RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 12/15 pp. 8-11
  • Mashoko Akanaka Orugare Anosvika Kumakomo eChiapas

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Akanaka Orugare Anosvika Kumakomo eChiapas
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Misoro Midiki
  • “Ndiri Mumwe weZvapupu zvaJehovha”
  • “Jehovha Akatisimbisa”
  • Zvibereko Zvebasa Rokuparidza
  • Kukoshesa Zvokudya Zvomudzimu
  • Kuona Divi Rakanaka
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 12/15 pp. 8-11

Mashoko Akanaka Orugare Anosvika Kumakomo eChiapas

“Mukupondwa kwevanhu vakawanda kwakaipisisa kunozivikanwa nomunhu wose muruwa rweChiapas, vanhuwo zvavo 45 vasina chokuvadzivirira, kusanganisira vacheche 13, vakaurayirwa zvenyika nechikwata chavarume vakanga . . . vaine zvombo.” Rakashuma kudaro pepanhau rinonzi “El Universal” pamusoro pezvakaitika muActeal, Chiapas State, musi waDecember 22, 1997.

CHIAPAS ruwa rwuri nechokumaodzanyemba chaiko kweMexico, rwakabatana neGuatemala. Rine nhoroondo refu yourombo nokusawana zvimwe zvinhu, boka ravaIndia vanotaura chiMaya vakazvarirwa imomo rakaronga kumukira nezvombo muna January 1994, richishandisa zita rokuti Ejército Zapatista de Liberación Nacional (EZLN, Uto reZapatista Rokuunza Rusununguko rweNyika). Hurukuro dzokugadzirisa zvinhu murunyararo dzakanonoka. Kutsvakana nokurwisana, kwaiitwa navapanduki uye namauto ehurumende, kwakaguma nokudeurwa kweropa nokufa kwavanhu. Mvongamupopoto yacho yakakonzera vanhuwo zvavo vaiva munzvimbo yacho kutizira kwakachengeteka.

Mukati memamiriro ezvinhu asina kujeka akadaro, pane boka rimwe ravanhu vanoda rugare vakaramba vasina wavanotsigira mukurwisana kwezvenyika. Vachishingaira, vanotaura nezvoUmambo hwaMwari setariro bedzi yokupedza zvinetso zvinotarisana navanhu, munyika yavo nepasi pose. (Dhanieri 2:44) Ndivanaani? Zvapupu zvaJehovha. Mukuteerera murayiro waJesu, zviri kuedza kuendesa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kunzvimbo dzine vanhu vashoma zvikuru dzamakomo eChiapas. (Mateu 24:14) Zvakanga zvakaita sei kuparidza mumamiriro ezvinhu akadaro, uye zvakaguma sei?

“Ndiri Mumwe weZvapupu zvaJehovha”

Adolfo, jaya rakanga richangova muparidzi woUmambo, rimwe zuva rakanga richishanda pachiteshi chenhepfenyuro yeredhiyo muOcosingo. Kamwe kamwe, pamusiwo pakagogodzwa zvine ruzha. Chikwata chavarume vakanga vakapfeka zvinovhara kumeso chakavhozhokera mukati ndokunongedzera pfuti dzavo pamusoro wake. Vakamhanyira kuimba yokutepfunyura, ndokutora nechisimba zvishandiswa, ndokuzivisa panhepfenyuro kuti vakanga vave kurwisa hurumende.

Vachitaura naAdolfo, ava varume vakanga vane zvombo vakamurayira kubatana neboka ravo. “Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha,” akapindura kudaro Adolfo, kunyange zvazvo akanga asati abhabhatidzwa. Akatsanangura kuti tariro bedzi yokuunza rugare hwakanga huri Umambo hwaMwari, uye akaramba zvakasimba yunifomu nepfuti zvavakanga vachida kumupa. Vachiona kuramba kwake akatsunga, vakamurega achienda. Achiyeuka zvakaitika ipapo, Adolfo anoti: “Chiitiko ichocho chakasimbisa kutenda kwangu chaizvo.”

Nokufamba kwenguva mamiriro ezvinhu acho akagadzikana, asi nzvimbo yacho yakanga ichiri kuchengetwa namauto. Pasinei neizvozvo, Adolfo akabvuma kukokwa navakuru vomuungano yake kuti ashande neboka ravaKristu vakanga vari kwavo voga munzvimbo yacho. Panzvimbo dzokuongorora dzaaifanira kupfuura, masoja aimuremekedza paaizvizivisa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Akazobhabhatidzwa uye ave achigutsikana nokubatsira boka iroro riri kwaro roga kuti rive ungano yeZvapupu zvaJehovha. “Zvino zvandakabhabhatidzwa,” Adolfo akadaro, “Ndinogona kutaura nechivimbo chakazara kuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha!”

