Pane Munhu ane Hanya Chaizvoizvo Here?
“Misodzi yavanomanikidzwa” yawanda zvikuru. Inobudiswa nevano“manikidzwa” kasingaperi munyika yose. Vanoitirwa utsinye vanowanzofunga kuti havana “munyaradzi”—kuti hapana munhu ane hanya navo chaizvoizvo.—Muparidzi 4:1.
PASINEI nemisodzi yakawanda iyi, vamwe havarwadziwi nekutambura kwevamwe vanhu. Vanoita sevasingaoni kurwadziwa kwevamwe vanhu, sezvakaita mupristi nemuRevhi mumuenzaniso waJesu Kristu wemunhu akarohwa, akabirwa, uye akasiyiwa ava kuda kufa pamucheto penzira. (Ruka 10:30-32) Chero zvinhu zvakavanakira ivo nemhuri dzavo, havana basa nevamwe vanhu. Chaizvoizvo, vanoti, “Hanya nani?”
Hatifaniri kushamiswa neizvi. Muapostora Pauro akafanotaura kuti mu“mazuva okupedzisira” vanhu vakawanda vaizova vasina “rudo chairwo.” (2 Timotio 3:1, 3) Mumwe mucherekedzi akademba mafungiro ekusava nehanya avapo. “Ruzivo rwevanhu vekuIreland netsika yekuva nehanya uye kugovana,” akadaro, “rwuri kutsiviwa nemutemo mutsva wokungozvifunga uye kutora zvinhu kuti zvive zvedu.” Munyika yose, vanhu vanongozvifunga uye vanotora zvinhu kuti zvive zvavo, vasina basa zvachose nenhamo dzevamwe.
Kudiwa Kwemumwe Munhu ane Hanya
Zvechokwadi panodiwa mumwe munhu ane hanya. Somuenzaniso, funga nezvemurume aigara ega muGermany aka“wanikwa akagara pamberi peterevhizheni yake—makore mashanu pashure pokunge afa paKrisimisi.” Uyu “murume, aiva zindoga akaremara,” ashungurudzwa nezvinoitika zvake zvinosuruvarisa muupenyu, haana kumboshayikwa kusvikira mari yokubhangi yaibhadhara mutero wemba yake yapera. Hapana munhu aiva nehanya naye chaizvoizvo.
Fungawo nezvevanoitirwa utsinye nembozha dzinokara mari ivo vasingagoni kuzvidzivirira. Mune imwe nzvimbo, vanenge vanhu 200 000 (25 muzana yevagari vemo) “vakafa nekudzvinyirirwa uye nzara” pashure pokunge vatorerwa minda yavo nechisimba. Kana kuti funga nezvevana vakaona utsinye hunoda kuva husingadaviriki. Mumwe mushumo wakati: “Nhamba yevana muzana rega rega [mune imwe nyika] vakaona zvinhu zvakashata zvikuru zvakawanda—kuuraya, kurova, kubata chibharo, pane dzimwe nguva zvichiitwa nevamwe vachiri kuyaruka, yakakura zvikuru.” Unogona kunzwisisa chikonzero nei mumwe akaitirwa zvakadaro angabvunza achichema, kuti “Pane munhu ane hanya neni chaizvoizvo here?”
Maererano nemumwe mushumo weSangano reMubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, vanhu vanosvika mabhiriyoni 1,3 munyika dzichiri kubudirira vanofanira kurarama nemari iri pasi pedhora rimwe chete rekuUnited States pazuva. Vanofanira kushamisika kana pane mumwe munhu ane hanya. Ndizvo zvinoitawo zviuru zvevapoteri, izvo “zvinonangana nechisarudzo chakaoma chekugara mumusasa wevapoteri kana kuti munyika isingadi vaenzi kana kuti kuedza kudzokera kunyika yechizvarirwo ichakasakadzwa nehondo kana kuti kukamukana kwemarudzi,” unodaro mushumo uri muThe Irish Times. Mushumo iwoyo waivawo neichi chinhu chinorwadza chekuita: “Vhara maziso ako, verenga kusvika kunhamba yechitatu, mumwe mwana achangobva kufa. Mumwe wevana 35 000 vachafa nhasi nemhaka yekushaya zvokudya zvinovaka muviri kana kuti chirwere chinogona kudzivirirwa.” Hazvishamisi kuti vakawanda vanodanidzira mukurwadziwa neshungu!—Enzanisa naJobho 7:11.
Izvi zvose zvinofanira kuva zvakadai here? Chaizvoizvo, pane munhu uyo asingangovi nehanya chete asiwo ane simba rekumisa kutambudzika uye kupodza kurwadziwa kwese kwakava nevanhu here?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Butiro nepeji 32: Reuters/Nikola Solic/Archive Photos
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
A. Boulat/Sipa Press