Shoko Rokuti “muKristu” Riri Kurasikirwa Nezvarinoreva Here?
ZVINOREVEI kuva muKristu? Ungapindura sei? Vanhu vakasarudzwa zvisina kurongwa munyika dzakasiyana-siyana vakabvunzwa mubvunzo iwoyo chaiwo, uye hedzino dzimwe dzemhinduro dzavo:
“Kutevera Jesu nokumutevedzera.”
“Kuva munhu akanaka uye kugovana nevamwe.”
“Kugamuchira Kristu saIshe noMuponesi.”
“Kuenda kuMisa, kutaura Ruzariro, uye kugamuchira Sakaramende Tsvene.”
“Handifungi kuti unofanira kuenda kuchechi kuti uve muKristu.”
Kunyange maduramanzwi anopa ndandanda yerondedzero dzinovhiringidza. Chokwadi, rimwe bhuku rine rondedzero gumi pasi peshoko rokuti “muKristu,” kutangira pana “kutenda kana kuti kuva wechitendero chaJesu Kristu” kusvikira pana “munhu akadzikama kana kuti anogamuchirika.” Hazvishamisi kuti vakawanda vanoona zvakaoma kutsanangura zvazvinoreva kuva muKristu.
Muitiro Unosunungura
Nhasi, pane vanozviti vaKristu—kunyange pane vanogara vose pazvigaro zvakafanana—mumwe angawana maonero akasiyana-siyana zvikuru panhau dzakadai sokufuridzirwa kweBhaibheri naMwari, dzidziso yokushanduka-shanduka, kubatanidzwa kwechechi mune zvematongerwe enyika, uye kugovana kutenda kwomumwe nevamwe. Nhau dzetsika, pamisoro yakadai sokubvisa pamuviri, ungochani, uye kubika mapoto, dzinowanzokakavadziranwa. Zviri pachena kuti anongova mazvake mazvake.
Somuenzaniso, rimwe dare rechechi yechiPurotesitendi, munguva pfupi yapfuura rakavhotera kutsigira kodzero dzechechi “dzokusarudza mukuru woungochani anozivikanwa kudare rayo rinodzora,” inodaro magazini inonzi Christian Century. Dzimwe nyanzvi dzezvitendero dzakatopa pfungwa yokuti kutenda muna Jesu hakukoshi pakuponeswa. Dzinotenda kuti vaJudha, vaMuslim, navamwe “zvimwe vangangopinda denga [kungofanana navaKristu],” anodaro mamwe mashoko ari muThe New York Times.
Fungidzira kana uchigona, muMarxist achitsigira gadziriro youpfumi umo varidzi vezvinhu vanodzora mitengo kana kuti munhu wehurumende inosarudzwa navanhu achisimudzira udzvinyiriri kana kuti nyanzvi yokuchengetedzwa kwezvakatipoteredza ichitsigira kuparadzwa kwemasango. “Munhu iyeye angasava chaizvoizvo muMarxist kana munhu wehurumende inosarudzwa navanhu kana nyanzvi yokuchengetedzwa kwezvakatipoteredza,” unodaro—uye ungava wakarurama. Asi, paunofunga mhatsa yepfungwa dzine vanozviti vaKristu nhasi, unoona zvitendero zvakanyatsosiyana uye zvinoramba zvichipokana nezvakadzidziswa noMuvambi wechiKristu, Jesu Kristu. Izvozvo zvinotaurei nezvorudzi rwechiKristu chairwo?—1 VaKorinde 1:10.
Chido chokuchinja dzidziso dzechiKristu kuti dzikodzere mafungiro avanhu venguva ino chave chiripo kwenguva yakareba, sezvatichaona. Mwari naJesu Kristu vanonzwa sei nezvokuchinja kwakadaro? Chechi dzinotsigira dzidziso dzisingabvi kuna Kristu dzingataura zvakarurama kuti ndedzechiKristu here? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.