“Jehovha Akatisimbisa”

Nguva pfupi EZLN yataura paredhiyo kuti yave kurwisa hurumende, vanhu vomuguta vakatiza. Fransisco, mushumiri wenguva yakazara, kana kuti piyona, akatsanangura kuti Jehovha akamubatsira sei nomudzimai wake mune zvavakasangana nazvo.

“Takasarudza kunopotera kune imwe nzvimbo iri kure namaawa matatu kana uchifamba netsoka. Ungano yakanga iriko, saka taizova nehama. Kwakanga kwasara nguva pfupi kuti tiite gungano redu redunhu muPalenque. Ini nomudzimai wangu takanga tisingadi kurasikirwa nomusangano unokosha wamapiyona, asi takaziva kuti nzira yokuenda kugungano yakanga yakavharwa neEZLN. Takasarudza kuenda nomusango, zvakaita kuti tipedze maawa mapfumbamwe. Takasvika nenguva kuti tipinde musangano wamapiyona, watakanakidzwa nawo chaizvo, uyewo purogiramu yacho yose.

“Patakadzoka, takawana kuti musha wedu wakanga wapiswa, uye zvipfuwo zvedu zvakanga zvabiwa. Chakanga changosara kaiva katundu kembatya. Takasuruvara nokurasikirwa kwedu, asi hama dzomuOcosingo dzakatichengeta mudzimba dzadzo nomutsa. Dzakatiratidzawo kuita zvinhu izvo isu savarimi takanga tisati tamboita. Imwe hama yakandidzidzisa kutora mifananidzo, imwe kugadzira bhutsu. Ini nomudzimai wangu tave tichiita izvi kuti tizvichengete kusvikira zvino, pasina kumborega kupayona. Tichitarira pane zvakanga zvaitika, tinogona kuona kuti kunyange zvazvo zvakanga zvisiri nyore kuti titsungirire, Jehovha akatisimbisa.”

Zvibereko Zvebasa Rokuparidza

Zvapupu zvomuChaipas State hazvina kubvumira kuoma kwezvinhu nengozi yacho kuzvidzivisa kuita basa rinokosha rokuendesera vanhu vomunharaunda yacho mashoko akanaka. Somuenzaniso, muna April naMay 1995, zvakabatana navamwe vaKristu munyika yose munhimbe yokuparadzira Mashoko oUmambo turakiti No. 34, rakanga rine musoro wakakodzera kwazvo wokuti Neiko Upenyu Hwakazara Kwazvo Nezvinetso?

Munhimbe yacho—munzvimbo inonzi Pueblo Nuevo—Ciro, piyona wenguva dzose, akawana mhuri yakaratidza kufarira. Achidzokera mazuva matatu gare gare, akagona kutanga chidzidzo cheBhaibheri navo. Asi apo Ciro neshamwari yake vakadzokera kunopfuurira nechidzidzo nemhuri yacho, murume wepamba pacho akanga asipo. Asi, varume vaive muboka rakanga rakapfeka zvinovhara kumeso vakanga vakamumirira kuti vamuuraye. Vakabvunza Ciro neshamwari yake kuti vakanga vachitsvakei ndokuvatyisidzira vachiti vaida kuvauraya. Pashure pokunyengetera chinyararire kuna Jehovha, vaKristu vacho vaviri vakatsanangura noushingi kuti vakanga vauya kuzodzidzisa mhuri yacho Bhaibheri. Nokuita kudaro varume vacho vakanga vakapfeka zvinovhara kumeso vakavarega. Nokuda kwechimwe chikonzero, murume wepamba pacho haana kuzombodzoka pamba pacho zuva iroro.

Rimwe zuva kwatopera makore anenge matatu, Ciro akashamiswa kuona murume wacho achisvika pasuo rake. Ciro akafara zvikuru nokuziva kuti mhuri yacho yose yakanga yabhabhatidzwa uye kuti zvino yakanga yava kusonganirana neungano muGuatemala! Mumwe wavanasikana vacho akanga ava kutoshumira sapiyona wenguva dzose.

Kukoshesa Zvokudya Zvomudzimu

Pasinei zvapo nokuoma kwezvinhu kunoramba kuchienderera mberi muChiapas, mutariri weruwa anoshuma kuti Zvapupu zviri munharaunda yacho zvechokwadi zvinonzwisisa kukosha kwokusangana pamwe. (VaHebheru 10:24, 25) Anorondedzera zvakaitika pane rimwe zuva regungano chairo richangobva kuitwa, rakanga rakarongwa kuti ritange mangwanani-ngwanani kuitira kuti vaya vaipinda vagone kudzoka kumba vakachengeteka nokufamba kwakachena. Kunyange zvazvo vakawanda vavo vaitofanira kufamba maawa anopfuura matatu vachipinda nomusango kuti vasvike kunzvimbo yegungano, vose vakanga vatogara munzvimbo dzavo pakazosvika 7:00 dzamangwanani. Muvateereri makanga mune nhengo nhanhatu dzeboka reEZLN, dzichiteerera nokuombera, sezviri pachena dzichinakidzwa nepurogiramu yacho. Dzakafambawo maawa matatu kuti dzipinde gungano racho. Makumi maviri vavo vakauyawo kuChirangaridzo chorufu rwaKristu, chakaitirwa pane imwe Horo yoUmambo yomunharaunda.

Rimwe jaya reboka remagandanga aya rakapiwa basa navakuru varo kuti rigare richitenderera-tenderera imwe nzvimbo iri nechomukati mesango. Parakasvika munzvimbo yacho, rakawana kuti vagari vemo vose, vakawanda vacho vakanga vari Zvapupu zvaJehovha, vakanga vatiza. Saka rakagara pane imwe imba yakanga yasiyiwa. Risina zvakawanda zvokuita, rakanhonga mamwe mabhuku arakawana mumba yacho ndokutanga kuverenga. Aya akanga ari mabhuku eWatch Tower akanga asiyiwa neZvapupu. Riri roga kudaro, jaya racho ranga rine nguva yokufungisisa zvarakanga richiverenga. Rakasarudza kuti raifanira kuchinja mararamire aro muupenyu ndokusiya zvombo zvaro. Nokukurumidza sezvaraigona, rakawana Zvapupu ndokutanga kudzidza Bhaibheri. Mumwedzi mitanhatu, rakanga rave kuudza vamwe mashoko akanaka. Iro nedzimwe nhengo nhatu dzemhuri yaro dzaimbova vatsigiri veboka ramagandanga acho zvino dzave vaKristu vakabhabhatidzwa.

Kuona Divi Rakanaka

Kunyange zvazvo zvakakonzera kuoma kwezvinhu kwakakura, chaizvoizvo gakava racho rine zvakanaka zvarakaita pamaonero aiita vanhu basa rokuparidza. Mumwe mukuru ari muguta racho chairo rakatangira hondo yacho anorondedzera kuti: “Mazuva mashanu kurwa kwatanga, takaronga kuti kuparidzwe zvose mukati nokunze kweguta. Vanhu vakanga vachida kwazvo kutiteerera. Takagoreva mabhuku eBhaibheri akawanda ndokutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda. Mune imwe nharaunda, vakawanda vakanga vasingambodi kunzwa nezvechokwadi, asi nemhaka yokurwisana kwakaitika, zvino vava kuteerera, kudzidza Bhaibheri, uye kupinda misangano nemagungano.”

Hama dzacho dzinofara kuti dzave dzichigona kuita kuti mabasa adzo anoitirwa Mwari arambe achipfuurira pasinei zvapo nemamiriro ezvinhu asina kugadzikana. Mauto ehurumende neeEZLN achiziva, vanoramba vachiita magungano avo, zvinova zvinovasimbisa mumudzimu. Kushanya kunoitwa navatariri vanofambira kwave kuchikurudzira zvikuru kupfuurira mubasa rokuparidza. Zvinofadza kuti, kurudziro inobva kunyange kune vaya vari mubishi racho, vanowanzokurudzira Zvapupu kupfuurira mubasa razvo rokuparidza.

Kunyange zvazvo miedzo nezvinhu zvakaoma izvo vanhu vomuChiapas vanofanira kutsungirira zvati dererei nokufamba kwenguva, hazvina kupera. Kunyange zvakadaro, chimwe chinhu ndechechokwadi—Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga kuramba zvisingaregi mukuedza kwazvo kuunzira vanhu mashoko akanaka orugare anobva muShoko raMwari, Bhaibheri. (Mabasa 10:34-36; VaEfeso 6:15) Zvinoziva sezvakadudzwa nomuprofita Jeremia kuti: “nzira yomunhu haisi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Umambo hwaMwari chete muruoko rweMwanakomana wake, Jesu Kristu, ndihwo hunogona kuunza zvigadzikiso kukusaruramisira nourombo zviri munyika.—Mateu 6:10.

[Mepu iri papeji 9]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Gulf of Mexico

CHIAPAS

GUATEMALA

Pacific Ocean

[Kwazvakatorwa]

Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zvapupu zvichienda kuushumiri mumakomo eChiapas

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe