaka—aine utano hwakanaka, akatsvinda, uye akagwinya. Hungu, paakaberekwa muchirimo cha1993, takafara zvikuru. Taigara mutaundi duku riri kumaodzanyemba kweSweden, uye upenyu hwakanga huchinakidza.

ZVISINEI, Vicky paakanga ava negore rimwe nehafu, zvinhu zvakatanga kutichinjira. Akanga achirwara kwenguva yakati, saka takaenda naye kuchipatara. Hatimbofi takakanganwa nguva yatakaudzwa nachiremba kuti mwanasikana wedu akanga achirwara neleukemia, rudzi rwekenza inowanikwa muvana vaduku inokanganisa masero eropa machena.

Zvakanga zvakaoma kubvuma kuti mwanasikana wedu muduku akanga abatwa nechirwere ichi chinotyisa. Akanga achangotanga kunzwisisa zvakamupoteredza, uye zvino aigona kufa. Achiedza kutinyaradza, chiremba wacho akati kurapa kungangobudirira kwaigona kuitwa, kwaisanganisira kushandisa mishonga inouraya masero ekenza pamwe chete nokuisira ropa kwakawanda. Izvi zvakativhiringidza zvakare.

Kutenda Kwedu Kunoedzwa

Tainyatsoda mwanasikana wedu uye taida kuti arapwe zvakanakisisa. Kunyange zvakadaro, kuisira ropa kwakanga kusingagamuchiriki zvachose. Tinotenda Shoko raMwari Bhaibheri zvakasimba, rinotaura zvakajeka kuti vaKristu vanofanira ‘kurega ropa.’ (Mabasa 15:28, 29) Taizivawo kuti kuisirwa ropa pachakwo kune ngozi. Vakawanda vakabatwa nezvirwere uye vakafa nokuisirwa ropa. Chaigona kuitwa chete kwakanga kuri kurapa kwepamusoro-soro kwaisabatanidza kuisira ropa. Nemamiriro ezvinhu akadai, kurwira kutenda kwedu zvino kwakatanga.

Taizoitei? Takataura neBato Remashoko Echipatara pabazi rehofisi yeZvapupu zvaJehovha muSweden tichikumbira kubatsirwa.a Pakarepo, nhare dzetsamba dzakatumirwa kuzvipatara zvakasiyana-siyana muEurope yose pachitsvakwa chipatara uye chiremba aida kurapa nemishonga inouraya masero ekenza pasina kuisira ropa. Kushingaira norudo zvakaratidzwa nehama dzedu dzechiKristu mukuedza kwadzo kutibatsira kwaisimbisa zvikuru. Hatina kusiyiwa toga mukurwira kwedu kutenda.

Mumaawa mashomanana, chipatara nachiremba zvakawanikwa muHomburg/Saar, Germany. Pakarongwa kuti tiende nendege ikoko zuva raitevera kuti Vicky aongororwe. Patakasvika, hama dzedu dzechiKristu dzaibva muungano dzeZvapupu zvaJehovha muHomburg imomo, kusanganisirawo dzimwe hama dzedu, dzaivapo kuti dzitigamuchire. Uye mumiririri weDare Rokubata Nechipatara romunzvimbo iyoyo akatigamuchira noushamwari. Akatiperekedza kuchipatara uye akatitsigira nepaaigona napo pose. Takanzwa kunyaradzwa nokuona kuti kunyange kune imwe nyika, tine hama dzokumudzimu dzinotitsigira.

Patakasangana naDr. Graf pachipatara, takanyaradzwa zvekare. Ainzwisisa zvikuru uye akativimbisa kuti aizoita chinhu chose chaaigona kuti arape Vicky pasina kuisira ropa. Kunyange kana uwandu hwemasero ake matsvuku hwaizodzika kusvika pa5 g/dl, ainge achida kupfuurira kurapa pasina kuisira ropa. Akataurawo kuti kukurumidza kuwanwa kwechirwere chacho uye kukurumidza kuunza Vicky ikoko kwakamupa mukana wakanaka wokurapwa zvinobudirira. Akabvuma kuti iyi ndiyo yaizova nguva yake yokutanga yaaizoshandisa mishonga inouraya masero ekenza asingaisiri ropa mumamiriro ezvinhu akanga akafanana neaVicky. Takaonga zvikuru uye takayemura kushinga kwaDr. Graf uye kutsunga kwake kutibatsira.

Zvinetso Zvemari

Zvino mubvunzo wakanga uri wokuti, Taizobhadhara sei kurapwa kwaVicky? Takavhundutswa patakaziviswa kuti kurapwa kwemakore maviri kwaizoda mari inosvika 150,000 deutsche marks. [Z$3 750 000]. Takanga tisina kana kachidimbu kemari iyoyo, nepo Vicky aitofanira kutanga kurapwa pakarepo. Nokubva kwatakanga taita muSweden kuenda kuGermany kunorapisa mwana, takanga tisina kodzero yokuwana inishuwarenzi youtano ipi neipi. Mwanasikana wedu taiva naye ipapo, vanachiremba vagadzirira kutibatsira, asi takanga tisina mari yakakwana.

Chipatara chacho chakatirerutsira ndokutiudza kuti kurapa kwaizotanga pakarepo kana tikabhadhara chitsama chokutanga che20 000 marks [Z$500 000] ndokusaina vimbiso yokuti taizobhadhara inenge yasara. Takanga tinewo tumari twatakanga tachengeta, uye tichibatsirwa nehama neshamwari dzine rudo, takagona kubhadhara 20 000 marks [Z$500 000]—asi zvakadini neyakanga yasara?

Takayeuchidzwa zvekare kuti takanga tisiri toga mukurwira kwedu kutenda. Imwe hama yechiKristu, yatakanga tisingazivi panguva iyoyo, yakanga ichida kubhadhara mari yose yakanga yasara. Zvisinei, hatina kuda kushandisa mari yaakati aida kutipa nomutsa, nokuti taigona kuronga zvimwe.

Nyanzvi Yokurapa Ichishanda

Kurapa kwokushandisa mishonga inouraya masero ekenza kwakatanga. Mazuva nemavhiki zvakapfuura. Pane dzimwe nguva, isu nemwanasikana wedu zvakanga zvakatiomera zvikuru uye zvichinetesa. Kune rimwe divi, taifara zvikuru uye tichionga nguva dzose paairatidza kuti ari kupora. Kurapa kwacho kwakapedza mwedzi misere. Uwandu hwemasero eropa matsvuku hwakaderera zvikuru hwakasvikwa naVicky hwakanga huri 6 g/dl, uye Dr. Graf akaita zvaakanga avimbisa.

Makore matanhatu zvino apfuura, uye kutariswa kwokupedzisira kwemvura yomutsinga yepakati pomuzongoza hakuratidzi kuti muchine leukemia. Zvino musikana anofara asina chiratidzo chipi nechipi chechirwere chacho. Hungu, zvinoita sezvisingabvumiki kuti Vicky akapora zvachose. Tinoziva kuti vana vakawanda vane chirwere ichochi vanofa pasinei zvapo nokurapwa nemishonga inouraya masero ekenza nokuisirwa ropa.

Takabudirira kurwira kutenda, asi tichibatsirwa nehama dzedu, hama dzechiKristu nehanzvadzi, uye nyanzvi dzokurapa. Bato Remashoko Echipatara rakatibatsira zvakazara mumaawa 24 pazuva. Dr. Graf nevamwe vake vakashandisa unyanzvi hwavo kubatsira Vicky kuti apore. Nokuda kwaizvozvi zvose, tinoonga zvikuru.

Kutenda Kwedu Kwakasimbiswa

Zvisinei, kupfuura zvose tinoonga Mwari wedu, Jehovha, nokuda kwokutarisira kwake kworudo uye simba ratakawana tichishandisa Shoko rake, Bhaibheri. Patinofunga zvakaitika munguva yakapfuura, tinoona kuwanda kwezvinhu zvatakadzidza uye kuti ichi chiitiko chakaoma chave chichisimbisa kutenda kwedu sei.

Zvino chido chedu chinobva pamwoyo ndechokuramba tine ukama hwepedyo naJehovha Mwari uye kudzidzisa mwanasikana wedu kukosha kwokurarama maererano nezvaanoda. Hungu, tinoda kumupa nhaka yomudzimu yakanaka youpenyu husingaperi muParadhiso iri kuuya pasi pano.—Yakagoverwa.

[Mashoko Omuzasi]

a Bato Remashoko Echipatara rinotarisira mubatanidzwa wepasi pose weMatare Okubata Nechipatara. Iwayawo anoumbwa nevazvipiri vechiKristu vakarovedzwa kukurudzira kushandira pamwe kwavanachiremba nevarwere vavo vari Zvapupu. Kune Matare Okubata Nechipatara anopfuura 1 400 ari kubatsira varwere munyika dzinopfuura 200.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe