RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 10/15 pp. 8-11
  • Kudzidza Nzira Isingakundikani Yorudo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidza Nzira Isingakundikani Yorudo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tinofanira Kudzidza Kuda Mwari
  • Kudzidza Kuda Vamwe Vanhu
  • Kurega Rudo Rwako Rwuchikura
  • Kuramba Tichiedza Kunodiwa
  • Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ida Mwari Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Ida Jehovha Mwari Wako”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Unoda “Muvakidzani Wako Sezvaunozviita” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 10/15 pp. 8-11

Kudzidza Nzira Isingakundikani Yorudo

Kosovo, Lebanon, neIreland. Aya mazita ave ari munhau kazhinji mumakore achangobva kupfuura. Anounza mupfungwa dzevanhu zviitiko zvekudeurwa kweropa, kubhomba uye kuuraya. Chokwadika, kurwisana kwechisimba kunokonzerwa nokusiyana kwechitendero, rudzi, dzinza, kana kuti zvimwe zvinhu hakusi kutsva. Kutaura chokwadi, mapeji enhau akazara nazvo, uye zvakaunza kutambura kusingatauriki kuvanhu.

VACHIONA kuti kwave kuine hondo zvikuru munhau yose, vakawanda vakagumisa kuti hazvigoni kuti hondo dzipere uye kuti ndezvemuzvarirwo kuti vanhu vavengane. Zvisinei, maonero akadaro akasiyana zvachose nezvinodzidziswa neShoko raMwari, Bhaibheri. Magwaro anotaura nenzira isingasiyi mubvunzo kuti: “Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Zvakajeka kuti Musiki anoda kuti vanhu vadanane.

Bhaibheri rinozivisawo kuti munhu akasikwa nomufananidzo waMwari. (Genesi 1:26, 27) Izvi zvinoreva kuti vanhu vakasikwa vachikwanisa kuratidza unhu hwaMwari, uye hukuru kukunda hwose ndihwo rudo. Zvazvakadaro, neiko vanhu vatadza zvinonzwisa tsitsi kuratidza rudo kunomumwe nomumwe munhau yose? Uyezve, Bhaibheri rinopa nzwisiso. Imhaka yokuti vanhu vaviri vokutanga, Adhama naEvha, vakapandukira Mwari ndokuita chivi. Somugumisiro, vana vavo vose vakaberekwa vaine chivi uye vasina kukwana. VaRoma 3:23 inotsanangura kuti: “Vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” Kukwanisa kwedu kuda kwatakapiwa naMwari kunovhiringidzwa nekuberekwa tiine chivi uye tisina kukwana. Izvi zvinoreva here kuti vanhu havachakwanisizve kudanana? Itariroi iripo yokuti tichazombova noukama hune rugare, hune rudo nevamwe vedu?

Tinofanira Kudzidza Kuda Mwari

Jehovha Mwari anoziva kuti pasinei nezvose izvi, vanhu vachiri kukwanisa kudanana. Ndokusaka achida kuti vose vanoda kumufadza varatidze rudo kusvika pavanokwanisa zvikuru. Chinodikanwa ichi chakajekeswa neMwanakomana waMwari, Jesu Kristu, paakabvunzwa kuti ataure murayiro mukuru pane yose muMutemo wakapiwa vaIsraeri. Akati: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga.” Ipapo akatizve: “Wechipiri, unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wokwako sezvaunozvida iwe. Murayiro wose navaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”—Mateo 22:37-40.

Zvisinei, vanhu vakawanda vanofunga kuti zvakaoma zvikuru kuda mumwe munhu wavasingagoni kuona, uye isu vanhu hatigoni kuona Jehovha Mwari nokuti iye Mudzimu. (Johane 4:24, NW) Zvisinei, mazuva ose tinotapurwa nezvinoitwa naMwari, sezvo tose tichivimba nezvinhu zvakanaka zvakawanda zvaakasika kuti zvitibatsire. Muapostora Pauro akataura izvi paakati: “[Mwari] haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.”—Mabasa 14:17.

Kunyange zvazvo munhu wose achibatsirwa nezvinhu zvinogoverwa noMusiki munzira dzakasiyana-siyana, vashoma zvikuru vanomuonga kana kuti vanomutenda. Saka, tinofanira kufungazve nezvezvinhu zvose izvo Mwari akatiitira uye kufungisisa nezvekunaka kunoshamisa kuri mune zvose zvaanoita. Kuita izvi kunofanira kutigonesa kunzwisisa uchenjeri hunotyisa uye simba zveMusiki wedu Mukuru. (Isaya 45:18) Kupfuura zvose, zvinofanira kutibatsira kuona kuti ndiMwari ane rudo rwakadini, mukuti haana kungotipa upenyu asiwo akaita kuti zvigoneke kuti tive nezvinhu zvakawanda zvinofadza mukurarama.

Somuenzaniso, funga nezvemaruva akasiyana-siyana akawanda zvikuru akaisvonaka akasikwa naMwari panyika. Zvinotishamisa zvikuru sei kuti akatipawo mano okuona nokunakidzwa zvikuru nezvinhu izvi zvakaisvonaka! Saizvozvowo, Mwari akagovera zvokudya zvakasiyana-siyana zvinovaka muviri kuti tirarame. Mutsa wakadini kuti akatisikawo tichikwanisa kuravidza kuti tinakirwe zvikuru nezvekudya! Izvi hazvisi zvinhu chaizvo zvinoratidza kuti zvechokwadi Mwari anotida uye kuti anoda kuti zvinhu zvitinakire zvikuru here?—Pisarema 145:16, 17; Isaya 42:5, 8.

Kunze kwekutiratidza zvaari achishandisa “bhuku rezvakasikwa,” Musiki, achishandisa Shoko rake, Bhabhheri, anotiratidza kuti ndiMwari werudzii. Izvi imhaka yokuti muBhaibheri makanyorwa zvinhu zvakawanda zverudo rwaJehovha Mwari zvaakaita nguva yakapfuura uye zvikomborero zvizhinji zvaanopikira kupa vanhu nguva pfupi iri kuuya. (Genesi 22:17, 18; Eksodho 3:17; Pisarema 72:6-16; Zvakazarurwa 21:4, 5) Kupfuura zvose, Bhaibheri rinotizivisa chiito chikuru cherudo rwaMwari kuvanhu—kupa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuti ave Mununuri wedu kuti tisunungurwe muusungwa hwechivi norufu. (VaRoma 5:8) Zvechokwadi, patinoramba tichidzidza nezveMusiki wedu ane rudo, tinobva tanyanyawo kumuda nemwoyo wedu wose.

Kudzidza Kuda Vamwe Vanhu

Sezvakataurwa naJesu, mukuwedzera kukuda Mwari nemwoyo wedu wose, mweya uye pfungwa, tinofanira kuda vavakidzani vedu sezvatinozvida isu. Kutaura chokwadi, rudo rwaMwari rwunotiita kuti tide vamwe vanhu. Muapostora Johane akatsanangura kuti: “Vadikanwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuwo tinofanira kudana.” Akapfuurira kusimbisa kuti: “Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari, waasina kumuona? Iwoyu murayiro wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoda Mwari, ngaadewo hama yake.”—1 Johane 4:11, 20, 21.

Nhasi tiri kurarama munyika iyo vanhu vanoratidza pfungwa yokuda kutanga ivo, “vanozvida,” sezvakafanotaurwa neBhaibheri. (2 Timotio 3:2) Naizvozvo, kana tichida kudzidza nzira yorudo isingakundikani, tinofanira kuedza kuchinja pfungwa dzedu zvakasimba ndokutevedzera Musiki wedu ane rudo, pane kutevera nzira dzeudyire dzevanhu vakawanda. (VaRoma 12:2; VaEfeso 5:1) Mwari anotova “nomwoyo munyoro kuna vasingaongi navakaipa,” uye “vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.” Sezvo Baba vedu vokudenga vachitipa muenzaniso wakaisvonaka kudaro, tinofanira kuedza zvikuru kuva nemutsa nevanobatsira kuna vose. Nokuita kudaro, tinozviratidza pachedu kuva ‘vanakomana vaBaba vedu vane rudo vokudenga.’—Ruka 6:35; Mateo 5:45.

Dzimwe nguva zviito zverudo zvakadaro zvingaguma nokubatsira vanhu kuti vave vanamati vaMwari wechokwadi. Makore akapfuura mumwe mudzimai ari mumwe weZvapupu zvaJehovha akaedza kugoverana mashoko eBhaibheri nemuvakidzani wake, asi akashorwa zvikuru. Zvisinei, haana kuodzwa mwoyo nemhinduro yacho. Asi, akapfuurira kuratidza mutsa uye akaedza kubatsira muvakidzani wacho. Pane imwe nguva akabatsira muvakidzani wacho kutamira kune imwe imba. Imwe nguva akaronga kuti muvakidzani wacho aperekedzwe nemumwe munhu kunhandare yendege kunochingura hama dzomuvakidzani uyu. Gare gare, muvakidzani akabvuma kudzidza Bhaibheri uye pakupedzisira akava muKristu anoshingaira pasinei nekutambudzwa zvikuru nemurume wake. Hungu, kuratidzira rudo kwakadaro kwakatanga fandesheni yezvikomborero zvisingaperi.

Kana tikava vakatendeseka nezvazvo, tichabvuma kuti kutida kunoita Mwari hakusi kuti tine unhu hunoyemurika hwakawanda. Mukusiyana neizvi, anotida kunyange tichikanganisa kazhinji uye tichikundikana. Zvazvakadaro, nenzira yakafanana tinofanira kudzidza kuda vamwe vanhu pasinei nekukundikana kwavo kwakawanda. Kana tikazvidzidzisa kunzwisisa uye kuonga unhu hwakanaka hwevamwe pane kutarisa zvavanokanganisa, zvichatiitira nyore kuti tinzwe tichivada. Manzwire atinoita nezvavo angatopfuura rudo runodzorwa nenheyo ndokusanganisira chidakadaka choushamwari norudo rwunowanika pakati peshamwari dzinonzwanana.

Kurega Rudo Rwako Rwuchikura

Rudo noushamwari zvinofanira kurerwa nekusakurirwa, uye pakati pezvinhu zvinokosha nokuda kwazvo kuva wechokwadi uye akatendeseka. Vamwe vanoedza kuvanza kukanganisa kwavo kuti varatidzike zvakanaka pamberi pevanhu vavanoda kuva shamwari dzavo. Zvisinei, kuita izvi kunowanzovapindukira, nokuti vamwe pakupedzisira vanozoziva chokwadi uye vanogumburwa nokusatendeseka kwakadaro. Naizvozvo, hatifaniri kutya kurega vamwe vachiziva zvatiri zvechokwadi—kunyange zvazvo tiine zvatinokanganisa zvatiri kuedza kuti tikurire. Izvi zvingabatsira kutanga ushamwari navo.

Somuenzaniso, imwe hanzvadzi iri Chapupu yakwegura muungano iri kuFar East yakadzidza zvishoma-shoma. Asi, haimboedzi kuvanza chokwadi ichi kuvamwe. Somuenzaniso, inobvuma pachena kuti haikwanisi kuratidzira kuvamwe kubva muuprofita hweBhaibheri uye nhau kuti Nguva dzavaMarudzi dzakaguma muna 1914.a Zvisinei, inogadza muenzaniso wakaisvonaka wekushingaira muushumiri, uyewo murudo uye rupo kuhama, zvokuti inozivikanwa nenzira yorudo sedhaimani reungano.

Mune dzimwe tsika, kuratidza chidakadaka pachena kunoshorwa; vanhu vanodzidziswa kuva norupfave pakubata nevamwe vanhu. Nepo zvakanaka nguva dzose kuva anongwarira uye ane mutsa, hatifaniri kurega rupfave rwedu ruchidzivisa kana kuti kuviga manzwire atinoita kuvamwe. Jehovha haana kunyara kutaurira kuda kwake vanhu vake vakasarudzwa, vaIsraeri vekare, achiti kwavari: “Ndakakuda norudo rusingaperi.” (Jeremia 31:3) Nenzira yakafanana, muapostora Pauro akaudza vaaitenda navo muTesaronika kuti: “Takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.” (1 VaTesaronika 2:8) Saka sezvatinoedza kusakurira chidakadaka chechokwadi kuvamwe vanhu, zvinonyanya kuwirirana nezvinodzidziswa neBhaibheri kurega kunzwa kwakadaro kuchiratidzirwa nenzira yemuzvarirwo pane kudzvinyirirwa.

Kuramba Tichiedza Kunodiwa

Kudzidza kuda uye kuratidza rudo kune vamwe chinhu chinoramba chichiitika. Kuita izvi kunoda kuramba tichiedza zvikuru nokuti tinofanira kushanda nesimba kuti tikurire kusakwana kwedu uyewo kudzivisa kupesvedzera kwakasimba kwenyika ino isina rudo. Zvisinei, mibayiro yakawanda yazvinounza inoita kuti zvive zvakakodzera chaizvoizvo.—Mateo 24:12.

Kunyange munyika ino isina kukwana zvikuru, tinogona kuva neukama huri nani nevamwe vanhu, zvichiunza mufaro mukuru, rugare, uye kugutsikana kwatiri nevamwe. Nokuedza kuita izvozvo, tinogona kuzviratidza kuti takafanirwa netariro inoshamisa yokurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari. Kupfuura zvose, nokudzidza nzira isingakundikani yorudo, tingatenderwa uye tingawana zvikomborero zvoMusiki wedu ane rudo, zvino uye nokusingagumi!

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mamwe mashoko, ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, mapeji 132-5.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Rudo rwechiKristu rwunogona kuratidzwa nezviito zvemutsa

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

UN PHOTO 186226/M. Grafman

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe