RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 2/15 pp. 2-4
  • Teerera Nyevero!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Teerera Nyevero!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Munzvimbo ine Ngozi Here?
  • Usapinda Munzvimbo ine Ngozi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Uri Kuziva Nguva Dzatiri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Ngwavaira—Zvirango Zvinobva Kuna Mwari Here?
    Mukai!—1992
  • Kutiza Kwatakaita Kuyerera Kwemabota Aityisa!
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 2/15 pp. 2-4

Teerera Nyevero!

BHUMU! Musi waJune 3, 1991, richindengendeka zvine mutinhimira, Gomo reFugen muJapan rakaputika mazibota akawanda nedota. Musanganiswa wacho waipisa zvokuti wakayerera uchidzika nemateru acho. Kuputika kwacho kwakauraya vanhu 43. Vakawanda vakapona nepaburi retsono vakapiswa zvakaipa. “Mvura, mvura kani,” vamwe vaichema vachidaro. Vanodzimura moto uye mapurisa vakamhanya zvikuru kuti vavabatsire.

PAIDA kuputika mazibota pakanga paonekwa pamusoro peGomo reFugen vhiki dzinenge mbiri izvi zvisati zvaitika, saka zviremera nevagari vemo vakanga vakachenjerera. Kweinonyatsopfuura vhiki njodzi yacho isati yaitika, zano rokubva munzvimbo yacho rakanga rapiwa. Zuva rimwe chete kuputika kwacho kusati kwaitika, mapurisa akanga akumbira nhengo dzevanobudisa nhau kuti dzirege kuenda munzvimbo yairambidzwa. Kunyange zvakadaro, masikati iwayo aiva nengozi vanhu 43 vakafa vakanga vari munzvimbo ine ngozi.

Nei vakawanda kudaro vakapinda kana kuti vakarambira munzvimbo yacho? Vamwe varimi vakanga vasiya misha yavo vakadzoka kuti vandoongorora zvinhu zvavo neminda. Nyanzvi nhatu dzezvokuputika kwemakomo dzakanga dzichiedza kuswedera pedyo negomo racho sezvadzaigona kuti dziongorore maererano nezvadzakadzidza. Vatori venhau nevatori vemifananidzo vakati kuti vakaita chivindi chokuyambuka muganhu nokuti vaida kuwana mashoko ezvaiitika mugomo racho raida kuputika. Vatyairi vetekisi vatatu vakanga vahayiwa nevanobudisa nhau vaiva panzvimbo yacho. Mapurisa nevanodzimura moto vakanga vazvipira vaiva pabasa. Mumwe nomumwe aiva nechikonzero chake chokupinda munzvimbo ine ngozi—uye mugumisiro wacho ndewokuti akafa.

Uri Munzvimbo ine Ngozi Here?

Tingasagara tose pedyo negomo rinoputika. Asi, zvakadini kudai takatarisana nenjodzi yenyika yose, iri kuisa tose zvedu munzvimbo ine ngozi inobatanidza pasi rose? Rimwe bhuku raratidza kuti rakavimbika mukupa mashoko ouprofita rinotinyevera nezvenjodzi yenyika yose iri kuuya uye rinoirondedzera munzira iyi: “Zuva richasviba, uye mwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga, uye masimba okumatenga achazununguswa. . . . Madzinza ose apasi achazvirova achichema.” (Mateu 24:29, 30) Pano, zviitiko zvomudenga zvinobatanidza nyika yose zvinorondedzerwa sezviri kubata “madzinza ose apasi.” Kutaura neimwe nzira, uprofita uhwu hune chokuita nenjodzi ichabata isu tose.

Bhuku iri rouprofita hwakavimbika iBhaibheri. Zvinofadza kuti mashoko akapoteredza ndima yorugwaro rwadudzwa pamusoro apa anorondedzera zvakakwana zvinhu zvichatungamirira kunjodzi yenyika yose. Sezvo paida kuputika mazibota uye zvimwe zviratidzo zvokuda kuputika kwegomo zvakapa vakuru vakuru veguta reShimabara zvikonzero zvokuratidza nzvimbo ine ngozi, Bhaibheri rinotipa zvikonzero zvokuva vakachenjerera uye zvokuzvigadzirira kupukunyuka. Tinogona kudzidza chidzidzo panhamo yakaitika paGomo reFugen ndokunzwisisa maomere akaita zviri mberi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

COVER: Yomiuri/Orion Press/Sipa Press

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Yomiuri/Orion Press/Sipa Press

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe