Uri Kuzvirumbidza Kune Vamwe Here?
‘Handina basa nezvinofungwa navamwe vanhu!’ Munguva yokutsamwa kana kuvhiringidzika, zvichida ungazviwana uchitaura nokusatya zvakadai. Asi kana hasha dzokusatya dzangopera, unganzwa uchinetseka. Nemhaka yei? Nokuti vakawanda vedu chaizvoizvo tine basa nezvinofungwa navamwe nezvedu.
ZVECHOKWADI, tinofanira kuva nebasa namanzwire avamwe. Zvikurukuru isu savaKristu, vashumiri vakagadzwa vaJehovha Mwari, tinofanira kunetseka zvakafanira nezvokuti vamwe vanotiona sei. Pashure pezvose, tiri “chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo kunyika.” (1 VaKorinde 4:9) Pana 2 VaKorinde 6:3, 4, tinowana zano rakanaka romuapostora Pauro rokuti: “Hatipi chisakiso chokugumbuka munzira ipi neipi, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhaka; asi munzira dzose tinozvirumbidza sevashumiri vaMwari.”
Saka, zvino, zvinorevei kuzvirumbidza kune vamwe? Zvinoreva kuti tizvikwidziridze pachedu here kana kuzviita kuti tionekwe pachedu uye mano edu? Kwete. Asi zvinoda kushandisa mashoko a1 Petro 2:12, anoti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi, kuti . . . vape mbiri kuna Mwari pazuva rokuongorora kwake nemhaka yemabasa enyu akanaka kwazvo avanoona.” VaKristu vanozvirumbidza nokuita kuti mufambiro wavo utaure woga! Pakupedzisira, izvi zvinounza rumbidzo, kwete kwatiri, asi kuna Mwari. Kunyange zvakadaro, kuzvirumbidza kwedu kune vamwe kungavawo nezvinotibatsira pachedu. Ngatinzverei nzvimbo nhatu umo izvi zvingava zvechokwadi nokuda kwako.
Somunhu Anotarisirwa Kuroora
Somuenzaniso, funga nezvenyaya yokuroora. Chipo chinobva kuna Jehovha Mwari, uyo “mhuri yose iri kudenga neiri pasi pano inotumidzwa zita rayo na[ye].” (VaEfeso 3:15) Zvichida chido chako kuroora pane rimwe zuva. Kana zvakadaro, uri kuzvirumbidza kusvika pachinhanho chipi somunhu anotarisira kuroora? Hungu, mukurumbira wakaita sei wawakazviitira somurume kana mukadzi wechiKristu asati aroora?
Kune dzimwe nyika izvi zvinhu zvinokosha kwazvo kumhuri. Somuenzaniso, muGhana, apo vanhu vaviri vanoda kuroorana, itsika yavo kuti vaviri vacho vanotarisira kuroorana vaudze vabereki vavo. Ava vanobva vaudzawo dzimwe nhengo dzemhuri. Mhuri yomurume zvino inobva yatanga kutsvaka kuti ione nezvemukurumbira womukadzi wacho munzvimbo dzakapoteredza. Apo vabereki vanogutsikana nokukodzera kwomukadzi wacho, vanobva vaudza mhuri yomukadzi nezvechinangwa chemwana wavo chokuroora mwanasikana wavo. Mhuri yomukadzi zvino inobva yatanga kutarisa mukurumbira wemurume wacho vasati vabvumira kuroorana kwacho. Saka dimikira rokuGhana rinoti, “Bvunza vanomuziva usati waroorana naye.”
Zvakadini nokunyika dzokuMadokero, uko kazhinji vanhu vanobvumirwa kusarudza wavanoda kuroorana naye pachavo? Kunyange ikoko, murume kana mukadzi wechiKristu akura angaita nokuchenjera kuti atsvake kurumbidzwa kwechokwadi kubva kune avo vanoziva zvakanaka waanoda kuroorana naye, zvakadai savabereki kana shamwari dzakura. Maererano nebhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, mukadzi muduku angabvunza kuti: “‘Rudzii rwomukurumbira rune uyu murume? Ndivanaani vari Shamwari dzake? Anoratidza kuzvidzora here? Anobata sei vanhu vakwegura? Rudzii rwemhuri rwaanobva mairi? Anoshandira pamwe navo sei? Chii chiri chimiro chake chendangariro kumari? Anoshandisa zvinwiwa zvinodhaka zvisina kufanira here? Haatani kushatirwa here, kunyange kuva ane masimba masimba? Mitoroi yeungano yaanayo, uye anoiita sei? Ndingagona kumuremekedza zvikuru here?’—Revhitiko 19:32; Zvirevo 22:29; 31:23; VaEfeso 5:3-5, 33; 1 Timoti 5:8; 6:10; Tito 2:6, 7.”a
Murume angadawo kuziva nezvemukadzi wechiKristu waari kuronga kuroora. Maererano neBhaibheri, Bhoazi akava nokufarira kwakadaro muna Rute, mukadzi waakazoroora. Rute paakabvunza kuti: “Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?” Bhoazi akati: “Ndakaziviswa zvose zvawakait[a].” (Rute 2:10-12) Hungu, Bhoazi haana kungocherekedza pachake chete kuti Rute akanga ari mukadzi anozviisa pasi, akazvipira, uye anoshanda nesimba asiwo vamwe vakataura mashoko akanaka nezvake.
Nenzira yakafanana, mufambiro wako uchava nezvaunotaura pakuti vamwe vakuone somunhu akakodzera wokuroorana naye. Chaizvoizvo uri kuzvirumbidza kune vamwe sei munhau iyi?
Somushandi
Pabasa ndepamwe pokuti kuramba une mufambiro wakanaka kunogona kukubatsira. Kukwikwidzana nokuda kwamabasa kunogona kuva kukuru. Vashandi vanozivikanwa nokusazviisa pasi, kugara vachinonoka pabasa, uye kusavimbika kakawanda vanogumurwa. Makambani anogonawo kumbomisa kushanda vanhu vane ruzivo rwebasa kuti vaderedze mari inoshandiswa. Apo vasingashandi vanotsvaka mabasa matsva, vangawana kuti makambani acho achabvunza kune wavakamboshandira kuti vazive mashandire avo, maitiro, uye ruzivo rwebasa. VaKristu vakawanda vakabudirira kuzvirumbidza kune vavanoshandira nounhu hwavo hwokuremekedza, mupfekero wakafanira, unhu hwakanaka, uye unhu hwechiKristu hwakakwirira.
Kuvimbika humwe unhu—hunoiswa panzvimbo yokutanga navashandirwi vakawanda. Somuapostora Pauro, tinoda “kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Mune imwe kambani inoita zvemigodhi muGhana, kuba zvishoma nezvishoma kwakashumwa. Foromani wepanosukwa zvicherwa, aiva Chapupu, akasiyiwa pabasa rake asi vamwe vakagumurwa. Nei? Vanofambisa basa vakanga vaona kuvimbika kwake kwamakore akanga apfuura. Kushanda nesimba kwake uye kuremekedza kwake zviremera kwaizivikanwa zvikuru. Hungu, mufambiro wake wakanaka wakachengetedza basa rake!
Ndezvipi zvimwe zvinhu izvo muKristu angaita kuti azvirumbidze pamabasa? Dzidza kuva anounyanzvi pabasa rose raunopiwa. (Zvirevo 22:29) Shanda nokushingaira uye nomwoyo wose. (Zvirevo 10:4; 13:4) Remekedza waunoshandira uye foromani wapabasa pako. (VaEfeso 6:5) Kuita zvinhu nenguva, kuvimbika, kushanda zvakanaka, uye kushanda nesimba zvinhu zvinokosheswa navashandirwi, uye zvinhu izvozvo zvinogona kukubatsira kuti uwane basa kunyange apo mabasa anenge asingawaniki.
Ropafadzo Dzomuungano
Zvino, kupfuura kare, varume vakakura vari kudiwa kuti vatungamirire muungano yechiKristu. Chikonzero chacho? Isaya akaprofita kuti: “Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatamure micheka yougaro hwako.” (Isaya 54:2) Mukuzadzika kwouprofita uhwu, ungano yaJehovha yapasi pose inoramba ichikura.
Saka kana uri murume wechiKristu, ungazvirumbidza sei seanokwanisa kushanda munzvimbo yomunhu akagadzwa? Chimbofunga muenzaniso womurume muduku Timoti. Ruka anoti Timoti “aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama dzomuRistra neIkoniyumu.” Hungu, nounhu hwake hwakanaka, uyu murume muduku akazvirumbidza kune vamwe mumaguta maviri akasiyana. Naizvozvo Pauro akakoka Timoti kuti afambe naye muushumiri hwokufambira.—Mabasa 16:1-4.
Nhasi murume anga‘svasvavirira nzvimbo youtariri’ sei munzira yakarurama, inodiwa naMwari? Kwete nokuzviita kuti agadzwe asi nokukudziridza zvinhu zvomudzimu zvinodiwa nokuda kwemitoro iyoyo. (1 Timoti 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9) Iye anogonawo kuratidza kuti “ari kuda basa rakanaka” nokupinda zvakazara mubasa rokuparidza nokuita vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Avo vanozvirumbidza sevarume vechiKristu vakavimbika vanofarira zvechokwadi kugara zvakanaka kwehama dzavo dzechiKristu. Vanotevera zano romuapostora Pauro rinoti: “Goveranai nevatsvene maererano nezvavanoda. Teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.” (VaRoma 12:13) Nokuita zvinhu zvakadaro murume wechiKristu zvechokwadi anogona ‘kuzvirumbidza somushumiri waMwari.’
Panguva Dzose
Kuzvirumbidza kuna vamwe hakurevi kuedzesera kana kuti kuva “vanofadza vanhu.” (VaEfeso 6:6) Pakupedzisira, zvinoreva kuzvirumbidza kuMusiki wedu, Jehovha Mwari, tichitungamirirwa nehana yedu kuteerera nheyo dzake nemitemo yake. Kana ukakura mumudzimu kana kusimbisa ukama hwako naJehovha Mwari, vamwe vanogona kuona kuvandudzika munzira yaunobata nayo nevemhuri yako, vaunoshanda navo, uye vaKristu pamwe newe. Vachacherechedzawo kutsunga uye kudzikama kwako, kugona kwako kuona zvinhu nenzira chaiyo, mano ako okugona kutarisira mutoro, uye kuzvininipisa kwako. Izvi zvichaita kuti vakupe rudo rwavo noruremekedzo uye zvinokosha zvikuru, zvokupa tendero yaJehovha Mwari nokuti unozvirumbidza kune vamwe!
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 19]
Vabereki vakawanda vanobvunza nokuchenjera mukurumbira womumwe munhu uyo mwanakomana kana mwanasikana wavo ari kuda kuroorana naye
[Mufananidzo uri papeji 20]
Hama inozvirumbidza nokuda kweropafadzo dzebasa nokufungawo vamwe