RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 1/1 pp. 2-3
  • Maronda Omuhondo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Maronda Omuhondo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maronda ari Kuwedzera Kushata
  • Kurapa Maronda Omuhondo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mwari Anoona Sei Hondo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Hondo
    Mukai!—2017
  • Hondo Hadzidzivisiki Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 1/1 pp. 2-3

Maronda Omuhondo

“MUHONDO hamuna vakundi,” akadaro aimbova murwi akarwa muHondo yeNyika II. “Panongova nevanokundwa.” Vakawanda vangabvumirana naye. Zvinokonzerwa nehondo zvinotyisa; vakundi nevanokundwa vanobhadhara muripo wakakura. Kunyange kana kurwisana nezvombo kwapera, mamiriyoni anoramba achitambura nemaronda anotyisa ehondo.

Maronda api? Hondo inogona kuparadza vanhu vakawanda, ichisiya nherera nechirikadzi dzakawanda. Vapukunyuki vakawanda vanenge vane maronda omumuviri anotyisa, pamwe nemavanga omupfungwa. Mamiriyoni anogona kusiyiwa asina chokubata kana kuti anogona kumanikidzirwa kuva vapoteri. Tingafungidzira here ruvengo nenhamo zvinofanira kunge zviri mumwoyo yevaya vanopukunyuka kurwisana kwakadaro?

Maronda ari Kuwedzera Kushata

Maronda anokonzerwa pamwoyo yevanhu nehondo anoramba achiwedzera kushata papera nguva refu kukandisana zvombo pasi kwaitwa, pfuti dzanyarara, uye varwi vacho vaenda kumba. Zvizvarwa zvinotevera zvinogona kuvengana kwazvo. Nokuita kudai maronda eimwe hondo anogona kukonzera imwezve.

Somuenzaniso, Chibvumirano chomuVersailles, chakasainwa muna 1919 kuti Hondo yeNyika I ipere zviri pamutemo, chakagadza zvaifanira kuitwa neGermany izvo vagari vemo vakaona sezvakakasharara uye zvokutsiva. Maererano neThe Encyclopædia Britannica, zvisungo zvechibvumirano chacho “zvakaita kuti vanhu veGermany vasafara uye zvakashanda pakuwedzera shungu dzokutsiva.” Makore akati gare gare, “kusafarira chibvumirano chokuunza runyararo kwakapa Hitler pokutangira” uye kwaiva chimwe chezvinhu zvakakonzera Hondo yeNyika II.

Hondo yeNyika II yakatangira muPoland uye yakapararira kusvika yabatanidza nyika dzeBalkan. Maronda ayo mapoka emadzinza aiva mudunhu racho akapanana kuma1940 akabatsira kuvhura nzira yokuti pave nehondo munyika dzeBalkan kuma1990. “Kuvengana nokutsividza kwakaomarara kwazvo kwazova chinhu chinoramba chichiitika, zvichisvika kuzuva redu,” rakadaro pepanhau reGermany rinonzi Die Zeit.

Kana vanhu vachizogara murugare, chokwadi maronda omuhondo anofanira kurapwa. Izvozvo zvingaitwa sei? Chii chingaitwa kupedza ruvengo rwacho nenhamo? Ndiani angarapa maronda omuhondo?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: Fatmir Boshnjaku

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]

U.S. Coast Guard photo; UN PHOTO 158297/J. Isaac

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe